| ← Acts (24/28) → |
| 1. | Zvino mazuva mashanu akati apfuvura, Ananiasi, muPirisita mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, wainzi Terturo; vakamhan’arira Pauro kumubati. |
| 2. | Iye akati adanwa, Terturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Zvatinovona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka; |
| 3. | tinozvigamuchira nemitovo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira zvikuru. |
| 4. | Asi, zvandisingadi kukunonosai, ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti mutinzwei nengoni dzenyu zvishomanene. |
| 5. | Nokuti takavona kuti murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni. |
| 6. | Iye wakaidza vo kushatisa tembere, tikamubata, [tichida kumutonga nomurairo wedu. |
| 7. | Asi Risia, mutungamiri mukuru, ndokuvuya, akamubvisa mumavoko edu nesimba guru, |
| 8. | akaraira vanomupomera kuti vavuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo. |
| 9. | NavaJudha vakabvumira vo pakumhangara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo. |
| 10. | Zvino mubati wakati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro, |
| 11. | nokuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuvura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusarema kundonamata. |
| 12. | Havana kundiwana ndichiita nharo mutembere nomunhu, kana muguta; |
| 13. | havangagoni vo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino. |
| 14. | Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita; |
| 15. | ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotenda vo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama. |
| 16. | Pachinhu ichi ndinoidza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isinemhosva kunaMwari nokuvanhu. |
| 17. | Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu. |
| 18. | Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutembere, ndanatswa, ndisinavanhu vazhinji, kana bopoto; |
| 19. | asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni. |
| 20. | Kunyange naivava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota |
| 21. | asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti: Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa. |
| 22. | Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu. |
| 23. | Akaraira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, vuye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira. |
| 24. | Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kunaKristu Jesu. |
| 25. | Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana. |
| 26. | Wakati vo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye. |
| 27. | Asi makore maviri akati apera, Porkio Festo akapinda panzvimbo yaFeriksi, zvino Feriksi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa. |
| ← Acts (24/28) → |