Acts (28/28)    

1. Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita.
2. Vanhu venyika iyi vakatiitira vunyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose nokuda kwemvura yakanga ichinaya vuye nokuda kwechando.
3. Zvino Pauro wakati avunganidza svinga rovutsotso, akabwuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruvoko rwake.
4. Vanhu venyika iyo vakati vachivona chikara chakaremberera paruvoko rwake, vakataurirana, vachiti: Zvirokwazvo munhu uyu muvurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.
5. Asi iye wakazuzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa.
6. Ivo vakati uchazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakavona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti: Iye ndimwari.
7. Zvino pedo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, wainzi Pubrio; iye wakatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu.
8. Zvino baba vaPubrio vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivhiri nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa mavoko ake pamusoro pavo, akavaporesa.
9. Izvo zvakati zvaitwa, navamwe vo vechiwi, vairwara, vakavuya, vakaporeswa.
10. Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishaiwa.
11. Mwedzi mitatu yakati yapfuvura, tikaenda nechikepe cheAreksandria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti Dioskuri.
12. Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagara.po mazuva matatu.
13. Tikabvapo, tikapota ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuvura, mhepo yaibva zasi ikasimuka, tikasvika Puteori nezuva repiri;
14. tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.
15. Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikavuya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTaberne Nhatu; Pauro akati adzivona idzo, akavonga Mwari, akatsunga moyo.
16. Zvino takati tapinda Roma, mubati wechuru akaisa vasungwa kumutungamiriri mukuru, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi waimurinda.
17. Mazuva matatu akati apfuvura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vavungana, akati kwavari: Varume, hama, kunyange ndisina kuitira vanhu chinhu chakaipa, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusarema ndakasungwa, ndaiswa pamavoko avaRoma;
18. ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasinemhosva yorufu kwandiri.
19. Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu.
20. Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuvonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa neketani iri nokuda kwetariro yavaIsraeri.
21. Vakati kwaari: Hatina kugamuchira mwadhi pamusoro pako, dzaibva Judhea, vuye hakunomumwe wehama wakasvika akativudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako.
22. Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose-kwose.
23. Zvino vakati vamutarira zuva, vakavuya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo vushe bwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana.
24. Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havanakutenda.
25. Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro akataura shoko rimwe chete kwavari, rokuti: Mweya Mutsvene wakataura zvakanaka nomuporofita Isaya kunamadzibaba enyu,
26. achiti: Enda kuvanhu ava uti: Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi nokuvona muchavona musingatongovonesesi.
27. Nokuti moyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongovona nemeso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemoyo yavo, Vatendevuke, Ndivaponese
28. Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwa vo.
29. [Wakati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.]
30. Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari,
31. achiparidza vushe bwaMwari, achidzidzisa zvaShe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu.

  Acts (28/28)