| ← Amos (3/9) → |
| 1. | Inzwai shoko iri rakataurwa naJehovha pamusoro penyu, imi vana vaIsiraeri, pamusoro porudzi rwose rwandakabudisa panyika yeIjipiti, ndichiti, |
| 2. | "Ndimi moga vandakaziva pakati pamarudzi ose enyika; naizvozvo ndichakurovai pamusoro pezvakaipa zvenyu zvose." |
| 3. | Ko vaviri vangafamba pamwechete vasina kumbotenderana here? |
| 4. | Ko shumba ingaomba mudondo isina chayakaruma here? Ko shumba duku ingarira mubako rayo isina chayakabata here? |
| 5. | Ko shiri ingawira pasi mumusungo paisina kudzikirwa rugombe here? Ko musungo ungaurukira kumusoro usina chawakabata here? |
| 6. | Ko hwamanda ingaridzwa muguta, vanhu vakasatya here? Ko guta ringawirwa nezvakaipa, Jehovha asina kuzviita here? |
| 7. | Zvirokwazvo, Ishe Jehovha haangaiti chinhu, asina kumbozivisa varanda vake vaporofita zvakavanzika zvake. |
| 8. | Shumba yaomba; ndiani angarega kutya? Ishe Jehovha akataura; ndiani angarega kuporofita? |
| 9. | Paridzirai mudzimba dzoushe paAshidhodhi, nomudzimba dzoushe munyika yeIjipiti, muti, "Unganai pamakomo eSamariya muone bope guru riripo nokumanikidzwa kuri mukati maro. |
| 10. | Nokuti havazivi kuita zvakarurama ndizvo," zvinotaura Jehovha ivo vanounganidza kumanikidza nokupamba mudzimba dzavo dzoushe. |
| 11. | Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Muvengi aripo, pose-pose panyika; iye achakubvisira simba rako, uye dzimba dzako dzoushe dzichapambwa." |
| 12. | Zvanzi naJehovha, "Mufudzi sezvaanobvuta pamuromo weshumba makumbo maviri kana chipande chenzveve, saizvozvo vana vaIsiraeri vachabvutwawo, ivo vagere Samaria pamucheto wouvato, uye pamitsamiro yemicheka yesiriki yomubhedha. |
| 13. | Inzwa, mupupurire imba yaJakobho," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, Mwari wehondo. |
| 14. | "Nokuti nezuva randicharova Isiraeri pamusoro pokudarika kwavo, ndicharovawo maaritari eBhetieri; nyanga dzearitari dzichagurwa nokuwira pasi. |
| 15. | Ndichaputsa dzimba dzechando pamwechete nedzimba dzezhizha; dzimba dzenyanga dzenzou dzichaparadzwa, uye dzimba huru dzichapera," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| ← Amos (3/9) → |