Colossians (4/4)    

1. Madzishe, itirai varanda venyu zvakarurama, zvakaringana; muzive kuti nemi vo munaShe kudenga.
2. Tsungirirai pakunyengetera, murinde pakuri nokuvonga;
3. mutinyengeterere nesu vo, kuti Mwari atizarurire mukova weshoko, titaure chakavanzika chaKristu, chandakasungirwa icho;
4. kuti ndichiratidze, sezvandinofanira kutaura.
5. Fambai nokuchenjera kunavari kunze, muchingwarira nguva. yenyu
6. Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.
7. Muchaziviswa zvangu zvose naTikiko, hama inodikanwa, mushumiri wakatendeka, nomuranda pamwe chete neni munaShe.
8. Ndakamutuma iye kwamuri nemhaka iyi, kuti muzive zvedu, anyaradze moyo yenyu;
9. pamwe chete naOnesimo, hama yakatendeka, inodikanwa, mumwe wokwenyu. Ivo vachakuzivisai zvose zvapano.
10. Aristarko, musungwa pamwe chete neni, unokukwazisai, naMarko, hama yaBharnabhasi, (makarairwa pamsoro pake; kana achisvika, mumugamuchirei);
11. naJesu, unonzi Justo, vari vokudzingiswa; ndivava bedzi vanobata neni pavushe bwaMwari, ivo vakandinyaradza.
12. Epafrasi, mumwe wokwenyu, muranda waKristu Jesu, unokukwazisai, achirwa nguva dzose pakunyengetera nokuda kwenyu, kuti mumire makakwana, muchiziva kwazvo kuda kwose kwaMwari.
13. Nokuti ndinomupupurira, kuti unotambudzika zvikuru nokuda kwenyu, naveRaodikia, naveHirapori.
14. Ruka, chiremba unodikanwa, naDhemasi, vanokukwazisai.
15. Ndikwazisirei hama dziri Raodikia, naNimfa, nekereke iri mumba mavo.
16. Kana mwadhi iyi yarabwa pakati penyu, ngairabwe vo mukereke yavaRaodikia; imi vo murave mwadhi inobva Raodikia.
17. Vudzai Arkipo, muti: Tarira basa rawakapiwa naShe, kuti uripedzise kwazvo.
18. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu. Rangarirai kusungwa kwangu. Nyasha ngadzive nemi.

  Colossians (4/4)