Acts (9/28)  

1. Asi Sauro achingorangarira kutyisa nokuvuraya vadzidzi vaShe, wakaenda kumuPirisita mukuru,,
2. akakumbira kwaari magwaro okuenda nawo Dhamaseko kumasinagoge, kuti kana awana vamwe vaiva veNzira iyo, varume kana vakadzi, avuye navo Jerusarema vakasungwa.
3. Zvino wakati ari parwendo, oswedera pedo neDhamaseko, kamwe-kamwe chiedza chakabva kudenga chikamupenyera pamativi ose,
4. akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: Sauro, Sauro, unonditambudzireiko?
5. Iye akati: Ndimi aniko, Ishe? Akati: Ndini Jesu waunotambudza; [zvinokuremera kupfura zvibayiso.
6. Iye achidedera nokutya, akati: Ishe, munoda kuti ndiiteiko? Ishe akati kwaari:] Simuka, uende muguta, uchandovudzwa zvaunofanira kuita.
7. Varume vaiva parwendo naye, vakamira vanyerere, vachinzwa inzwi, asi vasingavoni munhu.
8. Zvino Sauro akasimuka pasi; asi achisvunudza meso ake, haana kuvona chinhu; vakamubata ruvoko, vakaenda naye Dhamaseko.
9. Akaita mazuva matatu, asingavoni, asingadyi, asinganwi chinhu.
10. Zvino paDhamaseko pakanga panomumwe mudzidzi, wainzi Ananiasi; Ishe akati kwaari nezvaakaratidzwa: Ananiasi! Iye akati: Ndiri pano Ishe!
11. Ishe akati kwaari: Simuka, uende munzira yomuguta inonzi Yakarurama, ubvunze mumba maJudhasi, munhu unonzi Sauro weTarso; nokuti tarira, unonyengetera;
12. naiye wakavona murume, unonzi Ananiasi achipinda, achiisa mavoko ake pamusoro pake, kuti avone zve.
13. Zvino Ananiasi akapindura, akati: Ishe, ndakanzwa navanhu vazhinji zvomunhu uyu, kuti wakaitira vatsvene venyu paJerusarema zvakaipa zvizhinji;
14. napano unesimba raakapiwa navaPirisita vakuru, kuti asunge vose vanonamata nezita renyu.
15. Asi Ishe, akati kwaari: Enda, nokuti iye mudziyo wakasanangurwa neni, kuti aende nezita rangu kuvahedheni, namadzimambo, nokuvana vaIsraeri;
16. nokuti ndichamuratidza zvose, zvaachafanira kutamburira nokuda kwezita rangu.
17. Ipapo Ananiasi akaenda akapinda mumba, akaisa mavoko ake pamusoro pake, akati: Sauro, hama, Ishe Jesu, wakazviratidza kwauri munzira yawakavuya nayo, wakandituma, kuti uvone zve, uzadzwe noMweya Mutsvene.
18. Pakarepo pameso ake pakabva zvinhu zvinenge mafunhurwa, akavona zve; akasimuka, ndokusimbiswa.
19. Akagara navadzidzi paDhamaseko mamwe mazuva.
20. Pakarepo akaparidza Kristu mumasinagoge, kuti ndiye Mwanakomana waMwari.
21. Vose vakazvinzwa vakashamiswa, vakati: Ko uyu haazi iye waiparadza vaidana kuzita iri paJerusarema here, akavuyira izvozvo pano, kuti aende navo vakasungwa kuvaPirisita vakuru?
22. Asi Sauro wakaramba achisimbiswa, akakunda vaJudha vakanga vagere Dhamaseko, achiratidza kuti Jesu ndiye Kristu.
23. Zvino mazuva mazhinji akati apera, vaJudha vakarangana kuti vamuvuraye.
24. Asi kurangana kwavo kwakazikanwa naSauro. Vakarinda vo masuvo masikati novusiku, kuti vamuvuraye.
25. Zvino vadzidzi vake vakamutora vusiku, vakamuburusa naparusvingo, vamuisa mudengu.
26. Zvino wakati asvika Jerusarema, akaidza kufambidzana navadzidzi; asi ivo vakamutya vose vasingatendi kuti wava mudzidzi.
27. Zvino Bharnabhasi akamutora, akaenda naye kuvaapostora, ndokuvarondedzera kuti wakavona Ishe munzira, vuye kuti wakataura naye, vuye kuti wakaparidza nezita raJesu paDhamaseko asingatyi.
28. Akagara navo paJerusarema, achifambidzana navo,
29. akaparidza nezita raShe asingatyi. Akataura nokuita nharo navaJudha vaitaura chiGiriki; asi ivo vakaidza kumuvuraya.
30. Zvino hama dzakati dzichizviziva, dzikamuburusira Kesaria, ndokumutumira Tarso.
31. Zvino kereke yakanga inorugare paJudhea rose neGarirea, neSamaria, ikasimbiswa; ikawedzerwa, ichifamba ichitya Ishe, ichinyaradzwa noMweya Mutsvene.
32. Zvino Petro wakati achipota nyika kwose, akaburukira vo kuvatsvene vakanga vagere Ridha,
33. Akawanapo mumwe munhu, wainzi Eneasi, wakanga avete panhovo makore masere, akafa mitezo.
34. Petro akati kwaari: Eneasi, Jesu Kristu unokuporesa; simuka,, uwarure nhovo dzako! Akasimuka pakarepo.
35. Zvino vose vakanga vagere Ridha neSaroni vakamuvona, vakatendevukira kunaShe.
36. Zvino paJopa pakanga panomukadzi waiva mudzidzi, wainzi Tabhita, ndokuti Dorkasi, kana zvichishandurwa. Iye wakashingaira zvikuru pamabasa akanaka nezvipo.
37. Zvino namazuva iwayo iye akarwara, ndokufa. Vakati vamushambidza, vakamuisa muimba yokumusoro,
38. Zvino Ridha zvawakanga uri pedo neJopa, vadzidzi vakati vanzwa kuti Petro uripo, vakatumira kwaari vanhu vaviri, kuti vandokumbira zvikuru kwaari, vachiti: Usanonoka hako kuvuya kwatiri.
39. Ipapo Petro akasimuka, akaenda navo. Wakati asvika, vakamuisa kuimba yokumusoro chirikadzi dzose dzikamira naye dzichichema, vakamuratidza zvokupfeka nenguvo, dzavakanga vaitirwa naDorkasi, achiri navo.
40. Zvino Petro akavabudisira panze vose, akafugama, akanyengetera, ndokutendevukira kumutumbu, akati: Tabhita, muka! Akasvunura meso ake; zvino wakati achivona Petro, akagara.
41. Akamubata noruvoko rwake, akamusimudza; akadana vatsvene nechirikadzi, akamuisa pamberi pavo ari mupenyu.
42. Zvikazikanwa navose paJopa; vazhinji vakatenda kunaShe.
43. Ipapo akagara mazuva mazhinji paJopa, kunomumwe Simoni, musuki wamatebwe.

  Acts (9/28)