Amos (9/9)    

1. Ndakaona Ishe amire parutivi rwearitari, akati, "Rova misoro yembiru, kuti zvikumbaridzo zvidedere, uzviputsanye pamisoro yavo yose; ndichauraya wokupedzisira pakati pavo nomunondo; hakuna nomumwe wavo achatiza, hakuna nomumwe wavo achapukunyuka.
2. Kunyange vakachera kusvikira paSheori, ruoko rwangu ruchandovatorapo; kunyange vakakwira kusvikira kudenga, ndichavaburusapo.
3. "Kunyange vakandovanda pamusoro peKarimeri, ndichavatsvaka nokuvabvisapo; kunyange vakavanda meso angu pakudzika kwegungwa, ndicharaira nyoka kundovarumapo.
4. Kunyange vakatapwa navavengi vavo, ndicharaira munondo kundovaurayapo, ndicharinzira meso angu kwavari kuti ndivaitire zvakaipa, ndirege kuvaitira zvakanaka."
5. Nokuti Ishe Jehovha wehondo ndiye unobata nyika ikanyauka, vose vageremo vachachema; ichakwira yose soRwizi, ichadederazve soRwizi rweIjipiti;
6. ndiye anovaka makamuri ake kudenga, wakateya denga rake panyika; iye anodana mvura zhinji yegungwa achiidururira panyika pose; Jehovha ndiro zita rake.
7. "Nhai, imi vana vaIsiraeri, ko hamuzi kwandiri savana veItiopia here? Ndizvo zvinotaura Jehovha. Handizini ndakabudisa Isiraeri panyika yeIjipiti here, navaFirisitia paKafitori, navaSiria paKiri here?
8. Tarirai, meso aIshe Jehovha anoona ushe hunotadza, ndichahuparadza ndihubvise panyika pose, asi handingaparadzi chose imba yaJakobho ndizvo zvinotaura Jehovha.
9. "Nokuti tarirai, ndicharaira, ndichapepeta imba yaIsiraeri pakati pamarudzi ose, sezvinopepetwa zviyo mumusero, kunyange zvakadaro tsanga imwe dukuduku haingawiri pasi.
10. Vatadzi vose vavanhu vangu vachaurawa nomunondo,
11. "Nezuva iro ndichamutsa tabherinakeri yaDhavhidhi yakawira pasi, nokudzivirapo pakakoromorwa; ndichamutsazve matongo ayo, ndichaivakazve sezvayakanga yakaita pamazuva akare;
12. kuti vazvitorere zvakasara zvaEdhomu, namarudzi ose akatumidzwa nezita rangu," ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita izvozvi.
13. "Tarirai, mazuva anouya," ndizvo zvinotaura Jehovha "Murimi achabata mucheki, nomusvini wemizambiringa achabata anodzvara mbeu; makomo achadonha waini inozipa, uye zvikomo zvose zvichanyauka.
14. "Ndichadzosa kutapwa kwavanhu vangu vaIsiraeri, vachavaka maguta akaparadzwa, vachigaramo; vachasima minda yemizambiringa, vachinwa waini yayo; vacharimawo mimwe minda, vachidya zvibereko zvayo.
15. Ndichavasima panyika yavo, havangazodzurwizve panyika yavo yandakavapa," ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari wenyu.

  Amos (9/9)