| ← Deuteronomy (10/34) → |
| 1. | "Nenguva iyo Jehovha akati kwandiri, `Uzvivezere mahwendefa maviri amabwe, akafanana nookutanga, ukwire kwandiri kugomo, ugozviitira areka yamatanda. |
| 2. | Ini ndichanyora pamahwandefa mashoko aya akanga ari pamahwendefa okutanga, awakaputsa, ugoaisa muareka.' |
| 3. | "Naizvozvo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaveza mahwendefa maviri amabwe, akanga akaita sookutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri muruoko rwangu. |
| 4. | Akanyora pamahwendefa zvakafanana norunyoro rwokutanga, aya mashoko ane gumi, amakaudzwa naJehovha pagomo, ari pakati pomoto, nezuva reungano; Jehovha akandipa iwo. |
| 5. | Zvino ndikadzoka, ndikaburuka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndaita; ndipo paachiri zvino, sezvandakarairwa naJehovha. |
| 6. | Vana vaIsiraeri vakasimuka paBheeroti Bhenejaakani, vakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakavigwa; Ereazari, mwanakomana wake, akabata upirisiti panzvimbo yake. |
| 7. | Vakasimukapo, vakaenda Gudhogodha; vakasimuka paGudhogodha vakasvika Jotibhata, panyika yakanga ine hova dzemvura. |
| 8. | Nguva iyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi, kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, nokumira pamberi paJehovha vachimushumira, nokuropafadza vanhu nezita rake, kusvikira nhasi. |
| 9. | Naizvozvo vaRevhi havano mugove kana nhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo, sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.) |
| 10. | "Ini ndikagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana, sapakutanga; Jehovha akandinzwa nenguva iyowo; Jehovha akasakuparadza. |
| 11. | Jehovha akati kwandiri, `Simuka, utungamirire vanhu, vapinde, vatore nyika, yandakapikira madzibaba avo , kuti ndichavapa iyo.' |
| 12. | "Zvino, Isiraeri, Jehovha Mwari wako unotsvakeiko kwauri, asi kuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuda, nomoyo wako wose uye nomweya wako wose, |
| 13. | nokuchengeta mirairo yaJehovha, nezvaakatema, zvandinokuraira nhasi kuti ufare zvakanaka. |
| 14. | Tarira, denga nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mukati mayo, ndezvaJehovha Mwari wako. |
| 15. | Asi Jehovha wakafarira madzibaba ako, akavada, akatsaura vana vavo vanovatevera, iyemi, kupfuura ndudzi dzose, sezvaunoona nhasi. |
| 16. | Naizvozvo dzingisai moyo yenyu, murege kuva nemitsipa mikukutu. |
| 17. | Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari, naShe wamadzishe, Mwari mukuru, unotyisa, usingatsauri vanhu, kana kugamuchira mubayiro. |
| 18. | Iye unoruramisira nherera nechirikadzi, unoda mutorwa, achimupa zvokudya nenguvo. |
| 19. | Naizvozvo munofanira kuda mutorwa, nokuti imwi makanga muri vatorwa panyika yeIjipiti. |
| 20. | Unofanira kutya Jehovha Mwari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira, nokupika nezita rake. |
| 21. | Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mwari wako, wakakuitira zvinhu izvi zvikuru zvinotyisa, zvawakaona nameso ako. |
| 22. | Madzibaba ako akaburukira Ijipiti vari vanhu vana makumi manomwe; zvino Jehovha Mwari wako wakakuwanza senyeredzi dzokudenga. |
| ← Deuteronomy (10/34) → |