Acts (3/28)  

1. Zvino Petro naJohane vakakwira kutembere nenguva yokunyengetera yakanga iri nguva yepfumbamwe.
2. Zvino mumwe murume, waikamhina kubva padumbu ramai vake, wakanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pamukova wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kunavaipinda mutembere.
3. Iye wakati achivona Petro naJohane voda kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe chipo.
4. Zvino Petro akamutarisisa, naJohane vo, akati: Titarire.
5. Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo.
6. Asi Petro akati: Sirivheri nendarama handina; asi chandinacho ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, simuka ufambe.
7. Akamubata ruvoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba.
8. Akavhazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutembere, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari.
9. Vanhu vose vakamuvona achifamba, achirumbidza Mwari.
10. Vakamuziva, kuti ndiye waigarira zvipo pamukova Wakanaka wetembere; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa.
11. Zvino murume waikamhina, wakanga aporeswa achakabatira pana Petro naJohane, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
12. Zvino Petro wakati achivona izvozvo, akapindura vanhu, akati: Varume vaIsraeri, mashamiswa neiko pamusoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu kana nokunamata kwedu Mwari?
13. Mwari waAbhurahamu, nowaIsaka, nowaJakobho, Mwari wamadzibaba edu, ndiye wakakudza Muranda wake Jesu, wamakaisa kuvatongi mukamuramba pamberi paPirato, iye atonga kuti asunungurwe.
14. Asi imi makaramba uyo Mutsvene, wakarurama, mukakumbira kuti mupiwe muvurayi:
15. mukavuraya Muvambi wovupenyu; iye, wakamutswa naMwari kuvakafa; iye, watiri zvapupu zvake isu.
16. Nokutenda kuzita rake, zita rake rakasimbisa munhu uyu wamunovona, nowamunoziva; vuye, kutenda kunobva kwaari, ndiko kwakamuporesa zvakanaka kudai pamberi penyu mose.
17. Asi zvino, hama dzangu ndinoziva kuti makazviita nokusaziva, savabati venyu vo;
18. asi saizvozvo Mwari wakazadzisa zvaakamboreva nomuromo wavaporofita vose, kuti Kristu wake uchazotambudzika.
19. Naizvozvo tendevukai, mudzoke, kuti zvivi zvenyu zvidzimwe, kuti nguva dzokuvandudzwa dzinobva kunaShe, dzisvike;
20. Uchatuma Kristu, wakaparidzwa kwamuri kare.
21. iye unofanira kugamuchirwa kudenga kusvikira nguva yokugadzirwa kwezvinhu zvose, yakarebwa naMwari nomuromo wavaporofita vake vatsvene kubva pakutanga. Kwenyika.
22. Nokuti Mosesi wakati: Ishe, Mwari wenyu, uchamumutsira Muporofita pakati pehama dzenyu, wakafanana neni; muchamuterera pazvose, zvaanotaura kwamuri.
23. Zvino mumwe nomumwe kana asingatereri Muporofita uyo, uchaparadzwa kwazvo pakati pavanhu.
24. Navaporofita vose kubva kunaSamueri, navakamutevera, naivo vose vakataura vakaporofita zvinhu izvozvi zvose.
25. Imi muri vanakomana vavaporofita, navesungano, yakaitwa naMwari namadzibaba enyu, achiti kunaAbhurahamu: Marudzi ose enyika acharopafadzwa muvana vako.
26. Mwari wakatanga kukumutsirai imi Mwanakomana wake Jesu, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvake.

  Acts (3/28)