← Acts (8/28) → |
1. | Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vaapostra bedzi. |
2. | Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru. |
3. | Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo. |
4. | Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko. |
5. | NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu. |
6. | Vanhu vazhinji vakaterera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripo, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita. |
7. | Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa. |
8. | Mufaro mukuru ukavapo paguta iro. |
9. | Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva n’anga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru. |
10. | Vose, vaduku navakuru, vakamuterera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari, |
11. | Vakamuterera, nokuti wakanga avashamisa novun’anga bwake nguva huru. |
12. | Zvino vakati vatenda Firipo, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi. |
13. | Naiye Simoni akatenda vo, ndokubhabhatidzwa vo, akagara naFiripo; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa. |
14. | Zvino vaapostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari. |
15. | Ivo vakaburukira’ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene; |
16. | nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi. |
17. | Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene. |
18. | Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapostora, akavuya kwavari nemari, |
19. | achiti: Ndipei neni vo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene. |
20. | Zvino Petro akati kwaari: Sirvheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari. |
21. | Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari. |
22. | Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro womwoyo wako. |
23. | Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama. |
24. | Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva. |
25. | Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza Evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria. |
26. | Zvino mutumwa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje. |
27. | Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata; |
28. | wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya. |
29. | Mweya akati kunaFiripo: Swedera, urambire pangoro iyo. |
30. | Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here? |
31. | Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye. |
32. | Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake; |
33. | Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika. |
34. | Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe? |
35. | Ipapo Firipo akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu. |
36. | Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa? |
37. | [Firipo akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.] |
38. | Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubhabhatidza. |
39. | Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara. |
40. | Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria. |
← Acts (8/28) → |