Daniel (12/12)    

1. "Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
2. Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu usingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
3. Vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
4. "Asi iwe Dhanyeri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.
5. "Ipapo ini Dhanyeri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechouno mhiri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechemhiri.
6. Mumwe akati kumurume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, `Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?'
7. Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
8. "Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa, ipapo ndikati, `Aiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?'
9. "Iye akati, `Chienda hako, iwe Dhanyeri, nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.'
10. Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
11. "Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
12. Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
13. "Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo."

  Daniel (12/12)