Colossians (2/4)  

1. Nokuti ndinoda kuti muzive kurwa kukuru kwandinako pamusoro penyu, navari paRaodikia, navose vasina kumbovona chiso changu panyama;
2. kuti moyo yavo isimbiswe, vasunganidzwe murudo, vave nefuma yose yokunzwisisa kwakakwana, kuti vazive kwazvo chakavanzika chaMwari, iye Kristu;
3. maari fuma yose yovuchenjeri nokuziva yakachengetwa.
4. Ndinoreva izvi, kuti kurege kuva nomunhu unokurashai namashoko anonyengera.
5. Nokuti kunyange ndisipo panyama, ndiripo nemi pamweya, ndinofara ndichivona kunzwana kwenyu, nokusimba kwokutenda kwenyu munaKristu.
6. Naizvozvo sezvamakagamuchira Kristu Jesu, Ishe, fambai maari,
7. munemidzi yenyu nokuvakwa kwenyu maari, makasimbiswa pakutenda, sezvamakadzidziswa, muchinyanya kuvonga.
8. Chenjerai, kuti murege kutapwa nomunhu novuchenjeri, nokunyengera kusinamaturo, achitevera tsika dzavanhu nezvokuvamba zvenyika, asingateveri Kristu.
9. Nokuti kuzara kwovuMwari kunogara maari pamuviri.
10. Maari nemi vo makazadzwa, iye musoro wa vabati vose namasimba;
11. iye wamakadzingiswa vo maari nokudzingiswa kusingaitwi namavoko, muviri wenyama uchibviswa, nokudzingiswa kuri kwaKristu;;
12. maakavigwa pamwe chete naye pakubhabhatidzwa, pamakamutswa vo pamwe chete naye nokutenda kwenyu simba raMwari wakamumutsa kuvakafa.
13. Nemi, imi makanga makafa pakudarika kwenyu napakusa dzingiswa kwenyama yenyu, wakakupai vupenyu pamwe chete naye, akatikanganwira kudarika kwedu kwose,
14. akadzima rugwaro rwakanga ruchirwa nesu pazvirevo zvarwo, ruchipesana nesu; akarubvisa irwo pakati pedu, akarurovera pamuchinjikwa;
15. akaparadza vabati namasimba, akavabudisa pachena, akavakunda mauri.
16. Naizvozvo munhu ngaarege kuvapo unokutongai pazvokudya, kana zvokunwa, kana nokuda kwomusi womutambo, kana pakugara kwomwedzi, kana pasabata;
17. izvi mumvuri wezvichavuya; asi muviri ndowaKristu.
18. Munhu ngaarege kuvapo unokutorerai mubairo wenyu namavune, nokuzvininipisa nokunamata vatumwa, achivimba nezvaakavona, achizvikudza pasina nokufunga kwenyama,
19. asingabatisisi Musoro, uyo, maari muviri wose unosanganiswa nokusunganidzwa nezvisungo namarunda, ndokukura nokukurisa kwaMwari.
20. Zvino kana makafa pamwe chete naKristu kunezvokuvamba zvenyika, munozviisireiko pasi pemirairo, somugere munyika,
21. mirairo inoti: Usabata, usaravira, usagunzva,
22. (izvi zvose zvinofanira kuparadzwa kana zvobatwa nazvo); muchitevera mirairo nedzidziso dzavanhu?
23. Zvinhu zvakadai zvakaita sezvinovuchenjeri, pakunamata Mwari nokuda kwavo, nokuzvininipisa, nokutambudza muviri; asi hazvinesimba rokukunda kuchiva kwenyama.

  Colossians (2/4)