← Acts (28/28) |
1. | Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita. |
2. | Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya vuye nokuda kwechando. |
3. | Zvino Pauro wakati avunganidza svinga rovutsotso, akabwuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruvoko rwake. |
4. | Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu. |
5. | Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa. |
6. | Ivo vakati uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakavona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti: Iye ndimwari. |
7. | Zvino pedo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, wainzi Pubrio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. |
8. | Zvino baba vaPubrio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa. |
9. | Izvo zvakati zvaitwa, navamwe vo vechiwi, vairwara, vakavuya, vakaporeswa. |
10. | Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa. |
11. | Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheAreksandria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri. |
12. | Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagara.po mazuva matatu. |
13. | Tikabvapo, tikapota ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuvura, mhepo yaibva zasi ikasimuka, tikasvika Puteori nezuva repiri; |
14. | tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma. |
15. | Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo. |
16. | Zvino takati tapinda Roma, mubati wechuru akaisa vasungwa kumutungamiriri mukuru, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda. |
17. | Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma; |
18. | ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasinemhosva yorufu kwandiri. |
19. | Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu. |
20. | Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri. |
21. | Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhea, vuye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako. |
22. | Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose-kwose. |
23. | Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana. |
24. | Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havanakutenda. |
25. | Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro akataura shoko rimwe chete kwavari, rokuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka nomuporofita Isaya kunamadzibaba enyu, |
26. | achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi nokuvona muchavona musingatongovonesesi. |
27. | Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese |
28. | Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwa vo. |
29. | [Wakati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.] |
30. | Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari, |
31. | achiparidza vushe bwaMwari, achidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu. |
← Acts (28/28) |