| ← Acts (9/28) → | 
| 1. | Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuPirisita mukuru,, | 
| 2. | akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa. | 
| 3. | Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose, | 
| 4. | akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? | 
| 5. | Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [zvinokuremera kupfura zvibayiso. | 
| 6. | Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita. | 
| 7. | Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu. | 
| 8. | Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko. | 
| 9. | Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asinganwi chinhu. | 
| 10. | Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe! | 
| 11. | Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyengetera; | 
| 12. | naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve. | 
| 13. | Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji; | 
| 14. | napano unesimba raakapiwa navaPirisita vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu. | 
| 15. | Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri; | 
| 16. | nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu. | 
| 17. | Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene. | 
| 18. | Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa. | 
| 19. | Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva. | 
| 20. | Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari. | 
| 21. | Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaPirisita vakuru? | 
| 22. | Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu. | 
| 23. | Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye. | 
| 24. | Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarinda vo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye. | 
| 25. | Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu. | 
| 26. | Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi. | 
| 27. | Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvaapostora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, vuye kuti wakataura naye, vuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi. | 
| 28. | Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo, | 
| 29. | akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya. | 
| 30. | Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Tarso. | 
| 31. | Zvino kereke yakanga inorugare paJudhea rose neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene. | 
| 32. | Zvino Petro wakati achipota nyika kwose, akaburukira vo kuvatsvene vakanga vagere Ridha, | 
| 33. | Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akafa mitezo. | 
| 34. | Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo. | 
| 35. | Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe. | 
| 36. | Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo. | 
| 37. | Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro, | 
| 38. | Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri. | 
| 39. | Ipapo Petro akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo. | 
| 40. | Zvino Petro akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbu, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Petro, akagara. | 
| 41. | Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu. | 
| 42. | Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe. | 
| 43. | Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe. | 
| ← Acts (9/28) → |