| Amos (1/9) → |
| 1. | Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kwokudengenyeka kwenyika. |
| 2. | Akati, "Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma." |
| 3. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare. |
| 4. | Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi. |
| 5. | Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni noakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 6. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu. |
| 7. | Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe. |
| 8. | Ndichaparadza vagere Ashidhodhi noakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 9. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo. |
| 10. | Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe." |
| 11. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munun’una wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi. |
| 12. | Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira." |
| 13. | Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo. |
| 14. | Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri; |
| 15. | mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| Amos (1/9) → |