Acts (23/28)  

1. Zvino Pauro wakati achitarisisa kumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi.
2. Ipapo Ananiasi, muPirisita mukuru, akaraira vakanga vamire naye kuti vamurove muromo.
3. Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here?
4. Vakanga vamirepo vakati: Ko unotuka muPirisita mukuru waMwari here?
5. Pauro akati: Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muPirisita mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako.
6. Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSadhuse navamwe vaFarise, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarise, mwanakomana wavaFarise, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.
7. Wakati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarise navaSaduse; vungano ikaparadzana.
8. Nokuti vaSadhuse vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarise vaitenda izvozvo zvose.
9. Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarise vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa.
10. Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi.
11. Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma vo.
12. Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vavuraya Pauro.
13. Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuvura makumi mana.
14. Ava vakaenda kuvaPirisita vakuru navakuru, vakati: Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tavuraya Pauro.
15. Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera.
16. Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro.
17. Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza.
18. Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumutungamiri Mukuru, akati: Pauro musungwa, wakandidana akakumbira, kuti ndivuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoda kukuvudzai.
19. Mutungamiri Mukuru akabata ruvoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati: Uneshoko reiko, raunoda kundivudza?
20. Iye akati: VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, vachiita savanoda kumubvunzisisa mhosva yake.
21. Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri.
22. Naizvozvo Mutungamiri Mukuru akaendesa jaya amuraira achiti: Usavudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo.
23. Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirai varwi vanamazana maviri, navanotasva mabhiza vanamakumi manomwe, navanamapfumo vanamazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yovusiku;
24. muvatsvakire zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro, vagonyatsomuisa kumubati Feriksi.
25. Akanyora mwadi yakanga ichiti:
26. Kraudio Risia, kunaFeriksi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai!
27. Uyu munhu wakabatwa navaJudha, akanga oda kuvurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma.
28. Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo;
29. ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa.
30. Zvino ndakati ndavudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake.
31. Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarairwa, vakamuisa Antipatri vusiku.
32. Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi.
33. Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati mwadhi, vakaisa vo Pauro pamberi pake.
34. Wakati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino wakati anzwa kuti ndoweKirikia,
35. akati: Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvika vo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe.

  Acts (23/28)