Daniel (8/12)  

1. "Negore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bheshazari, ini Dhanyeri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga.
2. Ndikaona pane zvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai.
3. Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure.
4. Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi, hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza.
5. "Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ino runyanga rukuru pakati pameso ayo.
6. Ikasvika pagondohwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo.
7. Ndikaona ichiswedera pedo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo.
8. "Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo ; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga.
9. Zvino kuno rumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka.
10. Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo.
11. Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa.
12. Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita.
13. "Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, `Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?'
14. Akati kwandiri, `Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.'
15. "Zvino ini, iyeni Dhanyeri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akanditarisa amire pamberi pangu.
16. Ndikanzwa izwi romunhu richibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, richidana richiti, `Gabhurieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.'
17. Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino akati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi akati kwandiri, `Chinzwisisa, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.'
18. Zvino akati achitaura neni, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi akandibata, akandimisa.
19. Akati, `Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.'
20. "Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia.
21. Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga.
22. Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzakabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo.
23. "Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka.
24. Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene.
25. Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu.
26. Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakaudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawaona, nokuti ndezvamazuva mazhinji anozouya.
27. "Ini Dhanyeri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa.

  Daniel (8/12)