Daniel (7/12)  

1. Negore rokutanga raBheshazari mambo weBhabhironi Dhanyeri akarota, akaratidzwa zvimwe mumusoro make ari panhovo dzake, akanyora zvaakarota, akaudza vanhu mashoko makuru azvo.
2. Dhanyeri akataura, akati, "Ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, tarirai, mhepo ina dzokudenga dzakamutsa gungwa guru.
3. Mhuka huru ina dzikakwira dzichibuda mugungwa, dzisina kufanana.
4. Yokutanga yakanga yakafanana neshumba, ina mapapiro egondo; ndikaramba ndakatarira kusvikira mapapiro ayo ataurwa, ikasimudzwa ichibva panyika, ikamiswa namakumbo maviri somunhu, ikapiwa mwoyo womunhu.
5. "Ndikaonazve imwe mhuka, yechipiri, yakafanana nebere; iyo yakanga yakasimudza rumwe rutivi rwayo, uye mumuromo mayo yakanga yakaruma mbabvu nhatu pakati pameno ayo; vakati kwariri, `Simuka, upedze nyama zhinji.'
6. "Shure kwaizvozvo ndakatarira, ndikaona imwezve, yakafanana nengwe, yakanga ina mapapiro mana pamusana wayo akafanana neeshiri; mhuka iyi yakanga ine misoro minawo; ikapiwa simba.
7. "Shure kwaizvozvo ndakaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mhuka yechina, yaityisa nokuvhundusa, ine simba guru kwazvo; yakanga ina meno makuru outare; ikapedza, nokuvhuna-vhuna, nokupwanya zvakanga zvasara netsoka dzayo; iyi yakanga yakasiyana nemhuka dzose dzakaitangira; yakanga ine nyanga gumi.
8. Ndikacherechedza nyanga, ndikaona rumwe runyanga ruchibuda pakati pedzimwe, ruri ruduku, dzimwe nyanga nhatu pane dzokutanga dzikadzurwa nemidzi yadzo pamberi parwo; ndikaona kuti parunyanga urwo pakanga pana meso omunhu, nomuromo wakanga uchitaura zvinhu zvikuru.
9. "Ndikaramba ndakatarira kusvikira zvigaro zvoushe zvagadzwapo, mumwe akakwegura pamazuva ake akagarapo; nguo yake yakanga yakachena sechando, uye vhudzi romusoro wake rakanga rakaita samakushe akanatswa; chigaro chake choushe chakanga chiri mirazvo yomoto, makumbo acho uri moto unopfuta.
10. Rwizi rwomoto rwakanga rwuchibuda ruchibva pamberi pake; zviuru nezviuru zvakanga zvichimubatira, uye pamberi pake pakanga pamire zviuru zvine gumi zvezviuru zvine gumi; kutonga kukatanga, bhuku rikazarurwa.
11. "Ndikaramba ndakatarira nenguva iyo nemhaka yokudana kwamashoko makuru akanga achitaurwa norunyanga; ndikaramba ndakatarira kusvikira mhuka yaurawa, muviri wayo uchiparadzwa, uchiiswa mumoto kuti upiswe.
12. Kana dziri dzimwe mhuka, dzakatorerwa ushe hwadzo, asi upenyu hwadzo hwakawedzerwa kusvikira nhambo nenguva zvakatenderwa.
13. "Ndikaona pane zvandakaratidzwa usiku, ndikaona mumwe akafanana noMwanakomana womunhu achiuya namakore okudenga, akasvika kune akakwegura pamazuva ake, vakamuswededza pamberi pake.
14. Akapiwa simba, nokubwinya, noushe, kuti vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vamushumire; simba rake roushe isimba risingaperi, risingazopfuuri, uye ushe hwake haungazoparadzwi.
15. "Kana ndirini Dhanyeri, mweya wangu wakatambudzika mukati momuviri wangu, uye zvandakaona mumusoro mangu zvakandivhundusa.
16. Ndikaswedera kune mumwe akanga amirepo, ndikamubvunza kududzirwa kwechokwadi kwezvinhu izvi zvose. Akandiudza, akandizivisa kududzirwa kwezvinhu izvozvi.
17. Mhuka idzi huru, idzo ina, ndiwo madzimambo mana achamuka panyika.
18. Asi vatsvene voWokumusoro-soro vachapiwa ushe, ushe uchava hwavo nokusingaperi-peri.
19. "Ipapo ndakada kuziva kududzirwa kwachokwadi kwemhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose, yakanga ichityisa zvikuru, yakanga ina meso outare, nzara dzayo dziri dzendariraiyo yakanga yapedzanokuputsanya , nokupwanya zvakasara netsoka dzayo;
20. uye pamusoro penyanga dzine gumi dzakanga dziri pamusoro wayo, norumwe runyanga rwakazobuda, dzimwe nyanga nhatu dzikaparadzwa pamberi parwo, irwo runyanga rwakanga runa meso nomuromo wakanga uchitaura zvikuru, rwakanga rwakapfuura dzimwe shamwari dzarwo paukuru.
21. "Ndakatarira, ndikaona runyanga urwu ruchirwa navatsvene, nokuvakunda;
22. kusvikira akakwegura pamazuva ake achisvika, vatsvene voWokumusoro-soro vakaruramisirwa, nguva ikasvika yokuti vatsvene vapiwe ushe.
23. "Akati, `Mhuka yechina uchava ushe hwechina panyika, uchasiyana noumwe ushe hwose, uchapedza nyika yose, nokuupwanya nokuuputsanya.
24. Kana dziri nyanga dzine gumi, paushe uhwu pachamuka madzimambo ane gumi, asi mumwezve achamuka shure kwavo; iye achasiyana navamwe vokutanga, achakunda madzimambo matatu.
25. Achataura mashoko okumhura Wokumusoro-soro, achaparadza vatsvene, uye achatsvaka mano okushandura nguva nemirayiro; ivo vatsvene vachaiswa mumaoko ake kusvikira nguva imwe nedzimwe nguva, nehafu yenguva.'
26. Asi kutonga kuchatanga, vachabvisa simba rake, kuti varipedze nokuriparadza kusvikira pakuguma.
27. Ipapo ushe nesimba noukuru hwoushe hwose pasi pedenga rose, zvichapiwa vatsvene voWokumusoro-soro; ushe hwake ndohwokusingaperi, masimba ose achamushumira nokumuteerera.
28. "Ndiko kuguma kweshoko. Kana ndirini Dhanyeri, pfungwa dzangu dzakandivhundusa kwazvo, chiso changu chikashandurwa mukati mangu; asi ndakachengeta shoko iri mumwoyo mangu.

  Daniel (7/12)