Daniel (2/12)  

1. Negore rechipiri rokubata ushe kwaNebhukadhinezari, Nebhukadhinezari akarota hope; mweya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza.
2. Ipapo mambo akarayira kuti vachenjeri nen’anga navaroyi navaKaradhea vadanwe kuzodudzira mambo kurota kwake. Ipapo vakapinda vakamira pamberi pamambo.
3. Mambo akati kwavari, "Ndarota hope, zvino mweya wangu unotambudzika ndichiti ndinzwisise kurota kwangu."
4. Ipapo vaKaradhea vakataura namambo norurimi rwavaSiria, vakati, "Mambo ngaararame nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo."
5. Mambo akapindura, akati kuna vaKaradhea, "Shoko ratemwa neni; kana mukasandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchagurwa-gurwa, uye dzimba dzenyu dzichaitwa durunhuru.
6. Asi kana mukandizivisa kurota kwangu nokududzirwa kwazvo, muchapiwa neni zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru; naizvozvo chindizivisai kurota nokududzirwa kwazvo."
7. Ivo vakapindura rwechipiri, vachiti, "Mambo ngaaudze varanda vake kurota kwake, isu tigokuzivisai kududzirwa kwazvo."
8. Mambo akapindura, akati, "Ndinoziva kwazvo kuti imi munongotsvaka kuwedzerwa nguva, nokuti munoona kuti shoko iri ratemwa neni.
9. Asi kana mukasandizivisa kurota kwangu, mucharohwa nomurayiro mumwe chete, nokuti makazvigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi pangu, kusvikira nguva yashanduka; naizvozvo chindiudzai kurota kwangu, ipapo ndichaziva kuti mungandizivisa kududzirwa kwazvo."
10. VaKaradhea vakapindura pamberi pamambo, vakati, "Hakuna munhu pasi pose angagone kuzivisa shoko iri ramambo, nokuti hakuna mambo kana ishe, kana mubati akatongotsvaka chinhu chakadai kune wakachenjera kana n’anga, kana muKaradhea upi noupi.
11. Chinhu chinobvunzwa namambo chikuru kwazvo, hakuna angachizivisa kuna mambo, asi vamwari vasingagari navanhu."
12. Nemhaka iyi mambo akatsamwa, akava nehasha kwazvo, akarayira kuti vachenjeri vose veBhabhironi vaurawe.
13. Naizvozvo chirevo chakatemwa kuti vachenjeri vaurawe, vakatsvakawo Dhanyeri neshamwari dzake kuti vaurawe.
14. Ipapo Dhanyeri akapindura Arioki nenjere nokungwara, iye mukuru wachengeti vamambo, akanga abuda kundouraya vachenjeri veBhabhironi;
15. akati kuna Arioki mukuru wavachengeti vamambo, "Chirevo ichi chamambo chine hasha neiko?" Ipapo Arioki akazivisa Dhanyeri shoko iro.
16. Zvino Dhanyeri akapinda kuna mambo, akakumbira kwaari, kuti amu rwa kwazvo.
17. Ipapo Dhanyeri akaenda kumba kwake, akandozivisa shamwari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro;
18. kuti vakumbire nyasha kuna Mwari wokudenga pamusoro pechinhu ichi chakavanzika, kuti Dhanyeri neshamwari dzake varege kuparadzwa pamwechete navamwe vachenjeri veBhabhironi.
19. Ipapo chinhu icho chakavanzika chakaziviswa Dhanyeri pane chaakaratidzwa usiku. Dhanyeri akatenda Mwari wokudenga.
20. Dhanyeri akapindura, akati, "Zita raMwari ngaritendwe nokusingaperi-peri, nokuti uchenjeri nesimba ndezvake.
21. Ndiye anoshandura nguva nemisi; ndiye anobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye anopa vakachenjera uchenjeri, navane njere zivo;
22. ndiye anozivisa zvinhu zvakadzama nezvakavanzika; ndiye anoziva zviri murima; chiedza chinogara kwaari.
23. Ndinokutendai nokukurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu, makandipa uchenjeri nesimba, mukandizivisa zvino zvatakakumbira kwamuri; nokuti makatizivisa shoko ramambo."
24. Naizvozvo Dhanyeri akapinda kuna Arioki, akanga arayirwa namambo kuparadza vachenjeri veBhabhironi; akandoti kwaari, "Rega hako kuparadza vachenjeri veBhabhironi; ndiise pamberi pamambo, ndichazivisa mambo kududzirwa kwazvo."
25. Ipapo Arioki akaisa Dhanyeri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari, "Ndawana munhu pakati pavana vokutapwa vaJudha, achazivisa mambo kududzirwa kwazvo."
26. Mambo akapindura, akati kuna Dhanyeri, ainzi Bheteshazari. "Iwe unogona kundizivisa kurota kwandakaona, nokududzirwa kwazvo here?"
