Colossians (3/4)  

1. Naizvozvo, kana makamutswa pamwe chete naKristu, tsvakai zviri kumusoro, uko kunaKristu, ugere kurudyi rwaMwari.
2. Fungai zviri kumusoro, musafunga zviri pasi.
3. Nokuti makafa, vupenyu bwenyu bwakavigwa pamwe chete naKristu munaMwari.
4. Kana Kristu, iye vupenyu bwedu, achivonekwa, nemi vo muchavonekwa pamwe chete naye pakubwinya.
5. Naizvozvo vurayai mitezo yenyu iri panyika, inoti: Vupombwe, netsvina, nokushumba, nokuda zvakaipa, nokuchiva, ndiko kunamata zvifananidzo.
6. Nokuda kwaizvozvi kutsamwa kwaMwari kunovuya pamusoro pavana vokusaterera;
7. nemi vo maifamba mazviri kare, maigara muzvinhu izvi.
8. Asi zvino, imi vo, bvisai izvi zvose, zvinoti: Hasha, nokutsamwa, nokuvenga, nokutuka, nokutaura zvinonyadzisa nomuromo wenyu.
9. Regai kureverana nhema, zvamakabvisa munhu wekare, namabasa ake,
10. mukafuka munhu mutsva, unovandudzwa pakuziva, afanane nowakamusika;
11. apo hapana muGiriki nemuJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, musungwa kana wakasununguka;asi Kristu ndiye zvose, vuye uri munavose.
12. Naizvozvo, savasanangurwa vaMwari, vatsvene navanodikanwa, fukai moyo unetsitsi, nomoyo munyoro, nokusazvikudza, novunyoro, nomoyo murefu;
13. muitirane moyo murefu, muchikanganwirana, kana munhu anemhosva nomumwe; Kristu sezvaakakukanganwirai, muite saizvozvo nemi vo.
14. Zvino pamusoro pezvinhu izvi zvose fukai rudo, ndicho chisungo chinokwanisa.
15. Norugare rwaMwari ngaruteme zvirevo mumoyo yenyu, ndirwo rwamakadanirwa vo mumuviri mumwe; ivai nokuvonga.
16. Shoko raKristu ngarigare mukati menyu riwande; nokuchenjera kwose mudzidzisane, nokurairana namapisarema, nenziyo, nezviimbo zvomweya, muimbire Mwari nenyasha mumoyo menyu;
17. vuye zvose zvamunoita, kana zviri zveshoko kana basa, itai zvose nezita raShe Jesu, muchivonga Mwari Baba naye.
18. Vakadzi muzviise pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira munaShe.
19. Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.
20. Vana, tererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti ndizvo zvakanaka munaShe.
21. Madzibaba, regai kunetsa vana venyu, kuti varege kuvora moyo.
22. Varanda, tererai pazvinhu zvose vatenzi venyu panyama; regai kubata pamberi pameso avo, savafadzi vavanhu, asi nomoyo wakarurama muchitya Mwari.
23. Zvose zvamunoita, muzviitei nomoyo wose, sokunaShe, musingaitiri vanhu;
24. muchiziva kuti muchapiwa naShe mubairo wenhaka; nokuti munobatira Ishe Kristu.
25. Nokuti unoita zvisakarurama, uchapiwa zvisakarurama zvaakaita; hazvizi zvinovonekwa zvomunhu zvinotendwa.

  Colossians (3/4)