| ← Acts (25/28) → | 
| 1. | Zvino Festo wakati asvika panyika iyo, mazuva matatu apfuvura, akakwira Jerusarema, achibva Kesaria. | 
| 2. | vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamhangarira Pauro kwaari, vakamunyengetera, | 
| 3. | vakakumbira kuti avafadze pamusoro pake, amudanire Jerusarema, kuti vamuvandire vamuvuraye panzira. | 
| 4. | Asi Festo wakapindura, achiti Pauro wakachengetwa Kesaria, vuye kuti iye amene wakanga okurumidza kuenda’ko. | 
| 5. | Akati: Avo vanesimba pakati penyu, ngavaburuke neni; kana kunechinhu chisakafanira kumunhu uyu, ngavamupomere mhosva. | 
| 6. | Akagara pakati pavo mazuva asingapfuvuri masere kana gumi, ndokuburukira Kesaria; fume mangwana akagara pachigaro chokutonga, akaraira kuti vavuye naPauro. | 
| 7. | Wakati asvika, vaJudha vakabva Jerusarema, vakamukomba, vakamupomera mhosva zhinji dzakaipa, dzavakanga vasingagoni kusimbisa. | 
| 8. | Zvino Pauro akazvidavirira, akati: Handina kutadzira murairo wavaJudha, kana tembere, kana Kesari. | 
| 9. | Zvino Festo achida kufadza vaJudha, akapindura Pauro akati: Unoda here kukwira Jerusarema, undotongwa’ko pamberi pangu pamusoro pezvinhu izvi? | 
| 10. | Ipapo Pauro akati: Ndinomira pamberi pechigaro chokutonga chaKesari, pandinofanira kutongwa; handina kuitira vaJudha zvisakarurama, sezvamunoziva nemi vo zvakanaka. | 
| 11. | Zvino kana ndinemhosva kana kuti ndakaita chinhu chakafanira rufu handirambi kufa; asi kana pasinechinhu chezvokwadi pazvinhu zvavanondipomera, hakunomunhu ungandiisa mumavoko avo.Ndinozviisa kunaKesari. | 
| 12. | Ipapo Festo akataurirana namakurukota, akapindura, akati: Wazviisa kunaKesari; kunaKesari uchaenda. | 
| 13. | Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, mambo Agripa naBernike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Festo. | 
| 14. | Vakati vagara mazuva mazhinji, Festo akaisa mhosva yaPauro kunamambo, achiti: Kunomumwe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasungwa; | 
| 15. | ndichiri paJerusarema, vaPirisita vakuru navakuru vavaJudha vakamumhangarira, vachikumbira kuti atongerwe rufu. | 
| 16. | Ndikavapindura, ndikati; haizi tsika yavaRoma kutongera munhu rufu, uyo unopomerwa asati ambotarisana navanomupomera, akapiwa chinguva yokuzvipindurira pamusoro penyaya yaanopomerwa. | 
| 17. | Zvino vakati vavungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikaraira kuti vavuye nomurume uyo. | 
| 18. | Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo; | 
| 19. | asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, nomumwe Jesu wakanga afa, wainzi naPauro mupenyu. | 
| 20. | Zvino ini, zvandakanga ndisingazivi mubvunzire wezvinhu zvakadai, ndikabvunza kana achida kuenda Jerusasrema kundotongwa ikoko pamusoro pezvinhu izvozvo. | 
| 21. | Pauro wakati azviisa kuna mambo mukuru ndikaraira kuti achengetwe kusvikira ndichimutumira kuna Kesari. | 
| 22. | Ipapo Agripa akati kunaFesto; Neni ndinoda kunzwa munhu uyu ndimene. Iye akati: Mangwana muchamunzwa. | 
| 23. | Fume mangwana Agripa wakati asvika naBernike, vashonga kwazvo, vakapinda mumba maitambirwa mhaka, navatungamiriri vakuru, navakuru veguta, vakavuya naPauro varairwa naFesto. | 
| 24. | Zvino Festo akati: Mambo Agripa, nemi varume vose vaneni, munovona munhu uyu, wandakanyengeterwa navaJudha vose paJerusarema napano, vakadanidzira, vachiti: Haafaniri kuva mupenyu. | 
| 25. | Asi ini ndakawana kuti haana kuita chinhu chakafanira rufu, vuye zvaakakumbira kuiswa kunamambo mukuru, ndakati, ndichamutuma. | 
| 26. | Asi handineshoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake, saka ndavuya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunzisiswa nemi, ndigova nezvandinganyora. | 
| 27. | Nokuti kwandiri zvakaita sezvisina kufanira kutuma musungwa, mhosva dzaakakwirirwa nadzo dzisingaziviswi vo. | 
| ← Acts (25/28) → |