Daniel (9/12)  

1. "Zvino negore rokutanga raDhariusi mwanakomana waAhasuerosi, worudzi rwavaMedhia, akanga aitwa mambo woushe hwavaKaradhea.
2. Negore rokutanga rokubata kwake ushe, ini Dhanyeri ndakanzwisisa mumabhuku kuti makore mangani akanga audzwa muporofita Jeremiya neshoko raJehovha kusvikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusaremu, kuti aiva makore makumi manomwe.
3. Ndikarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, ndakapfeka masaga ndikazvidira madota.
4. Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, `Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake,
5. takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakarayira;
6. hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika.
7. Aiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kwezviso zvedu, sapazuva ranhasi; kuvanhu vaJudha, nokuna vagere Jerusaremu, nokuvaIsiraeri vose, vari pedo navari kure, panyika dzose kwamakavadzingira, nemhaka yokudarika kwavakakudarikirai imi.
8. Aiwa, Ishe, kunyara kwezviso kuri kwatiri isu, kumadzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu, nokuti takakutadzirai.
9. Kuna Ishe Mwari wedu ndiko kune nyasha nokukanganwira, nokuti takamumukira;
10. uye hatina kuteerera izwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe nemirayiro yake yaakaisa pamberi pedu navaranda vake vaporofita.'
11. Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira.
12. Akasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu navatongi vedu vaititonga, achiuyisa pamusoro pedu chinhu chikuru chakaipa; nokuti pasi pedenga rose hakuna kumboitwa chinhu chakadai chakaitirwa Jerusaremu.
13. Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu.
14. Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake.
15. "Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata.
16. Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza.
17. Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, inzwai kunyengetera kwomuranda wenyu, nezvaanokumbira, muvhenekera nechiso chenyu panzvimbo yenyu tsvene, yava dongo, nokuda kwaIshe.
18. Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru.
19. Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu.
20. "Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu;
21. ndakati ndichitaura pakunyengetera, uya murume Gabhurieri, wandakanga ndaona pane zvandakaratidzwa pakutanga, ndaneta kwazvo, akasvika kwandiri nenguva inenge yechipo chamadekwana.
22. Akandidudzira, akataura neni, akati, `Dhanyeri, ndauya zvino kukuvigira njere nokunzwisisa.
23. Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza, nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa.
24. Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene.
25. Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika.
26. Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.'
27. Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa."

  Daniel (9/12)