← Daniel (11/12) → |
1. | "Kana ndirini, negore rokutanga raDhariusi muMedhia, ini ndakasimuka kundomutsigira nokumusimbisa. |
2. | "Zvino ndichakuzivisa chokwadi. Tarira, paPeresia pachamukazve madzimambo matatu; wechina achava mupfumi kupfuura ivavo vose; zvino kana asimba kwazvo nefuma yake, achamutsa vamwe vose kuzorwa noushe hweGirisi. |
3. | "Zvino mambo ane simba achamuka, achabata ushe nesimba guru, achiita sezvaanoda. |
4. | Kana amuka, ushe hwake huchaputswa, ndokuparadzirwa kumhepo ina dzokudenga, asi hahungaendi kuvazukuru vake, uye hahungaenzani nesimba raakabata naro iye; nokuti ushe hwake huchadzurwa, ndokupiwa vamwe kunze kwaivavo. |
5. | "Mambo wezasi achava nesimba, nomumwe wamachinda ake; zvino iye achamupfuura nesimba, ndokubata ushe; ushe hwake huchava ushe hukuru. |
6. | Kana mamwe makore apfuura, vachaita sungano; mukunda wamambo wezasi achaenda kuna mambo wokumusoro kuzotsvaka sungano, asi iye mukunda haangarambi ane simba roruoko rwake; kunyange naiye mambo haangamiri, nesimba roruoko rwake; asi mukunda, navakauya naye, naiye akamubereka, naiye akamusimbisa nenguva idzo vachaiswa pakuparadzwa. |
7. | Asi pabukira remidzi yake mumwe achamuka panzvimbo yake; iye acharwa namambo wokumusoro, acharwa navo nokuvakunda. |
8. | Achatapawo vamwari vavo, pamwechete nemifananidzo yavo yakaumbwa, nemidziyo yavo yakanaka yesirivha nendarama, achindozviisa Ijipiti; ipapo acharega mambo wokumusoro mamwe makore. |
9. | Achapindawo muushe hwamambo wezasi, asi achazodzokera kunyika yake. |
10. | "Vanakomana vake vachandorwa, vachaunganidza boka guru ravarwi, richauya, nokupararira, ndokupfuura neseri; ipapo richadzoka ndokuzorwa kusvikira panhare yake. |
11. | Zvino mambo wezasi achatsamwa, achandorwa naye, naiye mambo wokumusoro; asi iye achakokera boka guru, boka iro richaiswa mumaoko ake. |
12. | Boka iro richatapwa, zvino mwoyo wake uchazvikudza; uchaparadza vana makumi ezviuru, asi haangakundi. |
13. | "Zvino mambo wokumusoro achadzoka, ndokukokera boka guru kune rokutanga; achauya pakupera kwenguva dziya, dziya dzamakore ane hondo huru nenhumbi zhinji. |
14. | Nenguva idzo vazhinji vachamukira mambo wezasi; uye vana vavanopenga pakati pavanhu vako vachazvikudza, kuti vasimbise zvawakaratidzwa; asi vachaparadzwa. |
15. | Zvino mambo wokumusoro achasvika, ndokuvatutira murwi wokurwa, ndokukunda guta rakavakirwa kwazvo; hondo dzezasi handzingagoni kumira, kunyange navanhu vake vakatsaurwa, uye vachashayiwa simba rokumira naro. |
16. | Asi uyo anouuya kuzorwa naye achaita sezvaanoda, hakuna angamira pamberi pake; zvino iye achamira panyika yakaisvonaka, akabata kuparadza muruoko rwake. |
17. | "Ipapo achashingaira kuuya nesimba roushe hwake hwose, ane sungano yake; achaita izvozvo, achamupa mwanasikana wavakadzi, kuti amuparadze; asi zvichakona, haana chaachawana. |
18. | Shure kwaizvozvo acharinzira chiso chake kuzvivi, ndokukunda zvizhinji; asi mumwe mukuru wehondo achagumisa kushoora kwake; achadzosera kushoora kwake kuna iye amene. ' |
19. | Ipapo acharinzira chiso chake kunhare dzenyika yake; asi achagumburwa nokuwa, ndokushayikwa. |
20. | "Zvino panzvimbo yake kuchamuka mumwe achatuma muteresi kupfuura pakaisvonaka paushe hwake, asi kana mazuva mashoma apera uchaparadzwa, zvisingaitwi nokutsamwa kana nokurwa. |
21. | "Panzvimbo yake kuchamuka munhu anofanira kuzvidzwa, akanga asina kupiwa kukudzwa kwoushe; asi iye achasvika nenguva yokufara kwavanhu, ndokutora ushe nokubata kumeso. |
22. | Hondo dzinokukura dzichakukurwa pamberi pake, dzichaparadzwa; zvirokwazvo, naiye muchinda wesunganowo. |
23. | Kana apedza kuita sungano navo, achavanyengera; nokuti achakwirira, nokuva nesimba navanhu vashoma. |
