| ← Deuteronomy (11/34) → |
| 1. | "Naizvozvo unofanira kuda Jehovha Mwari wako, nokuchengeta nguva dzose murayiro wake, nezvaakatema, nezvaakatonga, nezvaakaraira. |
| 2. | Zivai nhasi nokuti handitauri navana venyu vasina kuziva, vasina kuona kuranga kwaJehovha Mwari wenyu ukuru hwake, neruoko rwake rune simba, noruoko rwake rwakatambanudzwa, |
| 3. | nezviratidzo zvake, namabasa ake, aakaitira Farao, mambo pakati peIjipiti nenyika yake yose; |
| 4. | nezvaakaitira hondo yeIjipiti, namabhiza avo, nengoro dzavo; kuti wakavafukidza nemvura yeGungwa Dzvuku, nguva yavakakutevererai, Jehovha akavaparadza kusvikira nhasi; |
| 5. | nezvaakakuitirai murenje, kudzimana makasvika panzvimbo ino; |
| 6. | nezvaakaitira Dhatani naAbhiramu, vanakomana vaEriabhu, mwanakomana waRubheni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikavamedza, ivo navedzimba dzavo, namatende avo, nezvipenyu zvavo zvose zvakanga zvichivatevera, pakati pavalsiraeri vose. |
| 7. | Asi meso enyu akaona mabasa ose makuru aJehovha aakaita. |
| 8. | "Naizvozvo munofanira kuchengeta murayiro wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu; |
| 9. | kuti mazuva enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha, kuti uchaipa ivo navana vavo, nyika inoyerera mukaka nouchi. |
| 10. | Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina kufanana nenyika yeIjipiti, kwamakabuda, kwawaidzvara mbeu dzako, uchidzidiridza namakumbo ako, somunda wemiriwo, |
| 11. | asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokudenga; |
| 12. | inyika inochengetwa naJehovha Mwari wako; meso aJehovha Mwari wako anoramba achiitarira, kubva pakutanga kwegore kusvikira pakupedzisira kwegore. |
| 13. | "Zvino kana mukateerera zvakanaka mirairo yangu, yandinokurairai nhasi, mukada Jehovha Mwari wenyu nokumushumira nomoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, |
| 14. | ndichapa nyika yenyu mvura panguva yayo, mvura yokutanga nemvura yokuteverera, kuti ugone kukohwa zviyo zvako, newaini yako, namafuta ako. |
| 15. | Ndichameresa uswa hwemombe dzako pamafuro ako, udye, ugute. |
| 16. | Chenjerai kuti moyo yenyu irege kunyengerwa, murege kutsauka, mukashumira vamwe 'vamwari, nokunamata kwavari; |
| 17. | kuti Jehovha arege kukutsamwirai, akapfiga kudenga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kubereka zvibereko zvayo; imwi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehovha. |
| 18. | "Naizvozvo munofanira kuchengeta mashoko angu awa mumoyo yenyu nomumweya yenyu; munofanira kuasungira pamaoko enyu, chive chiratidzo, uye anofanira kuva rundanyara pakati pameso enyu. |
| 19. | Uye munofanira kuadzidzisa vana venyu, muchitaurirana pamusoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana uchifamba panzira, kana uchivata pasi, uye kana uchimuka; |
| 20. | unofanira kuanyora pamagwatidziro emikova yeimba yako, napamasuo ako; |
| 21. | kuti mazuva enyu awedzerwe, namazuva avana venyu, panyika yakapikirwa madzibaba enyu naJehovha kuti uchavapa iyo, aite samazuva okudenga pamusoro penyika. |
| 22. | "Nokuti kana mukachengeta zvakanaka murayiro uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukada Jehovha Mwari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira; |
| 23. | Jehovha uchadzinga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imwi muchabata ndudzi dzinokupfuurai noukuru nesimba, dzive dzenyu. |
| 24. | Nzvimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu ichava yenyu, nenyika yenyu ichabva parenje, neRebhanoni, kubva parwizi, rwizi Yufuratesi, kusvikira kugungwa rokumavirazuva. |
| 25. | Hakuna munhu ungagona kumira pamberi penyu; Jehovha Mwari wenyu uchatyisa nokuvhundusa nyika yose pamusoro penyu, nyika iyo yamuchazotsika pamusoro payo, sezvaakataura kwamuri. |
| 26. | "Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa; |
| 27. | kuropafadzwa, kana mukateerera mirairo yaJehovha Mwari wenyu, yandinokurairai nhasi; |
| 28. | nokutukwa, kana musingateereri mirairo yaJehovha Mwari wenyu, asi muchitsauka panzira yandinokuraira nhasi, mukatevera vamwe vamwari vamusina kuziva. |
| 29. | "Zvino kana Jehovha Mwari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbhari. |
| 30. | Ko makomo awo haazi mhiri kwaJorodhani, mberi kwenzira yokumavirira ezuva, munyika yavaKenani, vagere paMupata, pakatarisana neGirigari, pamiouki yeMore here? |
| 31. | Nokuti munofanira kuyambuka Jorodhani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu; ichava yenyu, mugaremo. |
| 32. | Chenjerai kuti muite zvakatemwa nezvakatongwa zvose, zvandinoisa pamberi penyu nhasi. |
| ← Deuteronomy (11/34) → |