Acts (6/28)  

1. Zvino namazuva iwayo, vadzidzi vachiwanda, vaJudha, vaitaura chiGiriki, vakanyunyutira vaHebheru, nokuti chirikadzi dzavo dzaidarikwa pakugoverwa kwomusi mumwe nomumwe.
2. Zvino vanegumi navaviri vakadana vadzidzi vazhinji, vakati: Hakuzakafanira kuti isu tirege shoko raMwari, tishumire pamatafura.
3. Zvino hama dzangu, sanangurai pakati penyu varume vanomwe, vanopupurirwa zvakanaka, vazere noMweya Mutsvene novuchenjeri, vatingaisa pabasa iri.
4. Asi isu tichatsungirira pakunyengetera napabasa reshoko.
5. Shoko iri rikafadza vazhinji vose, vakasanangura Stefano, murume wakanga azere nokutenda noMweya Mutsvene, naFiripo, naProkoro, Nikanori, naTimoni, naPamenasi, naNikorasi, muproserite weAntiokia.
6. Vakavaisa pamberi pavaapostora; vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo.
7. Shoko raMwari rikakura, vadzidzi vakawanda zvikuru paJerusarema; navaPirisita vazhinji vakagamuchira kutenda.
8. Zvino Stefano, azere nenyasha nesimba, akaita zvinoshamisa nezviratidzo zvikuru pakati pavanhu.
9. Ipapo vamwe vavo, vaiva vesinagoge rainzi ravasununguki, navaKureni, navaAreksandira, naveKirikia, neveAsia, vakasimuka vakaita nharo naStefano.
10. Asi vakanga vasingagoni kukunda kuchenjera kwake, noMweya waitaura naye.
11. Ipapo vakamutsa varume, vaiti: Takamunzwa achitaura mashoko anomhura Mosesi naMwari.
12. Vakakurudzira vanhu, navakuru, vakamuisa kumakurukota.
13. vakaisapo zvapupu zvenhema, zvaiti: Munhu uyu haaregi kutaura mashoko anomhura imba iyi tsvene nomurairo.
14. Nokuti takamunzwa achiti: Uyu Jesu weNazareta uchaparadza nzvimbo iyi nokushandura tsika dzatakapiwa naMosesi.
15. Zvino vose vakanga vagere pamakurukota, vakamutarisisa, vakavona chiso chake chakaita sechiso chomutumwa.

  Acts (6/28)