| ← Amos (2/9) → |
| 1. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Moabhi vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapisa mapfupa amambo waEdhomu kusvikira aita madota. |
| 2. | Asi ndichatuma moto kuvaMoabhi, uchapedza dzimba dzoushe dzeKerioti; Moabhi vachafa nebope nokudanidzira uye nokurira kwehwamanda; |
| 3. | ndichaparadza vatongi pakati pavo; nokuuraya machinda avo ose pamwechete navo," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 4. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Judha vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaramba murayiro waJehovha, vakasachengeta mitemo yake, vakarashiswa nenhema dzavo dzakateverwa namadzibaba avo. |
| 5. | Asi ndichatuma moto kuna Judha, uchapedza dzimba dzoushe dzeJerusaremu." |
| 6. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Isiraeri vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatengesa vakarurama nesirivha, uye anoshaiwa, vachipiwa shangu mbiri; |
| 7. | ndivo vanoshuva kuona guruva rapasi pamusoro womurombo, vachitsausa nzira yomunhu munyoro; munhu nababa vake vachienda vose kumusikana mumwe, kuti vamhure zita rangu dzvene; |
| 8. | vanovata pasi pamaaritari ose panguo dzakatorwa dzichiitwa rubatso, vanonwa waini yavakaripiswa, mumba maMwari wavo. |
| 9. | "Kunyange zvakadaro ndakaparadza vaAmori pamberi pavo, ivo vakanga vakareba semisidhari, vane simba semioki; kunyange zvakadaro ndakaparadza zvibereko zvavo kumusoro nemidzi yavo pasi. |
| 10. | Ndakakubudisaiwo munyika yeIjipiti, ndikakufambisai murenje makore makumi mana, kuti mundopiwa nyika yavaAmori. |
| 11. | Ndakamutsawo vaporofita pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pavanakomana venyu, navaNaziri pakati pamajaya enyu. Handizvo here, imi vana vaIsiraeri? |
| 12. | Asi makapa vaNaziri waini vanwe, nokuraira vaporofita, muchiti, `Regai kuporofita.' |
| 13. | Tarirai, ndichakutsikirirai pasi, sezvinotsikirira ngoro izere nemwanda. |
| 14. | Anomhanyisa achakoniwa kutiza, anesimba haangasimbisi simba rake, kunyange nemhare haingazvirwiri. |
| 15. | Kunyange anobata uta haangamiri, anetsoka dzinomhanyisa haangazvirwiri; kunyange akatasva bhiza haangarwiri hupenyu hwake; |
| 16. | ane mwoyo mukuru pakati pemhare achatiza akashama nezuva iro," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| ← Amos (2/9) → |