Daniel (1/12)  

1. Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba.
2. Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake.
3. Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda;
4. majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea.
5. Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaainwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo.
6. Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha.
7. Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego.
8. Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin’orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaainwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin’oresa.
9. Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda.
10. " Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, "Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokunwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo."
11. Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari,
12. "Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura tinwe.
13. Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona."
14. Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi.
15. Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo.
16. Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vanwe, akavapa mirivo.
17. Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa.
18. Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari.
19. Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo.
20. Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen’anga dzose dzaiva paushe hwake.
21. Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi.

      Daniel (1/12)