Daniel (10/12)  

1. Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwa kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa.
2. "Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose.
3. Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera.
4. "Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidhekeri,
5. ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzerineni, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi;
6. muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji.
7. "Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda.
8. Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba.
9. Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi.
10. Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandimisa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka.
11. "Akati kwandiri, `Iwe Dhanyeri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.' Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera.
12. "Ipapo akati kwandiri, `Usatya Dhanyeri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako.
13. Asi muchinda woushe hwavaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia.
14. Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nokuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.'
15. "Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko.
16. Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, `Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa.
17. Nokuti muranda washe wangu uyu angataura seiko nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.'
18. "Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa.
19. Akati, `Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.' Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.'
20. "Zvino akati, `Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya.
21. Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu.

  Daniel (10/12)