Acts (8/28)  

1. Sauro wakanga achitenda kuvurawa kwake. Zvino nenguva iyo kereke yapaJerusarema yakatambudzwa zvikuru, vakaparadzirwa vose kunyika yeJudhea neSamaria, vakasara vaapostra bedzi.
2. Varume vakarurama vakaviga Stefano, vakamuchema zvikuru.
3. Zvino Sauro akaparadza kereke, achipinda mudzimba dzose, achikakata varume navakadzi, nokuvaisa mutorongo.
4. Zvino avo vakaparadzirwa, vakapotenyika, vachiparidza shoko.
5. NaFiripo wakaburukira kuguta reSamaria, akavaparidzira Kristu.
6. Vanhu vazhinji vakaterera nomoyo mumwe zvairebwa naFiripo, vachinzwa nokuvona zviratidzo zvaakanga achiita.
7. Nokuti mweya yetsvina yakabuda kuvazhinji vaiva nayo, ichidanidzira nenzwi guru; navazhinji vakanga vakafa mitezo navaikamhina vakaporeswa.
8. Mufaro mukuru ukavapo paguta iro.
9. Zvino kwakanga kunomumwe murume, wainzi Simoni, waiva n’anga kare paguta iro, waishamisa vanhu veSamaria, achizviita munhu mukuru.
10. Vose, vaduku navakuru, vakamuterera, vachiti: Uyu munhu isimba guru raMwari,
11. Vakamuterera, nokuti wakanga avashamisa novun’anga bwake nguva huru.
12. Zvino vakati vatenda Firipo, wakaparidza mashoko ovushe bwaMwari nezita raJesu Kristu, vakabhabhatidzwa varume navakadzi.
13. Naiye Simoni akatenda vo, ndokubhabhatidzwa vo, akagara naFiripo; akashamiswa, achivona zviratidzo namabasa esimba makuru, akanga achiitwa.
14. Zvino vaapostora vaiva paJerusarema, vakati vanzwa kuti vaSamaria vakanga vagamuchira shoko raMwari, vakatuma Petro naJohane kwavari.
15. Ivo vakaburukira’ko, vakavanyengeterera kuti vapiwe Mweya Mutsvene;
16. nokuti wakanga asina kuburukira pamusoro pomumwe wavo; vakanga vangobhabhatidzwa muzita raShe Jesu bedzi.
17. Ipapo vakaisa mavoko avo pamusoro pavo, vakagamuchira Mweya Mutsvene.
18. Zvino Simoni wakati achivona kuti Mweya Mutsvene wapiwa nokuiswa kwamavoko avapostora, akavuya kwavari nemari,
19. achiti: Ndipei neni vo simba iri, kuti wandinenge ndichiisa mavoko pamusoro pake, apiwe Mweya Mutsvene.
20. Zvino Petro akati kwaari: Sirvheri yako ngaiparadzwe pamwechete newe, nokuti wakafunga kutenga chipo chaMwari nemari.
21. Hauna mugove, kana chikamu, pachinhu ichi, nokuti moyo wako hauna kururama pamberi paMwari.
22. Naizvozvo tendevuka pakuipa kwako, ukumbire kunaShe, kuti zvimwe ukanganwirwe murangariro womwoyo wako.
23. Nokuti ndinovona kuti wapinda munduru inovava, napakusungwa kusakarurama.
24. Simoni akapindura, akati: Mundikumbirire zvikuru imi kunaShe, kuti ndirege kuwirwa nechimwe chaizvozvo zvamareva.
25. Zvino vakati vapupura kwazvo nokutaura shoko raShe, vakadzokera zve Jerusarema, vachiparidza Evhangeri mumisha mizhinji yavaSamaria.
26. Zvino mutumwa waShe akataura naFiripo, akati: Simuka, uende Zasi kunzira inobva Jerusarema ichiburukira Gaza; iyo nyika irenje.
27. Akasimuka, akaenda; zvino kwakanga kunomurume weEtiopia, muranda mukuru kwazvo waKandase, mambokadzi weEtiopia, waichengeta fuma yake yose, wakanga avuya Jerusarema kuzonamata;
28. wakanga achidzoka, agere mungoro yake achirava muporofita Isaya.
29. Mweya akati kunaFiripo: Swedera, urambire pangoro iyo.
30. Firipo akamhanyira’ko, akamunzwa achirava muporofita Isaya, akati: Unonzwisisa zvaunorava here?
31. Iye akati: Ndingagona seiko, kana mumwe asingandidudziri? Akakumbira zvikuru kunaFiripo kuti akwire, agare naye.
32. Zvino paakanga achirava paRugwaro paiti: Wakaiswa pakubayiwa segwai; Segwaiana rinyerere pamberi pomuvevuri waro, Saizvozvo haana kushamisa muromo wake;
33. Pakuzvidzwa kwake kutongwa kwake kwakabviswa; Ndianiko ucharondedzera rudzi rwake? Nokuti vupenyu bwake bwunobviswa panyika.
34. Muranda akapindura Firipo, akati: Ndinokumbira kwauri, undivudze kuti muporofita unoreva aniko achidaro? Unozvireva iye amene, kana mumwe?
35. Ipapo Firipo akashamisa muromo wake; akatanga parugwaro urwu, akamuparidzira Jesu.
36. Zvino vakati vachifamba munzira akati: Heyi mvura; chinyiko chingadzivisa ndirege kubhabhatidzwa?
37. [Firipo akati: Kana uchitenda nomoyo wako wose, zvingaitwa. Akapindura, akati: Ndinotenda kuti Jesu ndiye Mwanakomana waMwari.]
38. Akaraira kuti ngoro imire; vakaburukira vose mumvura, iye Firipo nomuranda; akamubhabhatidza.
39. Zvino vakati vachibuda mumvura, Mweya waShe ukabvisa Firipo; muranda akasazomuvona zve; nokuti wakafamba rwendo rwake, achifara.
40. Asi Firipo wakawanika paAzoto, akapota nyika achiparidza Evhangeri pamaguta ose, kusvikira paKesaria.

  Acts (8/28)