Daniel (11/12)  

1. "Kana ndirini, negore rokutanga raDhariusi muMedhia, ini ndakasimuka kundomutsigira nokumusimbisa.
2. "Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nefuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi.
3. "Zvino mambo ane simba achamuka, achabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda.
4. Kana amuka, ushe hwake huchaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo ina dzokudenga, asi hahungaendi kuvazukuru vake, uye hahungaenzani nesimba raakabata naro iye; nokuti ushe hwake huchadzurwa, ndokupiwa vamwe kunze kwaivavo.
5. "Mambo wezasi achava nesimba, nomumwe wamachinda ake; zvino iye achamupfuura nesimba, ndokubata ushe; ushe hwake huchava ushe hukuru.
6. Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa pakuparadzwa.
7. Asi pabukira remidzi yake mumwe achamuka panzvimbo yake; iye acharwa namambo wokumusoro, acharwa navo nokuvakunda.
8. Achatapawo vamwari vavo, pamwechete nemifananidzo yavo yakaumbwa, nemidziyo yavo yakanaka yesirivha nendarama, achindozviisa Ijipiti; ipapo acharega mambo wokumusoro mamwe makore.
9. Achapindawo muushe hwamambo wezasi, asi achazodzokera kunyika yake.
10. "Vanakomana vake vachandorwa, vachaunganidza boka guru ravarwi, richauya, nokupararira, ndokupfuura neseri; ipapo richadzoka ndokuzorwa kusvikira panhare yake.
11. Zvino mambo wezasi achatsamwa, achandorwa naye, naiye mambo wokumusoro; asi iye achakokera boka guru, boka iro richaiswa mumaoko ake.
12. Boka iro richatapwa, zvino mwoyo wake uchazvikudza; uchaparadza vana makumi ezviuru, asi haangakundi.
13. "Zvino mambo wokumusoro achadzoka, ndokukokera boka guru kune rokutanga; achauya pakupera kwenguva dziya, dziya dzamakore ane hondo huru nenhumbi zhinji.
14. Nenguva idzo vazhinji vachamukira mambo wezasi; uye vana vavanopenga pakati pavanhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa; asi vachaparadzwa.
15. Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handzingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro.
16. Asi uyo anouuya kuzorwa naye achaita sezvaanoda, hakuna angamira pamberi pake; zvino iye achamira panyika yakaisvonaka, akabata kuparadza muruoko rwake.
17. "Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana.
18. Shure kwaizvozvo acharinzira chiso chake kuzvivi, ndokukunda zvizhinji; asi mumwe mukuru wehondo achagumisa kushoora kwake; achadzosera kushoora kwake kuna iye amene. '
19. Ipapo acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yake; asi achagumburwa nokuwa, ndokushayikwa.
20. "Zvino panzvimbo yake kuchamuka mumwe achatuma muteresi kupfuura pakaisvonaka paushe hwake, asi kana mazuva mashoma apera uchaparadzwa, zvisingaitwi nokutsamwa kana nokurwa.
21. "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso.
22. Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo.
23. Kana apedza kuita sungano navo, achavanyengera; nokuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma.
24. Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi.
25. "Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano.
26. Vanodya zvokudya zvake, ndivo vachamuparadza; hondo yake ichapararira, vazhinji vachawira pasi vaurawa.
27. Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa.
28. Ipapo achadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mwoyo wake uchavenga sungano, achaita sezvaanoda, ndokudzokera kunyika yake.
29. "Nenguva yakatarwa achadzoka, ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga.
30. Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene.
31. Hondo dzichamutswa naye., dzichamhura nzvimbo tsvene, iye nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose, ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza.
32. Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru.
33. Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji.
34. Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku; asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso.
35. Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaedzwe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nokuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika.
36. "Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika.
37. Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose.
38. Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa.
39. Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo.
40. "Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi achapesana naye; mambo wokumusoro achauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatasvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji, achapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri.
41. Achapindawo munyika yakaisvonaka, nyika zhinji dzichakundwa, asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomu, neMoabhu norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni.
42. Achatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeIjipiti haingapukunyuki.
43. Asi achava anesimba pamusoro pefuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveIjipiti; vaRibhia navaItiopia vachatevera makwara ake.
44. Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa; ipapo achabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji.
45. Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira,

  Daniel (11/12)