Acts (7/28)  

1. MuPirisita mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai?
2. Iye akati: Varume, hama, namadzibaba, inzwai: Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani,
3. akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza.
4. Ipapo akabuda munyika yavaKadhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisira ipapo kunyika ino yamugere zvino.
5. Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana.
6. Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana.
7. Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi.
8. Akamupa sungano yedzingiso, Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere, Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka mateteguru anegumi namaviri.
9. Mateteguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye.
10. Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose.
11. Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya.
12. Zvino Jakobho, wakati anzwa kuti Ijipiti kunezviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu.
13. Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukavonekwa naFarao.
14. Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu.
15. Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu;
16. vakaiswa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirvheri kuvanakomana vaEmori paShekemi.
17. Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti;
18. kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa.
19. Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavaraira kuti varashe vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa.
20. Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake;
21. zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake.
22. Mosesi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake.
23. Zvino wakati asvika makore anamakumi mana, moyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri.
24. Akavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akavuraya muIjipiti, achitsiva wakanga achitambudzwa.
25. Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa.
26. Fume mangwana akavashanyira akavawana vachikakavadzana, akaidza kuvayananisa, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko?
27. Zvino iye wakanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu?
28. Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi?
29. Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri.
30. Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa waShe akavonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi.
31. Mosesi akati achizvivona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikanzwika, richiti:
32. Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mosesi akadedera akatya kucherekedza.
33. Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34. Ndakavona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino vuya ndikutume Ijipiti.
35. Uyu Mosesi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye wakatumwa naMwari, nomutumwa wakavonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri.
36. Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana.
37. Ndiyeye Mosesi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa.
38. Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa.
39. Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo.
40. Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari.
41. Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo.
42. Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here?
43. Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi.
44. Madzibaba edu aiva netabernakeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMosesi achiti aite nomufananidzo waakavona.
45. Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi.
46. iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara.
47. Soromoni akamuvakira imba.
48. Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti:
49. Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi?
50. Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?
51. Imi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemi vo.
52. Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino.
53. Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta.
54. Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno.
55. Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari,
56. akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari.
57. Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete;
58. vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro.
59. Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.
60. Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu.

  Acts (7/28)