Acts (24/28)  

1. Zvino mazuva mashanu akati apfuvura, Ananiasi, muPirisita mukuru, akaburuka navamwe vakuru, nomumwe mureveri, wainzi Terturo; vakamhan’arira Pauro kumubati.
2. Iye akati adanwa, Terturo akatanga kumupomera mhosva achiti: Zvatinovona rugare rukuru nemi, norudzi urwu zvarunoruramisirwa mhosva nokubata kwenyu kwakanaka;
3. tinozvigamuchira nemitovo yose napanzvimbo dzose nokuvonga kukuru, imi, Feriksi wakakurumbira zvikuru.
4. Asi, zvandisingadi kukunonosai, ndinokumbira zvikuru kwamuri, kuti mutinzwei nengoni dzenyu zvishomanene.
5. Nokuti takavona kuti murume uyu wakashata kwazvo, unomutsa bope pavaJudha vose panyika dzose, ari mutungamiriri weboka ravaNazareni.
6. Iye wakaidza vo kushatisa tembere, tikamubata, [tichida kumutonga nomurairo wedu.
7. Asi Risia, mutungamiri mukuru, ndokuvuya, akamubvisa mumavoko edu nesimba guru,
8. akaraira vanomupomera kuti vavuye pamberi penyu.] Kana mukamubvunzisisa mumene, muchagona kuziva izvozvo zvose zvatakamukwirira nazvo.
9. NavaJudha vakabvumira vo pakumhangara, vakasimbisa kuti zvinhu izvozvo ndizvo.
10. Zvino mubati wakati amuninira kuti ataure, Pauro akapindura, akati: Zvandinoziva kuti mava mutongi wavanhu ava makore mazhinji, ndinozvidavirira nomufaro,
11. nokuti munzwisise kuti mazuva achigere kupfuvura gumi namaviri, kubvira panguva yandakakwira Jerusarema kundonamata.
12. Havana kundiwana ndichiita nharo mutembere nomunhu, kana muguta;
13. havangagoni vo kusimbisa kwamuri izvo zvavanondipomera nazvo zvino.
14. Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurairo nezvakanyorwa pavaporofita;
15. ndinetariro kunaMwari, iyo yavanotenda vo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama.
16. Pachinhu ichi ndinoidza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isinemhosva kunaMwari nokuvanhu.
17. Zvino makore mazhinji akati apfuvura, ndakavuya nezvipo nezvibayiro kuvanhu vangu.
18. Ndizvozvo zvavakandiwana ndichiita mutembere, ndanatswa, ndisinavanhu vazhinji, kana bopoto;
19. asi vamwe vaJudha veAsia vaivapo ivo vaifanira kuva pano pamberi penyu, kundipomera mhosva, kana vaiva nechinhu neni.
20. Kunyange naivava ngavareve vamene chisakarurama chavakawana, musi wandakamira pamberi pamakurukota
21. asi shoko iri bedzi, randakadanidzira, ndimire pakati pavo, ndichiti: Ndinotongwa nhasi pamusoro pokumuka kwavakafa.
22. Asi Feriksi, zvaakazivisisa zvakanaka. Nzira iyo, akavavetsa, achiti: Kana Risia, mutungamiri mukuru aburukira pano, ndichanatso-bvunzisisa mhaka yenyu.
23. Akaraira mukuru wezana kuti Pauro achengetwe, arerusirwe, vuye kuti varege kudzivisa mumwe wokwake kumushumira.
24. Zvino mamwe mazuva akati apfuvura, Feriksi akasvika, nomukadzi wake Drusira, waiva muJudha, akadana Pauro, akamunzwa pamusoro pokutenda kunaKristu Jesu.
25. Zvino wakati achitaura zvokururama, nokuzvidzora, nokutonga kunovuya, Feriksi akatya zvikuru, akapindura, akati: Enda hako zvino; kana ndikazova nenguva yakanaka, ndichakudana.
26. Wakati vo zvimwe uchazopiwa mari naPauro; amusunungure naizvozvo wakamudana kazhinji, achitaura naye.
27. Asi makore maviri akati apera, Porkio Festo akapinda panzvimbo yaFeriksi, zvino Feriksi achida kufadza vaJudha, akasiya Pauro akasungwa.

  Acts (24/28)