Acts (27/28)  

1. Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto.
2. Zvino takati tapinda muchikepe cheAdramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedhonia, waibva Tesaronika.
3. Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo.
4. Tikabva ipapo, tikapfuvura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidzivisa.
5. Zvino tayambuka gungwa reKirikia nePamfiria, tikasvika Mira, musha weRikia.
6. Mukuru wezana akawanapo chikepe cheAreksandira, chaienda Itaria, ndokutipinzamo.
7. Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuvura nenyasi kweKrita, napakatarisana neSarmoni.
8. Tikapfuvura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedo neguta reRasea.
9. Zvino nguva huru yakati yapfuvura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuvura, Pauro akavaraira,
10. akati kwavari: Varume, ndinovona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, zvisani zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokuvupenyu bwedu vo.
11. Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuvura zvakarebwa naPauro,
12. nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zvirinani kuti vabvepo kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKrita, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi.
13. Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivavarira, vakabvapo, vakafamba pedo neKrita.
14. Zvino gare-gare mhepo inesimba, yainzi Yura-kuro, ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira.
15. Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba tichingotorwa.
16. Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Krauda, tikanga tokoniwa kusunga igwa.
17. Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino vakatya kuti vachakandirwa pajecha reSirtisi, vakaderedza maseiri, ndokungotorwa.
18. Fume mangwana, zvatakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze;
19. nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namavoko avo.
20. Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richiramba riripo, takatorerwa tariro yose yokuti tichaponeswa.
21. Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati: Varume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku.
22. Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge moyo; nokuti hakuna ungarashikirwa novupenyu bwake pakati penyu, asi chekepe bedzi.
23. Nokuti vusiku bwuno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumira vo, wakamira neni,
24. akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari wakakupa vose vanofamba newe muchikepe.
25. Naizvozvo, varume, tsungai moyo nokuti ndinotenda Mwari kuti zvichaitika sezvandakavudzwa.
26. Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi.
27. Zvino vusiku bwegumi novuna bwakati bwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdra, pakati povusiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika.
28. Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakati mafadomi* makumi maviri; vakapfuvura zvishoma, ndokuyera zve, vakawana pakaita mafadomi* anegumi namashanu.
29. Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze.
30. Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho.
31. Pauro akati kumukuru wezana navarwi: Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe.
32. Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa.
33. Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti: Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu.
34. Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu.
35. Wakati areva izvozvo akatora chingwa akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye.
36. Ipapo vakatsunga moyo vose vakadya vo vamene.
37. Isu tose taive muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu.
38. Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa.
39. Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakavona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri.
40. Ipapo vakagura zvimiso, vakazviisa mugungwa, vakasunungura zvisungo zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo.
41. Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura.
42. Zvino varwi vakati zvirinani kuti vasungwa vavurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira.
43. Asi mukuru wezana wakada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika;
44. vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu.

  Acts (27/28)