27. Dhanyeri akapindura mambo, akati, "Chinhu chakavanzika, chakarehwa namambo, hakuna vane njere, kana n’anga, kana vachenjeri, kana vafemberi vangazivisa mambo izvozvo;
28. asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakadzama; ndiye akazivisa mambo Nebhukadhinezari zvichazovapo pamazuva okupedzisira. Kurota kwenyu, nezvamakaratidzwa mumusoro wenyu panhovo dzenyu, hezvi;
29. kana murimi, mambo, pfungwa dzenyu dzakauya kwamuri muri panhovo dzenyu, mukarangarira zvichazoitwa pashure; zvino anozivisa zvakadzama, ndiye akakuzivisai zvichazoitwa.
30. Asi kana ndirini, chinhu ichi chakavanzika hachina kundiziviswa nokuda kwenjere dzandinadzo dzinopfuura dzavamwe vapenyu vose, asi kuti mambo aziviswe kududzirwa kwazvo, uye kuti muziviswe pfungwa dziri mumwoyo wenyu.
31. "Imi mambo makatarira, mukaona chifananidzo chikuru. Chifananidzo ichi, chaiva chikuru kwazvo, chaiva nokubwinya kwakaisvo-naka, chakanga chimire pamberi penyu; chakanga chichityisa pakuonekwa kwacho.
32. Kana chiri chifananidzo ichi, musoro wacho wakanga uri wendarama yakaisvo-naka, chipfuva chacho namaoko acho zvakanga zviri zvesirivha, dumbu racho nechiuno chacho zvakanga zviri zvendarira,
33. makumbo acho akanga ari edare, uye tsoka dzacho dzaiti pamwe dare pamwe ivhu.
34. Makaramba muchitarira kusvikira muchiona ibwe richivezwa, asi zvisingaitwi namaoko omunhu, rikarova chifananidzo patsoka dzacho dzaiva dzedare nevhu, rikadziputsa-putsa.
35. Ipapo dare nevhu nendarira nesirivha nendarama zvakaputsanyiwa pamwechete, zvikafanana nehundi iri paburiro nenguva yezhizha; zvikatorwa nemhepo, zvikasawanirwa nzvimbo; asi ibwe, rakanga rarova chifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose.
36. "Ndizvo zvamakarota; zvino tichazvidudzira pamberi pamambo.
37. Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMwari wokudenga ushe noumambo nesimba nokubwinya;
38. pose panogara vana vavanhu, wakaisa paruoko rwenyu mhuka dzesango neshiri dzokudenga, akakuitai mubati wazvo zvose; imi ndimi musoro wendarama.
39. Shure kwenyu umwe ushe uchamuka, uduku kwamuri; tevere ushe hwechitatu hwendarira; huchabata panyika yose.
40. Ushe hwechina huchava nesimba sedare, sezvinoita dare rinoputsanya nokuparadza zvose; sezvinoita dare rinopwanya izvi zvose, saizvozvo uchaputsanya nokupwanya.
41. Zvamakaona tsoka nezvigunwe, zvakaitwa pamwe nevhu romuumbi wehari, pamwe nedare, uchava ushe hwakaganhurwa; asi simba redare richavamo, zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu vokuumba naro.
42. zvamakumbo zvazvakanga zvakaitwa pamwe nedare pamwe nevhu, saizvozvo ushe huchava pamwe nesimba, pamwe haungatani kuputsika.
43. Uye zvamakaona dare rakavenganiswa nevhu rokuumba naro, saizvozvo vachavengana namarudzi avanhu, asi havanganamatirani, sezvinoita dare risinganamatirani, nevhu.
44. Zvino namazuva amadzimambo iwayo Mwari wokudenga achamutsa ushe, usingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kuno rumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo uchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.
45. Zvamakaona ibwe richivezwa mugomo, zvisingaitwi namaoko avanhu rikaputsa-putsa dare nendarira nevhu nesirivha nendarama, Mwari mukuru akazivisa mambo zvichazoitwa pashure; kurota uku ndokwechokwadi, nokududzirwa kwazvo ndokwechokwadi."
46. Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake, akanamata Dhanyeri, akarayira kuti vamuvigire chipo nezvinonhuwira zvinozipa.
47. Mambo akapindura Dhanyeri, akati, "Zvirokwazvo, Mwari wako ndiye Mwari wavamwari, naIshe wamadzimambo, nomuzivisi wezvakadzama, iwe zvawakagona kuzivisa chinhu ichi chakava-
48. nzika." Ipapo mambo akaita Dhanyeri mukuru, akamupa zvipo zvikuru zvizhinji, akamuita mubati wenyika yose yeBhabhironi, nokumuitawo mutariri mukuru wavakachenjera vose veBhabhironi.
49. Dhanyeri akakumbira kuna mambo, akagadza Shadhireki naMisheki naAbhedhinego vakava varairi vezvinhu zvose zvenyika yeBhabhironi; asi Dhanyeri akagara pasuo ramambo.

  Daniel (2/12)