Daniel (6/12)  

1. Zvino Dhariusi akaona kuti zvakanaka kugadza machinda ane zana namakumi maviri paushe hwake, vaifanira kuva paushe hwose;
2. pamusoro pavo akagadza vakuru vatatu, Dhanyeri ari mumwe wavo; kuti machinda awa auye namashoko ose kwavari, uye kuti mambo arege kutadzirwa.
3. Zvino Dhanyeri uyu akapfuura vamwe vakuru namachinda, nokuti maari makanga muno mweya wakanaka kwazvo; mambo akada kumuita mukuru woushe hwake hwose.
4. Ipapo vakuru namachinda vakatsvaka mhosva yavangapomere Dhanyeri pamusoro poushe, asi vakashayiwa shoko kana mhosva, nokuti akanga akatendeka, uye kwakanga kusina kutadza kana mhosva kwaari.
5. Zvino varume ava vakati, "Hatingatongowani shoko pamusoro paDhanyeri uyu, kana tisingamutsvakiri iro pamusoro pomurayiro waMwari wake."
6. Ipapo vakuru ava namachinda vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kwaari, "Mambo Dhariusi, raramai nokusingaperi.
7. Vakuru vose voushe, navarayiri namachinda namakurukota namadzishe vakarangana kuti mambo aite murayiro nokutema chirevo chakasimba, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba.
8. Zvino chitemai chirevo, imi mambo, muise zita renyu parunyoro, kuti chirege kuzoshandurwa, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia usingashandurwi."
9. Naizvozvo mambo Dhariusi akaisa zita rake parunyoro nechirevo.
10. Zvino Dhanyeri akati anzwa kuti runyoro rwaiswa zita ramambo, akapinda mumba make zvino mahwindo ekamuri yake akanga akazarurwa achitarira kurutivi rweJerusaremu; akapfugama namabvi ake katatu pazuva, akanyengetera nokurumbidza Mwari wake, sezvaaisiita.
11. Ipapo varume avo vakaungana vari vazhinji, vakawana Dhanyeri achikumbira nokunyengetera Mwari wake.
12. Ipapo vakaswedera, vakataura pamberi pamambo pamusoro pechirevo chamambo, vachiti, "Hamuna kuisa zita renyu pachirevo, kuti ani naani anokumbira chinhu kuna mwari upi noupi kana munhu upi noupi namazuva ana makumi matatu, asi kwamuri, imi mambo, awisirwe mugomba reshumba here?" Mambo akataura, akati, "Ishoko rechokwadi, nomurayiro wavaMedhia navaPeresia, usingashandurwi."
13. Zvino vakapindura, vakati pamberi pamambo, "Uya Dhanyeri wavana vaJudha vakatapwa, haana hanya nemi, imi mambo, kana nechirevo chamakaisa zita renyu, asi unokumbira katatu pazuva."
14. Zvino mambo akati achinzwa mashoko iwayo, akatsamwa kwazvo, akafunga mano pamwoyo pake okurwira Dhanyeri akatambudzika kusvikira zuva richivira achiedza kumurwira.
15. Ipapo varume ava vakaunganira kuna mambo vari vazhinji, vakati kuna mambo, "Zivai imi mambo, kuti ndiwo murayiro wavaMedhia navaPeresia, kuti chirevo chipi nechipi kana murau upi noupi wakatemwa namambo, hazvingashandurwi."
16. Ipapo mambo akarayira, vakauya naDhanyeri vakamuwisira mugomba reshumba. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, "Mwari wako waunosishumira nguva dzose, achakurwira."
17. Ibwe rakauyiswa, rikaiswa pamuromo wegomba, mambo akarisimbisa nechidhindo chake uye nechidhindo chamadzishe ake; kuti kurege kuva nechinhu chimwe pamusoro paDhanyeri chingashandurwa.
18. Ipapo mambo akaenda kuimba yake youshe, akavata achizvinyima zvokudya; kunyange nezvinoridzwa zvipi nezvipi hazvina kuuyiswa pamberi pake; hope dzake dzikatiza.
19. Zvino mambo akafumomuka kwazvo mangwanani, akakasira kuenda kugomba reshumba.
20. Akati achiswedera kugomba kuna Dhanyeri, akadana nezwi rokuchema; mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, "Nhai Dhanyeri, iwe muranda waMwari mupenyu, Mwari wako waunosishumira nguva dzose, ane simba rokukurwira pashumba here?"
21. Ipapo Dhanyeri akati kuna mambo, "Imi mambo, raramai nokusingaperi.
22. Mwari wangu akatuma mutumwa wake, akadzivira miromo yeshumba, dzikasandikuvadza; nokuti pamberi pake ndakawanikwa kuti handina mhosva, napamberi penyuwo, imi mambo, hakune chakaipa chandakaita."
23. Ipapo mambo akafara zvikuru kwazvo, akarayira kuti vabudise Dhanyeri mugomba. Naizvozvo Dhanyeri akabudiswa mugomba, vakashayiwa chose paakakuvadzwa, nokuti wakanga avimba naMwari wake.
24. Ipapo mambo akarayira, vakauya navaya vanhu vakanga vapomera Dhanyeri, vakavawisira mugomba reshumba, ivo, navana vavo, navakadzi vavo; shumba dzikavakunda, dzikavhuna-vhuna mapfupa avo, vachigere kusvika pasi mugomba.
25. Ipapo Dhariusi akanyorera vanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere munyika yose, akati, "Rugare ngaruwanzwe kwamuri.
26. Ndinotema chirevo, kuti munyika yose youshe hwangu vanhu vose vadedere vatye pamberi paMwari waDhanyeri; nokuti ndiye Mwari mupenyu, aripo nokusingaperi, ushe hwake haungaparadzwi; kubata kwake ushe kuchavapo kusvikira pakuguma.
27. Ndiye anorwira nokusunungura, ndiye anoita zviratidzo nezvishamiso kudenga napanyika, ndiye akarwira Dhanyeri pasimba reshumba."
28. Saizvozvo Dhanyeri uyu akagara zvakanaka pakubata ushe kwaDhariusi napakubata ushe kwaKoreshi muPeresia.

  Daniel (6/12)