| ← Acts (7/28) → |
| 1. | MuPirisita mukuru akati: Zvinhu izvi ndizvo nhai? |
| 2. | Iye akati: Varume, hama, namadzibaba, inzwai: Mwari wokubwinya wakazviratidza kunababa vedu Abhurahamu, vachiri Mesopotamia, vasati vagara Harani, |
| 3. | akati kwavari: Ibva munyika yako, nokuhama dzako, uende kunyika yandinozokuratidza. |
| 4. | Ipapo akabuda munyika yavaKadhia, akagara Harani. Zvino baba vake vakati vafa, Mwari akamutamisira ipapo kunyika ino yamugere zvino. |
| 5. | Asi haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake, asi wakamupikira kuti uchamupa iyo, ive yake neyavana vake vaizomutevera, asati atongova nomwana. |
| 6. | Mwari akataura, achiti, vana vake vachava vatorwa kunyika yavamwe; vachavaita varanda, nokuvavonesa nhamo makore anamazana mana. |
| 7. | Rudzi rwavachava varanda varwo, ndicharutongesa, ndizvo zvinoreva Mwari; shure kwaizvozvo vachabuda, vachandishumira panzvimbo iyi. |
| 8. | Akamupa sungano yedzingiso, Zvino Abhurahamu akabereka Isaka, akamudzingisa nezuva rorusere, Isaka akabereka Jakobho; naJakobho akabereka mateteguru anegumi namaviri. |
| 9. | Mateteguru zvaakanga achigodora Josefa, vakamutengesa, akaiswa Ijipiti; Mwari akava naye. |
| 10. | Akamurwira panhamo dzake dzose, akamubatsira kuti adikanwe naFarao, mambo weIjipiti, ave nokuchenjera pamberi pake; iye akamuita mutariri weIjipiti noweimba yake yose. |
| 11. | Zvino nzara ikasvika paIjipiti yose neKanani, nenhamo huru; madzibaba edu akashaiwa zvokudya. |
| 12. | Zvino Jakobho, wakati anzwa kuti Ijipiti kunezviyo, pakutanga akatuma madzibaba edu. |
| 13. | Parwendo rwechipiri Josefa akazikanwa navakuru vake; rudzi rwaJosefa rukavonekwa naFarao. |
| 14. | Zvino Josefa akavatuma kundodana Jakobho, baba vake, nehama dzake dzose, vanhu vaiva namakumi manomwe navashanu. |
| 15. | Jakobho akaburukira Ijipiti; akazofa, iye namadzibaba edu; |
| 16. | vakaiswa Shekemi, vakavigwa pabwiro bwakanga bwatengwa naAbhurahamu nomutengo wesirvheri kuvanakomana vaEmori paShekemi. |
| 17. | Zvino nguva yechipikirwa chakanga chapikirwa Abhurahamu naMwari, yakati ichiswedera, vanhu vakawanda, vakaita vazhinji muIjipiti; |
| 18. | kusvikira mumwe mambo akamuka muIjipiti, wakanga asina kuziva Josefa. |
| 19. | Iye akabata rudzi rwedu namano, akatambudza madzibaba edu, akavaraira kuti varashe vacheche vavo, kuti varege kuraramiswa. |
| 20. | Nenguva iyo Mosesi akaberekwa, wakanga akaisvonaka kwazvo; akarerwa mwedzi mitatu mumba mababa vake; |
| 21. | zvino wakati arashwa, mukunda waFarao akamunonga, akamurera kuti ave mwanakomana wake. |
| 22. | Mosesi akadzidziswa vuchenjeri bwose bwavaIjipiti; akava nesimba pamashoko napamabasa ake. |
| 23. | Zvino wakati asvika makore anamakumi mana, moyo wake ukada kushanyira hama dzake, vana vaIsraeri. |
| 24. | Akavona mumwe achiitirwa zvisakarurama, ndokumurwira, akavuraya muIjipiti, achitsiva wakanga achitambudzwa. |
| 25. | Akati, zvimwe hama dzake dzichanzwisisa kuti Mwari wakanga achida kuvaponesa noruvoko rwake; asi havana kunzwisisa. |
| 26. | Fume mangwana akavashanyira akavawana vachikakavadzana, akaidza kuvayananisa, achiti: Varume, muri hama, munoitirana zvisakarurama neiko? |
| 27. | Zvino iye wakanga achiitira wokwake zvisakarurama akamusundira kure, achiti: Ndianiko wakakuita mubati nomutongi wedu? |
| 28. | Unoda kundivuraya, sezvawakavuraya muIjipiti zuro kanhi? |
| 29. | Mosesi akatiza achinzwa shoko iri, akandova mutorwa kunyika yeMidiani, kwaakandobereka vanakomana vaviri. |
| 30. | Zvino makore makumi mana akati apera, mutumwa waShe akavonekwa naye murenje regomo reSinai, mumurazvo womoto mugwenzi. |
| 31. | Mosesi akati achizvivona, akashamiswa nezvaakavona; zvino akati achiswedera kuzocherekedza, inzwi raShe rikanzwika, richiti: |
| 32. | Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, ipapo Mosesi akadedera akatya kucherekedza. |
