| ← Acts (3/28) → |
| 1. | Zvino Petro naJohane vakakwira kutembere nenguva yokunyengetera yakanga iri nguva yepfumbamwe. |
| 2. | Zvino mumwe murume, waikamhina kubva padumbu ramai vake, wakanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere. |
| 3. | Iye wakati achivona Petro naJohane voda kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe chipo. |
| 4. | Zvino Petro akamutarisisa, naJohane vo, akati: Titarire. |
| 5. | Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo. |
| 6. | Asi Petro akati: Sirivheri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe. |
| 7. | Akamubata ruvoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba. |
| 8. | Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari. |
| 9. | Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari. |
| 10. | Vakamuziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa. |
| 11. | Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira pana Petro naJohane, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo. |
| 12. | Zvino Petro wakati achivona izvozvo, akapindura vanhu, akati: Varume vaIsraeri, mashamiswa neiko pamusoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari? |
| 13. | Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuvatongi mukamuramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe. |
| 14. | Asi imi makaramba uyo Mutsvene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi: |
| 15. | mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye, wakamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu. |
| 16. | Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunovona, nowamunoziva; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose. |
| 17. | Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyu vo; |
| 18. | asi saizvozvo Mwari wakazadzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake uchazotambudzika. |
| 19. | Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kunaShe, dzisvike; |
| 20. | Uchatuma Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare. |
| 21. | iye unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. Kwenyika. |
| 22. | Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; muchamuterera pazvose, zvaanotaura kwamuri. |
| 23. | Zvino mumwe nomumwe kana asingatereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu. |
| 24. | Navaporofita vose kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofita zvinhu izvozvi zvose. |
| 25. | Imi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kunaAbhurahamu: Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako. |
| 26. | Mwari wakatanga kukumutsirai imi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake. |
| ← Acts (3/28) → |