Deuteronomy (10/34)  

1. "Nenguva iyo Jehovha akati kwandiri, `Uzvivezere mahwendefa maviri amabwe, akafanana nookutanga, ukwire kwandiri kugomo, ugozviitira areka yamatanda.
2. Ini ndichanyora pamahwandefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa, ugoaisa muareka.'
3. "Naizvozvo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaveza mahwendefa maviri amabwe, akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri muruoko rwangu.
4. Akanyora pamahwendefa zvakafanana norunyoro rwokutanga, aya mashoko ane gumi, amakaudzwa naJehovha pagomo, ari pakati pomoto, nezuva reungano; Jehovha akandipa iwo.
5. Zvino ndikadzoka, ndikaburuka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndaita; ndipo paachiri zvino, sezvandakarairwa naJehovha.
6. Vana vaIsiraeri vakasimuka paBheeroti Bhenejaakani, vakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakavigwa; Ereazari, mwanakomana wake, akabata upirisiti panzvimbo yake.
7. Vakasimukapo, vakaenda Gudhogodha; vakasimuka paGudhogodha vakasvika Jotibhata, panyika yakanga ine hova dzemvura.
8. Nguva iyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi, kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, nokumira pamberi paJehovha vachimushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake, kusvikira nhasi.
9. Naizvozvo vaRevhi havano mugove kana nhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)
10. "Ini ndikagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, sapakutanga; Jehovha akandinzwa nenguva iyowo; Jehovha akasakuparadza.
11. Jehovha akati kwandiri, `Simuka, utungamirire vanhu, vapinde, vatore nyika, yandakapikira madzibaba avo , kuti ndichavapa iyo.'
12. "Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomoyo wako wose uye nomweya wako wose,
13. nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka.
14. Tarira, denga nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mukati mayo, ndezvaJehovha Mwari wako.
15. Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi.
16. Naizvozvo dzingisai moyo yenyu, murege kuva nemitsipa mikukutu.
17. Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari, naShe wamadzishe, Mwari mukuru, unotyisa, usingatsauri vanhu, kana kugamuchira mubayiro.
18. Iye unoruramisira nherera nechirikadzi, unoda mutorwa, achimupa zvokudya nenguvo.
19. Naizvozvo munofanira kuda mutorwa, nokuti imwi makanga muri vatorwa panyika yeIjipiti.
20. Unofanira kutya Jehovha Mwari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira, nokupika nezita rake.
21. Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mwari wako, wakakuitira zvinhu izvi zvikuru zvinotyisa, zvawakaona nameso ako.
22. Madzibaba ako akaburukira Ijipiti vari vanhu vana makumi manomwe; zvino Jehovha Mwari wako wakakuwanza senyeredzi dzokudenga.

  Deuteronomy (10/34)