← Daniel (9/12) → |
1. | "Zvino negore rokutanga raDhariusi mwanakomana waAhasuerosi, worudzi rwavaMedhia, akanga aitwa mambo woushe hwavaKaradhea. |
2. | Negore rokutanga rokubata kwake ushe, ini Dhanyeri ndakanzwisisa mumabhuku kuti makore mangani akanga audzwa muporofita Jeremiya neshoko raJehovha kusvikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusaremu, kuti aiva makore makumi manomwe. |
3. | Ndikarinzira chiso changu kuna Ishe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, ndakapfeka masaga ndikazvidira madota. |
4. | Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, `Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirayiro yake, |
5. | takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakarayira; |
6. | hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika. |
7. | Aiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kwezviso zvedu, sapazuva ranhasi; kuvanhu vaJudha, nokuna vagere Jerusaremu, nokuvaIsiraeri vose, vari pedo navari kure, panyika dzose kwamakavadzingira, nemhaka yokudarika kwavakakudarikirai imi. |
8. | Aiwa, Ishe, kunyara kwezviso kuri kwatiri isu, kumadzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu, nokuti takakutadzirai. |
9. | Kuna Ishe Mwari wedu ndiko kune nyasha nokukanganwira, nokuti takamumukira; |
10. | uye hatina kuteerera izwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe nemirayiro yake yaakaisa pamberi pedu navaranda vake vaporofita.' |
11. | Zvirokwazvo vaIsiraeri vose vakadarika murayiro wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurayiro waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira. |
12. | Akasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu navatongi vedu vaititonga, achiuyisa pamusoro pedu chinhu chikuru chakaipa; nokuti pasi pedenga rose hakuna kumboitwa chinhu chakadai chakaitirwa Jerusaremu. |
13. | Sezvazvakanyorwa pamurayiro waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyange zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu. |
14. | Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake. |
15. | "Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata. |
16. | Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza. |
17. | Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, inzwai kunyengetera kwomuranda wenyu, nezvaanokumbira, muvhenekera nechiso chenyu panzvimbo yenyu tsvene, yava dongo, nokuda kwaIshe. |
18. | Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. |
19. | Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu. |
20. | "Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu vaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu; |
21. | ndakati ndichitaura pakunyengetera, uya murume Gabhurieri, wandakanga ndaona pane zvandakaratidzwa pakutanga, ndaneta kwazvo, akasvika kwandiri nenguva inenge yechipo chamadekwana. |
22. | Akandidudzira, akataura neni, akati, `Dhanyeri, ndauya zvino kukuvigira njere nokunzwisisa. |
23. | Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza, nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa. |
24. | Vhiki dzinamakumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene-tsvene. |
25. | Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurayiro wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika. |
26. | Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatemwa, kusvikira pakuguma.' |
27. | Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa." |
← Daniel (9/12) → |