| 33. | Zvino Ishe akati kwaari: Bvisa shangu patsoka dzako, nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene. |
| 34. | Ndakavona hangu kwazvo kutambudzika kwavanhu vangu vari muIjipiti, ndakanzwa kugomera kwavo, ndaburuka kuzovarwira; zvino vuya ndikutume Ijipiti. |
| 35. | Uyu Mosesi wavakaramba,vachiti: Ndiani wakakuita mubati nomutongi? Ndiye wakatumwa naMwari, nomutumwa wakavonekwa naye mugwenzi, kuti ave mubati nomudzikinuri. |
| 36. | Iye akavabudisa, akaita zvinoshamisa nezviratidzo munyika yeIjipiti, nepaGungwa Dzvuku, nomurenje, makore anamakumi mana. |
| 37. | Ndiyeye Mosesi wakati kuvana vaIsraeri: Ishe Mwari wenyu uchakumutsirai Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni uyu ndiye wamuchanzwa. |
| 38. | Ndiyeye wakanga ari kuvungano murenje, anomutumwa wakataura naye mugomo reSinai, anamadzibaba edu vo, wakagamuchira mashoko mapenyu kuzotipa. |
| 39. | Ndiye, wavakanga vasingadi kumutevera ivo madzibaba edu; vakamuramba, vakadzokera Ijipiti nemoyo yavo. |
| 40. | Vakati kunaAroni: Tiitire vamwari, vangatitungamirira; nokuti kana ari Mosesi uyu, wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi zvakaitika kwaari. |
| 41. | Zvino vakaita mhuru namazuva iwayo, vakavuya nechibayiro kuchifananidzo chavo, vakafarira mabasa amavoko avo. |
| 42. | Zvino Mwari akavafuratira, akavarega kuti vashumire hondo yokudenga, sezvakanyorwa mubhuku ravaporofita, zvichinzi: Ko makandivigira zvipfuwo zvakabayiwa nezvibayiro Makore makumi mana murenje, imi, imba yavaIsraeri here? |
| 43. | Makatakura tabernakeri yaMoroki, Nenyeredzi yamwari wenyu Remfani, Zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate; Ndichakutamisai mberi kweBhabhironi. |
| 44. | Madzibaba edu aiva netabernakeri yovuchapupu murenje, yakanga yakavakwa sezvaakaraira iye, wakataura naMosesi achiti aite nomufananidzo waakavona. |
| 45. | Yakati yagamuchirwa namadzibaba edu, vakapinda nayo naJoshua munyika yavahedheni,vakadzingwa naMwari pamberi pamadzibaba edu, kusvikira pamazuva aDhavhidhi. |
| 46. | iye akanzwirwa nyasha pamberi paMwari, akakumbira kuvakira Mwari waJakobho pokugara. |
| 47. | Soromoni akamuvakira imba. |
| 48. | Asi Wokumusoro haagari mudzimba dzakavakwa namavoko, sezvakarebwa nomuporofita, achiti: |
| 49. | Denga ndicho chigaro changu chovushe. Nenyika chitsiko chetsoka dzangu; Muchandivakira imba yakadiniko? Ndizvo zvinoreva Ishe; Kana nzvimbo yandingazorora pairi ndeipi? |
| 50. | Ko ruvoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here? |
| 51. | Imi vemitsipa mikukutu, musinakudzingiswa pamoyo nenzeve, munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene; samadzibaba enyu, nemi vo. |
| 52. | Ndoupiko pakati pavaporofita, usinakutambudzwa namadzibaba enyu? Vakavuraya avo vaiparidza kuvuya kwoWakarurama, iye wamakapandukira nokumuvuraya zvino. |
| 53. | Iyemi, makapiwa murairo sezvawakarairwa navatumwa, mukasauchengeta. |
| 54. | Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakamugeda-gedera meno. |
| 55. | Asi iye azere noMweya Mutsvene, akatarisisa kudenga, akavona kubwinya kwaMwari, naJesu amire kuruvoko rwurudyi rwaMwari, |
| 56. | akati: Tarirai, ndinovona denga rakazarurwa, noMwanakomana womunhu amire kuruvoko rworudyi rwaMwari. |
| 57. | Zvino vakadanidzira nenzwi guru, vakadzivira nzeve dzavo, vakamhanyira kwaari vose pamwe chete; |
| 58. | vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka namabwe; zvapupu zvikaisa nguvo dzazvo patsoka dzejaya, rainzi Sauro. |
| 59. | Vakataka Stefano, achidana achiti: Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu. |
| 60. | Akafugama, akadanidzira nenzwi guru, achiti: Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi, Akati areva izvozvo, akavata rufu. |
| ← Acts (7/28) → |