Amos (2/9)  

1. Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota.
2. Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda;
3. ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo," ndizvo zvinotaura Jehovha.
4. Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo.
5. Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu."
6. Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri;
7. ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene;
8. vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo.
9. "Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi.
10. Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori.
11. Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imi vana vaIsiraeri?
12. Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, `Regai kuporofita.'
13. Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda.
14. Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri.
15. Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake;
16. ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha.

  Amos (2/9)