Amos (7/9)  

1. ' Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kucheka kwamambo kwapera.
2. Zvino dzakati dzapedza kudya uswa hwenyika, ndikati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chikanganwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?"
3. Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, "Hazvingaitwi."
4. Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
5. Ipapo ndakati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?"
6. Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, "Nezvizviwo hazvingaitwi."
7. Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
8. Jehovha akati kwandiri, "Amosi unooneiko?" Ini ndikati, "Rwonzi rwokuyera narwo." Zvino Ishe akati, "Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
9. nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami
10. Zvino Amazia mupirisiti weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, "Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
11. Nokuti Amosi anoti, `Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' "
12. Amazia akatiwo kuna Amosi, "Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
13. asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo."
14. Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, "Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
15. Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, `Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.'
16. Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, `Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;'
17. naizvozvo zvanzi naJehovha, `Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' "

  Amos (7/9)