Acts (5/28)  

1. Zvino mumwe murume, wainzi Ananiasi, wakatengesa fuma yake anaSafira mukadzi wake,
2. akazvikamurira zvimwe pamutengo, mukadzi wake achizviziva vo, akavuya nomumwe mugove, ndokuuisa pamberi pavaapostora.
3. Asi Petro akati: Ananiasi, Satani wazadzireiko moyo wako, kuti ureve nhema kuMweya Mutsvene, nokuzvikamurira zvimwe pamutengo womunda?
4. Iwo uchiripo, wakanga usi wako here? Watengeswa, wakanga usinesimba nazvo here? Waita seiko, zvawafunga chinhu ichi mumoyo mako? Hauna kureva nhema kuvanhu, asi kunaMwari.
5. Ananiasi, wakati achinzwa mashoko iwayo, akawira pasi, akabudisa mweya wake; kutya kukuru kukawira vose vakazvinzwa.
6. Majaya akasimuka, akamuputira, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga.
7. Nguva dzinege senhatu dzakati dzapfuvura, mukadzi wake akapinda, asingazivi zvaitwa.
8. Petro akapindura kwaari, akati: Ndivudze kana maka tengesa munda nemari yakadai? Iye akati: Hongu, neyakadai.
9. Petro akati kwaari: Maita seiko zvamarangana kuidza Mweya waShe? Tarira, tsoka dzavakaviga murume wako, dzichiri pamukova, vachakutakurira vo kunze.
10. Ipapo akawira pasi pakarepo patsoka dzake, akabudisa mweya wake; majaya akapinda, akamuwana afa, ndokumutakurira kunze, ndokumuviga kumurume wake.
11. Kutya kukuru kukawira kereke yose navose vakazvinzwa.
12. Zviratidzo nezvinoshamisa zvizhinji zvakaitwa pakati pavanhu namavoko avaapostora; vose vaiva nomoyo mumwe pabiravira raSoromoni.
13. Asi pakati pavamwe kwakanga kusinomunhu wakatsunga kuzviisa kwavari; asi vanhu vaivakudza
14. Vatendi vazhinji kwazvo, varume navakadzi, vairamba vachiwedzerwa kunaShe.
15. Nokudaro vakatakurira varwere munzira dzomumusha, vakavaradzika pamibhedha napanhovo, kuti kana Petro achiswederapo, kunyange nomumvuri wake bedzi udzikatire mumwe wavo.
16. Navazhinji vamaguta akapoteredza Jerusarema vakavungana, vachivuya navarwere, navaitambudzika nemweya yetsvina, vakaporeswa.
17. Zvino muPirisita mukuru akasimuka, navose vaiva naye (vaiva vedzidziso yavaSadhuse), vanegodo kwazvo;
18. vakabata vaapostora vakavaisa mutorongo maipinzwa vanhu vose.
19. Asi mutumwa waShe wakazarura mikova yetorongo vusiku, akavabudisa, akati:
20. Endai, mumire mutembere muchitaura kuvanhu mashoko ose ovupenyu ubwu.
21. Vakati vachizvinzwa, vakapinda mutembere mangwanani, vakadzidzisa. Zvino muPirisita mukuru navaiva naye, vakasvika, vakakokera makurukota nevungano yose yavakuru vavana vaIsraeri; vakatumira vanhu kutorongo kuzovuya navo.
22. Asi varanda vakati vachisvikapo, vakawana vasimo mutorongo; vakadzoka, vakavavudza izvozvo, vachiti:
23. Torongo takaiwana yakazarirwa zvakasimba kwazvo, navarindi vamire panze; asi takati tichizarura, tikasawana munhu mukati.
24. Zvino MuPirisita nomukuru wetembere, navaPirisita vakuru vakati vachinzwa mashoko iwayo, vakakanganiswa pamusoro pazvo, vasingazivi kuti zvinozodini.
25. ipapo mumwe munhu akasvika, akavavudza, achiti: Tarirai, varume vamakaisa mutorongo, vava mutembere, vamire vachidzidzisa vanhu.
26. Zvino mutungamiriri wavarwi, navatariri, vakaenda, vakavuya navo, vasingaiti nesimba, nokuti vakanga vachitya vanhu kuti vangatakwa namabwe.
27. Vakati vasvika navo, vakavaisa kumakurukota. MuPirisita mukuru akavabvunza
28. achiti: Ko hatina kukurairai zvikuru kuti murege kudzidzisa nezita iri here?, zvino tarirai, mazadza Jerusarema nokudzidzisa kwenyu; muchida kuti ropa romunhu uyu rivuye pamsoro pedu.
29. Zvino Petro navaapostora vakapindura vakati: Tinofanira kuterera Mwari kupfuvura vanhu.
30. Mwari wamadzibaba edu wakamutsa Jesu iye wamakavuraya muchimuturika pamuti,
31. Mwari wakamusimudza iye noruvoko rwake rworudyi, ave Mutungamiriri noMusununguri, kuti ape vaIsraeri kutendevuka nekanganwiro yezvivi.
32. Isu tiri zvapupu zvamashoko iwayo; noMweya Mutsvene vo, wavakapiwa naMwari ivo vanomuterera.
33. Zvino ivo vakati vachizvinzwa, vakafa neshungu, vakada kuvavuraya.
34. Ipapo mumwe muFarise, wainzi Gamarieri, mudzidzisi womurairo, waikudzwa navanhu vose, akasimuka pamakurukota, akaraira kuti vaapostora vabudiswe chinguva chiduku;
35. akati kwavari: Varume vaIsraeri, chenjerai zvamunoda kuitira vanhu ava.
36. Nokuti kare kwakambomuka Tudasi, achiti, ndiri munhu mukuru, vanhu vanenge mazana mana vakamutevera; iye akavurawa, navose vaimuterera vakaparadzirwa, nokuparadzwa.
37. Shure kwomunhu uyu Judhasi weGarirea akamuka, pamazuva okuverengwa, akatsausa vanhu kuti vamutevere; iye akaparara, navose vakamuterera, vakaparadzirwa.
38. Zvino ndinoti kwamuri: Musabata vanhu ava, muvarege, nokuti kana kufunga uku nebasa iri zviri zvavanhu, zvichaparadzwa.
39. Asi kana zviri zvaMwari, hamungagoni kuzviparadza; kuti zvimwe mungadai muchirwa naMwari vo.
40. Vakamunzwa; ipapo vakati vadana vaapostora, vakavarova, vakavaraira kuti varege kutaura nezita raJesu; vakavaregedza.
41. Ipapo vakabuda pamakurukota, vachifara, zvavakanzi vakafanirwa kunyadziswa nokuda kwezita rake.
42. Havana kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutembere kana kudzimba dzavo.

  Acts (5/28)