Daniel (4/12)  

1. Mambo Nebhukadhinezari kuvanhu vose, namarudzi ose, namarimi ose, vagere pasi pose, "Muvanzirwe rugare!
2. Ndakati zvakanaka kuti ndikuzivisei zviratidzo nezvishamiso, zvandakaitirwa naMwari Wokumusoro-soro.
3. Zviratidzo zvake zvakakura sei! Zvishamiso zvake zvine simba guru sei! Ushe hwake ushe husingaperi, kubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi.
4. "Ini Nebhukadhinezari ndakanga ndigere norugare mumba mangu, ndinomufaro muimba yangu youshe.
5. Ndikaona kurota kwakandityisa, pfungwa dzangu panhovo dzangu, nezvandakaratidzwa mumusoro mangu zvikanditambudza.
6. Naizvozvo ndakatema chirevo kuti vachenjeri vose veBhabhironi vauyiswe pamberi pangu, kuti vandizivise kududzirwa kwokurota.
7. Ipapo vakachenjera nen’anga navaKaradhea navafemberi vakuya, ndikavaudza kurota kwangu, asi havana kundizivisa kududzirwa kwazvo.
8. Asi pakupedzisira Dhanyeri akauya pamberi pangu, iye ane zita rinonzi Bheteshazari, akatumidzwa zita ramwari wangu, anomweya wavamwari vatsvene mukati make; ini ndikamuudza kurota kwangu, ndichiti,
9. `Iwe Bheteshazari, mukuru wavakachenjera, zvandinoziva kuti une mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako, uye kuti hakuna chakavanzika chinokutambudza, chindiudza zvandakaona pakurota kwangu nokududzirwa kwazvo.'
10. "Zvandakaona mumusoro mangu, ndiri panhovo dzangu, ndezvizvi: Ndakatarira, ndikaona muti pakati penyika, kureba kwawo kwakanga kuri kukuru.
11. Muti ukakura, ukasimba, kureba kwawo kukasvika kudenga, uye wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose.
12. Mashizha awo akanga akanaka, nemichero yawo yakanga iri mizhinji, zvose zvaiwanapo zvokudya; mhuka dzesango dzakawana mumvuri pasi pawo, neshiri dzokudenga dzaigara mumatavi awo, uye zvipenyu zvose zvaidyapo.
13. "Ndikaona pane zvandakaona mumusoro mangu ndiri panhovo dzangu, ndikaona mutumwa, iye ari mutsvene, achiburuka kudenga.
14. Akadanidzira, akati, `Temai muti, dimurai matavi awo, pururai mashizha awo, paradzirai michero yawo; mhuka ngadzibve pasi pawo, neshiri pamatavi awo.
15. Asi siyai hunde nemidzi yawo muvhu, zvakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango; ngaanyoroveswe nedova rokudenga, apiwe mugove wake wouswa pamwechete nemhuka dzenyika;
16. mwoyo wake ngaushandurwe, urege kuva womunhu, apiwe mwoyo wemhuka, nguva nomwe dzipere aripo.'
17. Kutonga uku kwauya nechirevo chavachengeti, chinhu ichi charehwa neshoko ravatsvene, kuti vapenyu vazive kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anohupa waanoda, nokugadza pauri vaduku pakati pavanhu.
18. "Ndiko kurota kwandakaona, ini mambo Nebhukadhinezari; zvino iwe Bheteshaari, chindizivisa kududzirwa kwazvo, vakachenjera vose voushe hwangu zvavasingagoni kundizivisa kududzirwa kwazvo; asi iwe unogona, nokuti mweya wavamwari vatsvene uri mukati mako."
19. Zvino Dhanyeri, akanga ane zita rinonzi Bheteshazari, akashayiwa shoko chinguva chiduku, pfungwa dzake dzikamuvhundusa. Mambo akapindura, akati, "Bheteshazari, kurota uku nokududzirwa kwazvo ngazvirege kukuvhundusa." Bheteshazari akapindura, akati, "Ishe wangu, kurota uku ngakuitirwe vanokuvengai, nokududzirwa kwazvo vadzivisi venyu.
