| ← Daniel (10/12) → |
| 1. | Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwa kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa. |
| 2. | "Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose. |
| 3. | Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera. |
| 4. | "Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidhekeri, |
| 5. | ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzerineni, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi; |
| 6. | muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji. |
| 7. | "Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda. |
| 8. | Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba. |
| 9. | Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi. |
| 10. | Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandimisa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka. |
| 11. | "Akati kwandiri, `Iwe Dhanyeri, murume anodikanwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.' Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera. |
| 12. | "Ipapo akati kwandiri, `Usatya Dhanyeri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako. |
| 13. | Asi muchinda woushe hwavaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia. |
| 14. | Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nokuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.' |
| 15. | "Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko. |
| 16. | Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, `Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa. |
| 17. | Nokuti muranda washe wangu uyu angataura seiko nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.' |
| 18. | "Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa. |
| 19. | Akati, `Iwe murume anodikanwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.' Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.' |
| 20. | "Zvino akati, `Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya. |
| 21. | Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu. |
| ← Daniel (10/12) → |