← Daniel (8/12) → |
1. | "Negore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bheshazari, ini Dhanyeri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga. |
2. | Ndikaona pane zvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai. |
3. | Ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure. |
4. | Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi, hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza. |
5. | "Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ino runyanga rukuru pakati pameso ayo. |
6. | Ikasvika pagondohwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo. |
7. | Ndikaona ichiswedera pedo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira pamberi payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo. |
8. | "Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo ; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga. |
9. | Zvino kuno rumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka. |
10. | Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyeredzi, ndokutsika pamusoro pazvo. |
11. | Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa. |
12. | Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita. |
13. | "Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, `Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?' |
14. | Akati kwandiri, `Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.' |
15. | "Zvino ini, iyeni Dhanyeri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akanditarisa amire pamberi pangu. |
16. | Ndikanzwa izwi romunhu richibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, richidana richiti, `Gabhurieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.' |
17. | Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino akati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi akati kwandiri, `Chinzwisisa, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.' |
18. | Zvino akati achitaura neni, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi akandibata, akandimisa. |
19. | Akati, `Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.' |
20. | "Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia. |
21. | Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga. |
22. | Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzakabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo. |
23. | "Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka. |
24. | Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene. |
25. | Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu. |
26. | Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakaudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawaona, nokuti ndezvamazuva mazhinji anozouya. |
27. | "Ini Dhanyeri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa. |
← Daniel (8/12) → |