Deuteronomy (12/34)  

1. "Ndizvo zvakatemwa, nezvakatongwa, zvamunofanira kuchenjera kuti muzviite panyika yawakapiwa naJehovha Mwari wamadzibaba ako, kuti ive yako, mazuva ose amunogara panyika.
2. Munofanira kuparadza chose nzvimbo dzose, apo, ndudzi dzose dzamunopiwa kuti dzive dzenyu, padzaishumira vamwari vadzo, pamakomo marefu, napazvikomo, napasi pemiti mitema yose;
3. munofanira kuputsa aritari dzavo, nokuputsanya shongwe dzavo, nokupisa matanda avo okunamata nawo; mutemewo mifananidzo yavo yakavezwa; kuti muparadze zita razvo panzvimbo iyo.
4. Regai kuitira Jehovha Mwari wenyu saizvozvo.
5. Asi munofanira kushanyira panzvimbo yakatsaurwa naJehovha Mwari wenyu pakati pamarudzi enyu ose, kuti aise zita rakepo, paanogara, ndipo pamunofanira kushanyirapo, nokuendapo,
6. munofanira kuuyapo nezvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu, nezvipo zvokuda kwenyu, navana vemhongora dzemombe dzenyu nedzamakwai enyu;
7. ndipo pamunofanira kudya pamberi paJehovha Mwari wenyu, muchifarira zvose zvamunobata namaoko enyu, imwi, nemhuri dzenyu, sezvamakaropafadzwa naJehovha Mwari wenyu.
8. "Hamufaniri kuita sezvatinoita pano nhasi, mumwe nomumwe sezvaanoona kuti ndizvo zvakanaka;
9. nokuti muchigere kusvika pazororo napanhaka, yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
10. Asi kana mayambuka Jorodhani, mogara munyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu, ive nhaka yenyu, kana iye achikupai zororo pavavengi venyu vose vanokukombai, mogara makachengetwa,
11. Zvino kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, ndiko kwamunofanira kuuya nezvose zvandinokurairai, zvinoti: zvipiriso zvenyu zvinopiswa, nezvibayiro zvenyu, nezvegumi zvenyu, nezvipiriso zvakatsaurwa namaoko enyu, nezvipikiso zvenyu zvakaisvonaka zvamunopikira Jehovha;
12. mufare pamberi paJehovha Mwari wenyu, imwi navanakomana venyu, navanasikana venyu, navaranda venyu, navarandakadzi venyu, nomuRevhi uri mukati mamasuo enyu, nokuti iye haana mugove kana nhaka pakati penyu.
13. Chenjera kuti urege kuuya nezvipiriso zvako zvinopiswa panzvimbo ipi neipi yaunoona,
14. asi panzvimbo ichatsaurwa naJehovha pano rumwe rwamarudzi ako, ndipo paunofanira kuuya nezvipo zvako zvinopiswa, ndipo paunofanira kuita zvose zvandinokuraira.
15. "Asi ungabaya hako nokudya hako nyama mukati mamasuo ako ose, sezvinoda moyo wako, uye sezvawakaropafadzwa naJehovha Mwari wako; usina kunaka nowakanaka vose vangaidya, sezvinoitwa nenyama yemhara nenondo.
16. Asi hamufaniri kudya ropa; unofanira kuriteurira pasi semvura.
17. Usadya mukati mamasuo ako zvegumi zvezviyo zvako, kana zvewaini yako, kana zvamafuta ako, kana vana vemhongora dzemombe dzako, kana dzamakwai ako, kana chipikiso chipi nechipi chaunopika nacho, kana zvipo zvokuda kwako, kana chipiriso chinotsaurwa noruoko rwako;
18. asi unofanira kuzvidya pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo ichatsaurwa naJehovha Mwari wako, iwe, navanakomana vako navanasikana vako, navaranda vako navarandakadzi vako, nomuRevhi uri mukati mamasuo ako; unofanira kufara pamberi paJehovha Mwari wako pazvose zvaunobata namaoko ako.
19. Chenjera kuti urege kukanganwa muRevhi nguva yose yaunogara munyika yako.
20. "Zvino kana Jehovha Mwari wako akurisa nyika yako, sezvaakakupikira, iwe ukati, `Ndichadya nyama,' nokuti moyo wako unoda kudya nyama, ungadya hako nyama, sezvinoda moyo wako.
21. Kana nzvimbo yakatsaurwa naJehovha, kuti aise zita rakepo, iri kure newe, unofanira kubaya zvimwe zvemombe dzako, kana zvamakwai ako, zvawakapiwa naJehovha, sezvandakakuraira, ugozvidya mukati mamasuo ako, sezvinoda moyo wako.
22. Unofanira kuzvidya sezvinodyiwa nyama yemhara neyenondo; usina kunaka nowakanaka vose vanofanira kuzvidya pamwechete.
23. Asi chenjera kwazvo kuti urege kudya ropa, nokuti ropa ndihwo upenyu; usadya upenyu pamwechete nenyama.
24. Usaridya, asi unofanira kuriteurira pasi semvura.
25. Usaridya, kuti zvive zvakanaka newe, iwe, navana vako vanokutevera, kana uchiita zvakarurama pamberi paJehovha.
26. Asi zvinhu zvako zvitsvene, nezvipikiso zvako, unofanira kuzvitora nokuenda nazvo kunzvimbo yakatsaurwa naJehovha.
27. Zvino unofanira kugadzira zvipiriso zvako zvinopiswa, nyama neropa, paaritari yaJehovha Mwari wako; ropa rezvibayiro zvako rinofanira kuteurirwa paaritari yaJehovha Mwari wako, asi iwe unofanira kudya nyama.
28. teerera unzwe zvakanaka mashoko awa andinokuraira, kuti zvive zvakanaka newe, iwe,navana vako vanokutevera nokusingaperi, kana uchiita zvakanaka nezvakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
29. "Zvino kana Jehovha Mwari wako achiparadza pamberi pako ndudzi idzo, dzaunoenda kwadziri kundodziita dzako, ukadziita dzako, ukagara munyika yadzo;
30. uchenjere kuti urege kunyengerwa kuzodzitevera, idzo dzamboparadzwa pamberi pako; kuti urege kubvunza vamwari vavo, uchiti, `Ndudzi idzi dzinoshumira vamwari vadzo seiko? Neni ndichaitawo saizvozvo.'
31. Usaitira Jehovha Mwari wako saizvozvo; nokuti ivo vakaitira vamwari vavo zvose zvinonyangadza Jehovha, nezvaanovenga; nokuti kunyange vanakomana vavo navanasikana vavo vanovapisira vamwari vavo pamoto.
32. "Chinhu chipi nechipi chandinokurairai, chenjerai kuti muzviite; musawedzera kwazviri, kana kutapudza kwazviri.

  Deuteronomy (12/34)