20. Muti wamakaona, iwo wakakura ukasimba, wakasvika kudenga pakureba kwawo, wakanga uchionekwa kusvikira kumigumo yenyika yose;
21. wakanga una mashizha akanaka, nemichero yawo zviri zvizhinji, paiwana zvose zvokudya, waigara mhuka dzesango pasi pawo, uye paigara shiri dzokudenga mumatavi awo,
22. ndiyemi mambo; imi makakura, mukava nesimba, nokuti ukuru hwenyu hwakakura, hunosvikira kudenga, uye ushe hwenyu hunosvikira kumugumo wenyika.
23. "Zvino mambo zvaakaona mutumwa, ari mutsvene, achiburuka kudenga achiti, `Temai muti, muuparadze, asi musiye hunde yemidzi yawo muvhu, yakasungwa nechisungo chedare nendarira pakati pebumhudza resango, anyoroveswe nedova rokudenga, uye apiwe mugove wake pamwechete nemhuka dzesango, kusvikira nguva nomwe dzapera aripo;'
24. uku ndiko kududzirwa kwazvo, imi mambo, ndicho chirevo choWokumusoro-soro, chichauya pamusoro pashe wangu mambo.
25. "Muchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwenyu huchava pakati pemhuka dzesango, muchadyiswa uswa senzombe, muchanyoroveswa nedova rokudenga, uye nguva nomwe dzichapera muripo, kusvikira maziva kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, unohupa waanoda.
26. Uye zvavakaraira kuti hunde yemidzi yomuti isiiwe ushe bwenyu bwuchakumutsiraizve , kana matenda kuti Wokudenga ndiye unobata ushe.
27. Naizvozvo imi mambo, tendai zvandinokurayirai, muparadzane nezvivi zvenyu muchiita zvakarurama, uye nezvakaipa zvenyu, muchiitira varombo nyasha; zvimwe nguva yenyu yorugare ingawedzerwa."
28. Izvozvi zvose zvakawira mambo Nebhukadhinezari.
29. Mwedzi ine gumi nemiviri yakati yapera, akanga achifamba paimba youshe muBhabhironi.
30. Mambo akataura, akati, "Ko iri harizi Bhabhironi guta guru, randakavaka ini nesimba rangu guru, ndikurise umambo hwangu, huve hugaro hwamadzimambo, here?"
31. Shoko iri rakanga richiri mumuromo wamambo, izwi rikabva kudenga, richiti, "Iwe mambo Nebhukadhinezari, shoko rinotaurwa kwauri, rokuti, `Ushe hwabva kwauri.'
32. Uchadzingwa pakati pavanhu, ugaro hwako huchava pakati pemhuka dzesango; uchadyiswa uswa senzombe; nguva nomwe dzichapera uripo, kusvikira watenda kuti Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, anoupa waanoda.
33. Nenguva iyo chinhu ichi chakaitikapamusoro paNebhukadhinezari; wakadzingwa pakati pavanhu, akadya uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira vhudzi rake rareba seminhenga yegondo, nenzara dzake dzafanana nedzeshiri.
34. "Zvino mazuva iwayo akati apera, ini Nebhukadhinezari ndikatarira kudenga nameso angu, simba rangu rokufunga rikadzokerazve kwandiri, ndikatenda Wokumusoro-soro, ndikamurumbidza nokumukudza iye ari mupenyu nokusingaperi; nokuti ushe hwake hauperi, nokubata kwake ushe kunosvikira kumarudzi namarudzi;
35. vose vagere panyika vakaita savasina maturo; iye anoita sezvaanoda pahondo yokudenga, napakati pavagere panyika; hakuna angadzora ruoko rwake, kana angati kwaari, `Unoiteiko?'
36. Nenguva iyeyo simba rangu rokufunga rakadzokera kwandiri; uye kana iri mbiri youshe hwangu, umambo hwangu nokubwinya kwangu zvakadzokera kwandiri; makurukota angu namadzishe angu akandishanyirazve, ndikagadzwazve paushe hwangu, ukuru hwakaisvonaka hukawedzerwa.
37. Zvino ini ebhukadhinezari ndinorumbidza nokuombera nokukudza Mambo wokudenga; nokuti mabasa ake ose ndeechokwadi, nzira dzake dzakarurama; iye anogona kuderedza vanofamba vachizvikudza."

  Daniel (4/12)