Daniel (1/12) → |
1. | Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba. |
2. | Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake. |
3. | Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda; |
4. | majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea. |
5. | Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo. |
6. | Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha. |
7. | Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego. |
8. | Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa. |
9. | Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda. |
10. | " Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, "Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo." |
11. | Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari, |
12. | "Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe. |
13. | Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona." |
14. | Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi. |
15. | Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo. |
16. | Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa mirivo. |
17. | Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa. |
18. | Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari. |
19. | Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo. |
20. | Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake. |
21. | Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi. |
Daniel (1/12) → |