24. | Nenguva yokufara kwavanhu achapinda pamativi akaorera enyika; achaita zvisina kumboitwa namadzibaba ake, kunyange namadzibaba amadzibaba ake; achaparadzira pakati pavo zvaakatapa nezvaakapamba nenhumbi; achatanda mano ake pamusoro penhare, asi nenguva bedzi. |
25. | "Ipapo achamutsira mambo wezasi simba rake nomwoyo wake, ane hondo huru kwazvo ine simba; asi haangamiri, nokuti vachamutandira mano. |
26. | Vanodya zvokudya zvake, ndivo vachamuparadza; hondo yake ichapararira, vazhinji vachawira pasi vaurawa. |
27. | Kana ari madzimambo awo maviri, mwoyo yavo ichada kuita zvakashata, vachareva nhema vari patafura rimwe; asi hazvingabatsiri, nokuti kuguma kuchasvika nenguva yakatarwa. |
28. | Ipapo achadzokera kunyika yake nenhumbi zhinji; mwoyo wake uchavenga sungano, achaita sezvaanoda, ndokudzokera kunyika yake. |
29. | "Nenguva yakatarwa achadzoka, ndokusvika kunyika yezasi; asi nenguva yokupedzisira hazvingaiti sapakutanga. |
30. | Nokuti zvikepe zveKitimi zvichauya kuzorwa naye; naizvozvo achaora mwoyo, ndokudzoka akatsamwa pamusoro pesungano, ndokuita sezvaanoda; achadzoka, ndokuva nehanya navakaramba sungano tsvene. |
31. | Hondo dzichamutswa naye., dzichamhura nzvimbo tsvene, iye nhare, vachabvisa chipiriso chinopiswa nguva dzose, ndokumutsa chinonyangadza chinoparadza. |
32. | Vanoitira sungano zvakaipa, achavatsausa nokubata kumeso; asi vanhu vanoziva Mwari wavo, vachava nesimba, vachaita mabasa makuru. |
33. | Vakachenjera pakati pavanhu vachadzidzisa vazhinji; asi vachaparadzwa nomunondo, uye nomurazvo womoto, uye nokutapwa, uye nokupambwa mazuva mazhinji. |
34. | Zvino kana voparadzwa vachabatsirwa nokubatsirwa kuduku; asi vazhinji vachazviisa kwavari nokubata kumeso. |
35. | Vamwe vavo vakachenjera vachaparadzwa, kuti vaedzwe, vacheneswe, kusvikira kunguva yokupedzisira; nokuti nguva yokupedzisira ichigere kusvika. |
36. | "Mambo uyo achaita sezvaanoda; achazviita mukuru, achazvikudza achiti ndinopfuura vamwari vose, achataura zvinhu zvinoshamisa pamusoro paMwari wavamwari; iye achafara pane zvaanoita kusvikira kutsamwa kwapera, nokuti zvakatemwa zvichaitika. |
37. | Uye haangavi nehanya navamwari vamadzibaba ake, kana norudo rwavakadzi, haangavi nehanya namwari upi noupi; nokuti achazvikudza achiti ndakapfuura vose. |
38. | Asi panzvimbo yazvo achakudza mwari wenhare; mwari wakanga asingazikanwi namadzibaba ake, ndiye waachakudza nendarama nesirivha namabwe anokosha nezvinhu zvinodikanwa. |
39. | Acharwa nenhare dzakaisvobata achibatsirwa namwari wavatorwa; ani naani anodikanwa naye, iye achakudzwa naye zvikuru; achavabatisa ushe pamusoro pavanhu vazhinji, achivagovera nyika uve mubayiro wavo. |
40. | "Zvino nenguva yokupedzisira mambo wezasi achapesana naye; mambo wokumusoro achauya kuzorwa naye sechamupupuri, ane ngoro navatasvi vamabhiza nezvikepe zvizhinji, achapinda munyika idzo, ndokupararira, ndokupfuura neseri. |
41. | Achapindawo munyika yakaisvonaka, nyika zhinji dzichakundwa, asi idzi dzicharwirwa paruoko rwake, dzinoti Edhomu, neMoabhu norutivi rwakanaka rwavana vaAmoni. |
42. | Achatambanudzirawo ruoko rwake kune dzimwe nyika; nyika yeIjipiti haingapukunyuki. |
43. | Asi achava anesimba pamusoro pefuma yendarama nesirivha, napamusoro pezvinhu zvose zvinokosha zveIjipiti; vaRibhia navaItiopia vachatevera makwara ake. |
44. | Asi mashoko anobva kumabvazuva nokumusoro achamuvhundusa; ipapo achabuda nehasha kwazvo kundoparadza nokupedza chose vazhinji. |
45. | Achadzika matende ake oushe pakati pegungwa negomo dzvene rakaisvonaka; kunyange zvakadaro achasvika pakuguma kwake, achashayiwa anomubatsira, |
← Daniel (11/12) → |