← Acts (23/28) → |
1. | Zvino Pauro wakati achitarisisa kumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndakafamba pamberi paMwari nehana yakarurama kusvikira zuva ranhasi. |
2. | Ipapo Ananiasi, muPirisita mukuru, akaraira vakanga vamire naye kuti vamurove muromo. |
3. | Ipapo Pauro akati kwaari: Mwari uchakurova iwe, rusvingo rwakacheneswa; ugerepo kuti unditonge nomurairo, zvino woraira kuti ndirobwe, uchidarika murairo here? |
4. | Vakanga vamirepo vakati: Ko unotuka muPirisita mukuru waMwari here? |
5. | Pauro akati: Hama dzangu, ndakanga ndisingazivi kuti ndiye muPirisita mukuru; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Usataura zvakaipa pamusoro pomubati wavanhu vako. |
6. | Zvino Pauro wakati achivona kuti vamwe ndivaSadhuse navamwe vaFarise, akadanidzira mumakurukota, akati: Varume, hama, ini ndiri muFarise, mwanakomana wavaFarise, ndotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa. |
7. | Wakati adaro, kupesana kukavapo pakati pavaFarise navaSaduse; vungano ikaparadzana. |
8. | Nokuti vaSadhuse vaiti hapana kumuka kwavakafa, kana mutumwa, kana mweya; asi vaFarise vaitenda izvozvo zvose. |
9. | Zvino bope guru rikavapo; vamwe vanyori vokuvaFarise vakasimuka, vakaita nharo, vachiti: Ngatirege kugwa naMwari, hativoni chinhu chakaipa kumunhu uyu; zvimwe mweya wakataura naye, kana mutumwa. |
10. | Zvino kupesana kukuru kuchida kumuka, mutungamiri Mukuru akatya kuti Pauro ungabvamburwa navo, akaraira varwi kuti vaburuke, vamubvute pakati pavo, vamuise muimba yavarwi. |
11. | Vusiku; bwakatevera, Ishe akamira naye, akati: Tsunga moyo, sezvawakandipupurira kwazvo paJerusarema, unofanira kupupura paRoma vo. |
12. | Zvino kwakati kwaedza, vaJudha vakaita rangano, vakazvisunga nokupika, vachiti, havangadyi kana kunwa kusvikira vavuraya Pauro. |
13. | Vakanga vaita rangano iyo, vakapfuvura makumi mana. |
14. | Ava vakaenda kuvaPirisita vakuru navakuru, vakati: Tazvisunga nokupika kukuru, kuti hatingadyi chinhu, kusvikira tavuraya Pauro. |
15. | Naizvozvo zvino imi, namakurukota, mutaridzire mutungamiri mukuru, kuti amuburusire kwamuri mangwana, muchiita somunoda kunatso-bvunzisisa mhosva yake; isu tazvigadzira kuti timuvuraye, asati aswedera. |
16. | Zvino mwanakomana wehanzvadzi yaPauro akanzwa zvokuvandira kwavo, akaenda, akapinda mumba mavarwi, akavudza Pauro. |
17. | Ipapo Pauro akadana mumwe wavakuru vezana, akati: Isa jaya iri kumutungamiri Mukuru; nokuti uneshoko raanoda kumuvudza. |
18. | Naizvozvo akamutora, akaenda naye kumutungamiri Mukuru, akati: Pauro musungwa, wakandidana akakumbira, kuti ndivuye nejaya iri kwamuri; uneshoko raanoda kukuvudzai. |
19. | Mutungamiri Mukuru akabata ruvoko rwake, akaenda naye vari voga, akamubvunza vari voga, akati: Uneshoko reiko, raunoda kundivudza? |
20. | Iye akati: VaJudha vakatenderana kukumbira kwamuri, kuti muburuse Pauro kumakurukota mangwana, vachiita savanoda kumubvunzisisa mhosva yake. |
21. | Naizvozvo musavatendera; nokuti pakati pavo kunavarume vanopfuvura makumi mana vanomuvandira vakazvisunga nokupika, kuti havangadyi, kana kunwa, kusvikira vamuvuraya; zvino vakazvigadzirira vachimirira chivimbiso, chinobva kwamuri. |
22. | Naizvozvo Mutungamiri Mukuru akaendesa jaya amuraira achiti: Usavudza munhu, kuti wandizivisa izvozvo. |
23. | Zvino akadana vakuru vezana vaviri, akati: Gadzirai varwi vanamazana maviri, navanotasva mabhiza vanamakumi manomwe, navanamapfumo vanamazana maviri, vaende Kesaria nenguva yechitatu yovusiku; |
24. | muvatsvakire zvipfuwo, kuti vatasvise Pauro, vagonyatsomuisa kumubati Feriksi. |
25. | Akanyora mwadi yakanga ichiti: |
26. | Kraudio Risia, kunaFeriksi, mubati wakakurumbira kwazvo, kwaziwai! |
27. | Uyu munhu wakabatwa navaJudha, akanga oda kuvurawa navo, ini ndikasvika navarwi, ndikamurwira, zvandakanzwa kuti muRoma. |
28. | Zvino ndakati ndichida kuziva mhosva yavakamukwirira nayo, ndikamuburusira kumakurukota avo; |
29. | ndakawana kuti wakwirirwa pamusoro pamashoko omurairo wavo, asi asinemhosva yechinhu chingafanira rufu kana kusungwa. |
30. | Zvino ndakati ndavudzwa, kuti voda kuvandira munhu uyu, ndikamutumira kwamuri pakarepo, ndikaraira vanomukwirira kuti vataure pamberi penyu mhosva yake. |
31. | Zvino varwi vakatora Pauro sezvavakarairwa, vakamuisa Antipatri vusiku. |
32. | Fume mangwana vakarega vatasvi vamabhiza, kuti vaende naye, ivo vakadzokera kuimba yavarwi. |
33. | Vaya vakati vasvika Kesaria, vakapa mubati mwadhi, vakaisa vo Pauro pamberi pake. |
34. | Wakati arava, akabvunza kuti ndowenyika ipi; zvino wakati anzwa kuti ndoweKirikia, |
35. | akati: Ndichakunzwa kwazvo, kana vanokukwirira vasvika vo; akaraira kuti achengetwe mumba maHerodhe. |
← Acts (23/28) → |