Amos (4/9)  

1. Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, "Uyai nezvokunwa tinwe."
2. Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, "Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove.
3. Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni," ndizvo zvinotaura Jehovha.
4. "Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu;
5. uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana vaIsiraeri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
6. "Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
7. "Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma.
8. Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
9. "Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
10. "Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
11. "Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha.
12. " Saka ndichakuitirai izvi, imi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imi Isiraeri."
13. Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake.

  Amos (4/9)