| ← Amos (7/9) → |
| 1. | ' Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera. |
| 2. | Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?" |
| 3. | Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, "Hazvingaitwi." |
| 4. | Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo. |
| 5. | Ipapo ndakati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?" |
| 6. | Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, "Nezvizviwo hazvingaitwi." |
| 7. | Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake. |
| 8. | Jehovha akati kwandiri, "Amosi unooneiko?" Ini ndikati, "Rwonzi rwokuyera narwo." Zvino Ishe akati, "Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve, |
| 9. | nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami |
| 10. | Zvino Amazia mupirisiti weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, "Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose. |
| 11. | Nokuti Amosi anoti, `Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' " |
| 12. | Amazia akatiwo kuna Amosi, "Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo; |
| 13. | asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo." |
| 14. | Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, "Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde, |
| 15. | Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, `Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.' |
| 16. | Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, `Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;' |
| 17. | naizvozvo zvanzi naJehovha, `Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' " |
| ← Amos (7/9) → |