Acts (2/28)  

1. Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakavungana vose nomoyo mumwe panzvimbo imwe.
2. Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere.
3. Vakavona vo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo.
4. Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva.
5. Zvino paJerusarema pakanga pagere vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga.
6. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzvika, vanhu vazhinji vakavungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa, vachitaura norurimi rwake.
7. Vakakatyamara vose, vakataura mumwe kunomumwe, vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGarirea here?
8. Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo?
9. VaPartia, navaMedia, neJudhea, neKapadokia, naPonto, neAsia,
10. neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibia, dziri pedo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, navaproseraite,
11. navaKrete, navaArAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari.
12. Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti: Izvi zvinoti kudiniko?
13. Asi vamwe vakaseka, vachiti: Vaguta waini itsva.
14. Zvino Petro amire navanegumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti: Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muterere mashoko angu,
15. nokuti ava havana kubatwa sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva,
16. asi ichi ndicho chakarebwa nomuporofita Joeri, achiti:
17. Mwari unoti: Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achavona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope.
18. Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura zvomweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita.
19. Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo panyika pasi; Ropa, nomoto, nemhute yovutsi.
20. Zuva richashandurwa rima, Nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raShe rinobwinya risati rasvika.
21. Zvino kuchaitika kuti aninani unodana zita raShe uchaponeswa.
22. Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene;
23. iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamutora namavoko akaipa mukamurovera pamuchinjikwa mukamuvuraya;
24. iye wakamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo.
25. Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake, achiti: Ndakavona Ishe pamberi pangu misi yose. Nokuti uri kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa.
26. Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Vuye zve, nenyama yangu ichazorora netariro.
27. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.
28. Makandizivisa nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro ndichivona chiso chenyu.
29. Varume, hama, ndingakuvudzai pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira nhasi.
30. Zvino zvaakanga ari muporofita, achiziva vo kuti Mwari wakamupikira nemhiko kuti uchagadza pachigaro chake chovushe mumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake chovushe.
31. zvaaivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kusiyiwa paHadhesi, nenyama yake haina kuvona kuvora.
32. Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose.
33. Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino.
34. Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu,
35. Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako.
36. Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari wakamuita Ishe naKristu.
37. Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPetro nokunavamwe vaapostora: Varume, hama, tichaiteiko?
38. Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene.
39. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu.
40. Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavaraira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.
41. Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zvuru zvitatu vakawedzera.
42. Vakatsungirira pakudzidzisa kwavaapostora, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero.
43. Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navaaapostora.
44. Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose;
45. vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo.
46. Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakanaka,
47. vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa.

  Acts (2/28)