← Acts (5/28) → |
1. | Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake, |
2. | akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizviziva vo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavaapostora. |
3. | Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda? |
4. | Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usinesimba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari. |
5. | Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa. |
6. | Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga. |
7. | Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa. |
8. | Petro akapindura kwaari, akati: Ndivudze kana maka tengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai. |
9. | Petro akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamukova, vachakutakurira vo kunze. |
10. | Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake. |
11. | Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa. |
12. | Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu namavoko avaapostora; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni. |
13. | Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza |
14. | Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe. |
15. | Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhovo, kuti kana Petro achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo. |
16. | Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusarema vakavungana, vachivuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa. |
17. | Zvino muPirisita mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhuse), vanegodo kwazvo; |
18. | vakabata vaapostora vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose. |
19. | Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetorongo vusiku, akavabudisa, akati: |
20. | Endai, mumire mutembere muchitaura kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu. |
21. | Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muPirisita mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzovuya navo. |
22. | Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo, vachiti: |
23. | Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati. |
24. | Zvino MuPirisita nomukuru wetembere, navaPirisita vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini. |
25. | ipapo mumwe munhu akasvika, akavavudza, achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutembere, vamire vachidzidzisa vanhu. |
26. | Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti vangatakwa namabwe. |
27. | Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. MuPirisita mukuru akavabvunza |
28. | achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri here?, zvino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamsoro pedu. |
29. | Zvino Petro navaapostora vakapindura vakati: Tinofanira kuterera Mwari kupfuvura vanhu. |
30. | Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya muchimuturika pamuti, |
31. | Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, ave Mutungamiriri noMusununguri, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekanganwiro yezvivi. |
32. | Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; noMweya Mutsvene vo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuterera. |
33. | Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvavuraya. |
34. | Ipapo mumwe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti vaapostora vabudiswe chinguva chiduku; |
35. | akati kwavari: Varume vaIsraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava. |
36. | Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akavurawa, navose vaimuterera vakaparadzirwa, nokuparadzwa. |
37. | Shure kwomunhu uyu Judhasi weGarirea akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuterera, vakaparadzirwa. |
38. | Zvino ndinoti kwamuri: Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa. |
39. | Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwari vo. |
40. | Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza. |
41. | Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake. |
42. | Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo. |
← Acts (5/28) → |