← Acts (27/28) → |
1. | Zvino kwakati kwatemwa kuti tiende Itaria nechikepe, vakaisa Pauro navamwe vasungwa kumukuru wezana, wainzi Jurio, wehondo yaAugusto. |
2. | Zvino takati tapinda muchikepe cheAdramiteni, chakanga choenda napamisha yemhenderekedzo dzeAsia, tikabva tinaAristarko muMakedhonia, waibva Tesaronika. |
3. | Fume mangwana tikasvika Sidhoni, Jurio akaitira Pauro zvakanaka, akamutendera kuti aende kushamwari dzake, achengetwe navo. |
4. | Tikabva ipapo, tikapfuvura nenyasi kweKupro, nokuti mhepo yakatidzivisa. |
5. | Zvino tayambuka gungwa reKirikia nePamfiria, tikasvika Mira, musha weRikia. |
6. | Mukuru wezana akawanapo chikepe cheAreksandira, chaienda Itaria, ndokutipinzamo. |
7. | Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinido tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuvura nenyasi kweKrita, napakatarisana neSarmoni. |
8. | Tikapfuvura napo tichitambudzika, ndokusvika pamwe painzi Zororo Rakanaka, pedo neguta reRasea. |
9. | Zvino nguva huru yakati yapfuvura, nokufamba negungwa kwava nenjodzi, nokuti nguva yokuzvinyima zvokudya yakanga yatopfuvura, Pauro akavaraira, |
10. | akati kwavari: Varume, ndinovona kuti rwendo rwedu ruchava nokutambudzika nokurashikirwa kukuru, zvisani zviri zvomutoro nechikepe bedzi, asi nokuvupenyu bwedu vo. |
11. | Asi mukuru wezana wakaterera mufambisi wechikepe, nomwene wacho, kupfuvura zvakarebwa naPauro, |
12. | nokuti zororo zvarakanga risina kunaka kuti vagarepo chando, vamwe vazhinji vakati zvirinani kuti vabvepo kuti zvimwe vangasvika Fenika vagarepo chando; ndiro zororo reKrita, rakanga rakatarira mabvazuva kumusoro nezasi. |
13. | Zvino mhepo yezasi yakati ichirira zvishoma, vakati tawana zvatakanga tichivavarira, vakabvapo, vakafamba pedo neKrita. |
14. | Zvino gare-gare mhepo inesimba, yainzi Yura-kuro, ikaburuka ichibva kwairi, ikatiwira. |
15. | Zvino chikepe chakati chichibatwa, tisingagoni kufamba tichingotorwa. |
16. | Zvino tikafamba nyasi kwechimwe chiwi chiduku, chainzi Krauda, tikanga tokoniwa kusunga igwa. |
17. | Vakati varisimudza, vakatora zvibatsiro, vakasunga chikepe nenyasi; zvino vakatya kuti vachakandirwa pajecha reSirtisi, vakaderedza maseiri, ndokungotorwa. |
18. | Fume mangwana, zvatakatambura kwazvo nedutu remhepo, vakakandira nhumbi kunze; |
19. | nezuva retatu, vakakandira zvinhu zvechikepe kunze namavoko avo. |
20. | Zvino zvatakanga tisina kubudirwa nezuva kana nyeredzi mazuva mazhinji, nedutu guru remhepo richiramba riripo, takatorerwa tariro yose yokuti tichaponeswa. |
21. | Zvino vakati vagara nguva refu vasingadyi, Pauro akamira pakati pavo, akati: Varume, maifanira kunditerera, mukasabva Krita, mukasawirwa nokutambudzika nokurashikirwa uku. |
22. | Asi zvino ndinokurairai kuti mutsunge moyo; nokuti hakuna ungarashikirwa novupenyu bwake pakati penyu, asi chekepe bedzi. |
23. | Nokuti vusiku bwuno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumira vo, wakamira neni, |
24. | akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari wakakupa vose vanofamba newe muchikepe. |
25. | Naizvozvo, varume, tsungai moyo nokuti ndinotenda Mwari kuti zvichaitika sezvandakavudzwa. |
26. | Asi tinofanira kukandirwa pane chimwe chiwi. |
27. | Zvino vusiku bwegumi novuna bwakati bwasvika, tichangotorwa-torwa mugungwa reAdra, pakati povusiku vafambisi vechikepe vakati voswedera kuneimwe nyika. |
28. | Vakayera kudzika kwemvura, vakawana pakati mafadomi* makumi maviri; vakapfuvura zvishoma, ndokuyera zve, vakawana pakaita mafadomi* anegumi namashanu. |
29. | Zvino vakatya kuti zvimwe tichawira pamabwe, vakakanda zvimiso zvina neshure kwechikepe, vakachema vachiti kuedze. |
30. | Zvino vafambisi vakati vachida kutiza muchikepe, vakaburusira igwa mugungwa, vachiita savanenge vokanda zvimiso kumuromo wacho. |
31. | Pauro akati kumukuru wezana navarwi: Hamungararami kana ava vasingagari muchikepe. |
32. | Ipapo varwi vakagura mabote egwa, vakarirega, rikawa. |
33. | Zvino kwakati kwoedza, Pauro akakumbira zvikuru kwavari vose kuti vadye, achiti: Nhasi rava zuva regumi nerechina, ramakagara muchizvinyima kudya, musingadyi chinhu. |
34. | Saka ndinokumbira zvikuru kuti mudye, nokuti ndizvo zvichakuponesai; nokuti hakunoruvudzi rumwe ruchaparadzwa pamusoro womumwe wenyu. |
35. | Wakati areva izvozvo akatora chingwa akavonga Mwari pamberi pavo vose, akachimedura, ndokutanga kudya iye. |
36. | Ipapo vakatsunga moyo vose vakadya vo vamene. |
37. | Isu tose taive muchikepe, taiva mazana maviri namakumi manomwe navatanhatu. |
38. | Zvino vakati vaguta, vakarerusa chikepe, vachikandira zviyo mugungwa. |
39. | Kwakati kwoedza, vakasaziva nyika; asi vakavona zororo raiva nejecha, vakarangana kana zvaibvira kuitika, kuti vaise chikepe pariri. |
40. | Ipapo vakagura zvimiso, vakazviisa mugungwa, vakasunungura zvisungo zvokudzoresa nazvo, vakasimudzira seiri rapamberi kumhepo, vakaruramira kumhenderekedzo. |
41. | Zvino vakati vachisvika paidira makungwa maviri, vakagumirisa chikepe pasi; muromo wacho ukabatwa kwazvo usingazununguki, asi rutivi rwacho rweshure rukavhunika nesimba remvura. |
42. | Zvino varwi vakati zvirinani kuti vasungwa vavurawe, kuti vamwe varege kutiza vachishambira. |
43. | Asi mukuru wezana wakada kuponesa Pauro, akavadzivisa zvavakanga vachida kuita; akaraira kuti vanogona kushambira, vatange kuzviwisira mumvura, vabude kunyika; |
44. | vamwe, vasara, vabude vamwe pamatanda, vamwe panezvimwe zvinhu zvechikepe. Naizvozvo zvakaitika kuti vose vakasvika kunyika vari vapenyu. |
← Acts (27/28) → |