Acts (4/28)  

1. Vakati vachataura navanhu, vaPirisita nomukuru wetembere navaSajhusi vakavuya kwavari,
2. vafa neshungu, nokuti vakanga vachidzidzisa vanhu, vachiparidza kumuka kwavakafa munaJesu.
3. Vakavabata, vakavaisa mutorongo kusvikira mangwana; nokuti akanga ava madekwana.
4. Asi vazhinji kunavakanzwa shoko vakatenda; varume vanosvika zvuru zvinenge zvishanu pakuverengwa kwavo.
5. Zvino fume mangwana vabati vavo, navakuru, navanyori vakavungana paJerusarema;
6. naAnasi, muPirisita mukuru, naKayafasi, naJohane, naAreksandro, nehama dzose dzomuPirisita mukuru vakavungana vose paJesursarema.
7. vakavaisa pakati pavo, vakavabvunzisisa, vachiti: Makazviita izvozvi nesimba rei, kana nezita ripiko?
8. Zvino Petro, azere noMweya Mutsvene, akati kwavari: Imi vabati vavanhu,navakuru vavaIsraeri.
9. kana tikabvunzwa nhasi pamusoro pebasa rakanaka, rakaitirwa munhu chirema, napaakaponeswa napo;
10. muzive imi mose, navanhu vose vaIsraeri, kuti nezita raJesu Kristu weNazareta, wamakarovera pamuchinjikwa, iye wakamutswa naMwari kuvakafa, nezita iri munhu uyu umire pano pamberi penyu apora.
11. Iri ndiro ibwe rakarashwa nemi vavaki, rakazova musoro wekona.
12. Nokuti hakuna kuponeswa kunomumwe; nokuti hakunerimwe zita pasi pedenga, rakapiwa pakati pavanhu, ratingaponeswa naro.
13. Zvino vakati vachivona kusatya kwaPetro naJohane, vachinzwisisa kuti vaiva vanhu vasina kudzidza, vasingazivi chinhu, vakashamiswa; vakavaziva kuti vaiva naJesu.
14. Vakavona vo munhu, wakanga aporeswa, amire navo, vakashaiwa chavangapindura nacho.
15. Zvino vakati vavaraira kuti vabude pavungano, vakarangana pakati pavo,
16. vachiti: Vanhu ava tichavaita seiko? Nokuti vanhu vose vagere Jerusarema vavona kwazvo kuti chiratidzo chaitwa navo; hatigoni kuramba isu.
17. Asi ngativanyevere kuti varege kuzotaura nomunhu upi noupi nezita iri, kuti zvirege kuramba zvichiparadzirwa pakati pavanhu.
18. Vakavadana, vakavaraira kuti varege chose kutaura kana kudzidzisa nezita raJesu.
19. Asi Petro naJohane vakapindura, vakati kwavari: Tongai henyu imi, kana zvingava zvakarurama pamberi paMwari, kuti titerere imi kupfuvura Mwari.
20. Nokuti hatigoni isu kurega kutaura zvatakavona, nezvatakanzwa.
21. Zvino vakati vawedzera kuvanyevera, vakavaregedza, vasingawani mhosva yavangavarova nayo nokuda kwavanhu; nokuti vose vairumbidza Mwari pamusoro pezvakaitwa;
22. nokuti munhu wakanga aitirwa chiratidzo ichi wakanga anamakore makumi mana anemiravudzo.
23. Vakati varegedzwa, vakaenda kunovokwavo, vakandovavudza zvose zvavakanga vavudzwa navaPirisita vakuru navakuru.
24. Ivo vakati vazvinzwa, vakadana kunaMwari nomoyo mumwe, vachiti: Tenzi, ndimi Mwari makaita denga napasi, negungwa nezvose zviri mukati mazvo;
25. makareva noMweya Mutsvene, nomuromo wababa vedu Dhavhidhi, muranda wenyu, muchiti: Vahedheni vakaitireiko hasha, Navanhu vakafungireiko zvisina maturo?
26. Madzimambo enyika akamuka, Navabati vakavungana pamwe chete, Kurwa naShe naKristu wake.
27. Nokuti zvirokwazvo Herodhe, naPontio Pirato, navahedheni, navanhu vaIsraeri vakavunganira muguta iri, kuzorwa naJesu Muranda wenyu mutsvene, wamakazodza;
28. kuti vaite zvose zvakanga zvatemwa noruvoko rwenyu kuzoporesa; nezviratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu, Muranda wenyu mutsvene.
29. Zvino, Ishe, tarirai kunyevera kwavo, mubatsire varanda venyu kuti vataure shoko renyu varingatongotyi,
30. Mutambanudze ruvoko rwenyu kuzoporesa; neziratidzo nezvishamiso zviitwe nezita raJesu muranda wenyu mutsvene.
31. Zvino vakati vanyengetera, nzvimbo yavakanga vakavungana pairi ikazununguswa; vakazadzwa vose noMweya Mutsvene, vakataura shoko raMwari vasingatyi.
32. Zvino vazhinji vose vavaitenda vaiva nomoyo mumwe nomweya mumwe; kwakanga kusinomumwe waiti chimwe chaaiva nacho ndechake, asi zvinhu zvose vakati ndezvavose.
33. Vaapostora vaipupurira kumuka kwaJesu nesimba guru; nyasha huru ikavapo pamusoro pavo vose.
34. Nokuti pakanga pasina waishaiwa pakati pavo, nokuti vose vaiva neminda kana dzimba, vakazvitengesa, vakavuya nomutengo wezvakate ngeswa.
35. vakazviisa pamberi pavaapostora; mumwe nomumwe akagoverwa paakashaiwa napo.
36. NaJosefa, wakatumidzwa navaapostora achinzi Bharnabhasi, (ndokuti Mwanakomana wokunyaradza, kana zvichishandurwa), muRevhi, munhu weKupro parudzi rwake,
37. waiva nomunda; akautengesa, akavuya nemari akaiisa pamberi pavaapostora.

  Acts (4/28)