Acts (26/28)  

1. Zvino Agripa akati kuna Pauro: Unotenderwa kuzvidavirira. Ipapo Pauro akatambanudza ruvoko rwake, akazvidavirira, achiti;
2. Mambo Agripa, ndinozvikorokotedza, zvandingazvidavirira nhasi pamberi penyu pamusoro pezvose zvandinokwirirwa nazvo navaJudha;
3. zvikuru nokuti munoziva tsika dzose namashoko ose pakati pavaJudha; naizvozvo ndinokumbira kwamuri, kuti mundinzwe nomoyo murefu.
4. VaJudha vose vanoziva mufambire wangu, kubva pavuduku bwangu, waiva pakati porudzi rwangu napaJerusarema kubva pakutanga;
5. vakandiziva kare kana vachida kupupura, kuti ndaiva muFarise, nedzidziso yokupira kwedu yakaisvorurama.
6. Nazvino ndinomira pano, kuti nditongwe nokuda kwokutarira chipikirwa chakapikirwa madzibaba edu naMwari.
7. Marudzi edu anegumi namaviri anoshumira Mwari vusiku namasikati, achiti achasvika pachipikirwa icho.Pamusoro pokutarira uku, imi mambo, ndinokwirirwa navaJudha.
8. Munofungireiko imi kuti hazvingatendwi kuti Mwari ungamutsa vakafa?
9. Zvino neni ndaiti ndinofanira kuita zvinhu zvizhinji zvinopesana nezita raJesu weNazareta.
10. Ndakazviita vo paJerusarema, ndikapfigira vatsvene vazhinji mutorongo, ndapiwa simba navaPirisita vakuru; vuye kana vaivurawa, neni ndaibvumiravo.
11. Nomumasinagoge ose ndaivatambudza, ndichivaroverera kuti vamhure Mwari; ndikanyanya kuvapengera, ndikavatambudza kusvikira kumaguta ari kure nenyika ino.
12. Ndakati ndichaita izvozvi, ndikaenda Dhamaseko nesimba vuye nomurairo wavaPirisita vakuru,
13. zvino, mambo masikati makuru, ndiri munzira, ndikavona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.
14. Zvino takati tawira pasi tose, ndikanzwa izwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru: Sauro! Sauro! Unonditambudzireiko? Zvinokuremera kupfura zvibayiso.
15. Ndakati: Ndimi aniko, Ishe akati: Ndini Jesu, waunotambudza.
16. Asi simuka, umire namakumbo ako; nokuti ndazviratidza kwauri nezvizvi, kuti ndikuite munyai nechapupu chezvawakavona, nezvandichazviratidza nazvo kwauri;
17. ndichakurwira kuvanhu nokuvahedheni, vandinokutumira kwavari;
18. kuti usvinudze meso avo, vabve murima, vaende kuchiedza, nokubva pasimba raSatani, vaende kunaMwari. Kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi zvavo, nenhaka pakati pavakaitwa vatsvene, nokutenda kwandiri.
19. Naizvozvo, mambo Agripa handina kuramba kuterera chiratidzo chokudenga;
20. asi ndakatanga kuparidza kuna veDhamaseko, nokunaveJerusarema, nenyika yose yeJudhea, nokuvahedheni, kuti vatendevuke, varingire kunaMwari, vaite mabasa akafanira kutendevuka.
21. Pamusoro paizvozvi vaJudha vakandibata mutembere, vakaidza kundivuraya.
22. Asi ndakabatsirwa naMwari, ndikamira kusvikira zuva ranhasi, ndichipupurira vaduku navakuru, ndisingarevi zvimwe zvinhu asi zvakataurwa navaporofita naMosesi, kuti zvichaitika;
23. zvokuti Kristu wakafanira kutambudzika, vuye kuti ave wokutanga kumuka kuvakafa, aparidzire vanhu navahedheni chiedza.
24. Zvino wakati achizvidavirira saizvozvo Festo akati nenzwi guru: Pauro, unopenga; kudzidza kwako kukuru kunokupenza.
25. Asi Pauro akati: Handipengi, Festo wakakurumbira; asi ndinotaura mashoko amazvokwadi novuchenjeri.
26. Nokuti mambo wandinotaura naye ndisingatyi, unoziva izvozvi, nokuti ndinoziva kuti hapane chinhu chaizvozvo chakavanzika kwaari, nokuti chinhu ichi hachina kuitwa pakavanda.
27. Mambo Agripa, munotenda vaporofita here? Ndinoziva kuti munotenda.
28. Agripa akati kunaPauro: Unenge unoda kundiita mukristu nenguva duku.
29. Pauro akati: ndinonyengetera kunaMwari kana nenguva duku, kana nehuru, kuti musava imi moga, asi vose vanondinzwa nhasi, vaitwe seni, asi vasinezvisungo izvi.
30. Ipapo mambo akasimuka, nomubati naBerinike, navakanga vagere navo;
31. vakabuda vakataurirana, vakati: Munhu uyu haaiti chinhu chakafanira rufu kana kusungwa.
32. Ipapo Agripa akati kunaFesto: Munhu uyu dai asina kuzviisa kuna Kesari ungadai asunungurwa.

  Acts (26/28)