| ← Amos (4/9) → |
| 1. | Inzwai shoko iri, imi mhou dzeBhashani, dziri mugomo reSamaria, imi munomanikidza varombo, munopwanya vanoshaiwa, munoti kumadzishe enyu, "Uyai nezvokunwa tinwe." |
| 2. | Ishe Jehovha akapika noutsvene hwake, achiti, "Tarirai, mazuva achauya pamusoro penyu, avachakukwevai nezvikokovonho, uye vakasara venyu nezviredzo zvehove. |
| 3. | Muchabuda napakakoromoka, mumwe nomumwe paakatarisana napo; mucharashirwa Harimoni," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 4. | "Uyai Bhetieri, mudarike; uyai Girigari, muwedzere kudarika; uyai nezvibayiro zvenyu mangwanani ose, uye zvegumi zvenyu pazuva rimwe nerimwe retatu; |
| 5. | uyai nechibayiro chokuvonga chezvakaviriswa, muraire zvipiriso zvomwoyo, muzviparidze; nokuti ndizvo zvinokufadzai, imi vana vaIsiraeri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 6. | "Ndakakupaiwo meno akachena pamaguta enyu ose, nokushaiwa zvokudya panzvimbo dzenyu dzose; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 7. | "Ndakakunyimawo mvura, kukohwa kuchigere mitatu; pane rimwe guta; imwe nzvimbo ikanaisirwa mvura, nzvimbo isina kunaisirwa mvura ikaoma. |
| 8. | Naizvozvo vanhu vamaguta maviri kana matatu vakadzungairira kune rimwe guta kundonwa mvura, vakasagungwa; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 9. | "Ndakakurovai nenyunje nokuvhuvha; muteteni wakapedza minda yenyu mizhinji, neminda yenyu yemizambiringa, nemionde yenyu, nemiorivhi yenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 10. | "Ndakatuma pakati penyu hosha yakaipa sezvakaitwa Ijipiti; majaya enyu ndakaauraya nomunondo, ndikatapa mabhiza enyu; ndakasvitsa kunhuwa kwemisasa yenyu imo mumhino dzenyu; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 11. | "Ndakaparadza maguta pakati penyu, Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora, imi mukaita sechitsika chakabvutwa pamoto; kunyange zvakadaro hamuna kudzokera kwandiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 12. | " Saka ndichakuitirai izvi, imi Isiraeri; zvino zvandichakuitirai izvi, zvigadzirei kusongana naMwari wenyu, imi Isiraeri." |
| 13. | Nokuti tarirai, iye, anoumba makomo, anosika mhepo, anozivisa munhu zviri mumurangariro wake, anoshandura mangwanani rikava rima, anotsika panzvimbo dzenyika dzakakwirira, Jehovha Mwari wehondo, ndiro zita rake. |
| ← Amos (4/9) → |