| ← Acts (2/28) → |
| 1. | Zvino zuva rePentekosta rakati rasvika, vakanga vakavungana vose nomoyo mumwe panzvimbo imwe. |
| 2. | Pakarepo kutinhira sokwemhepo inovhuvhuta nesimba kwakabva kudenga, kukazadza imba yose mavakanga vagere. |
| 3. | Vakavona vo ndimi dzichiparadzana, dzinenge dzomoto; ndokumhara pamusoro womumwe nomumwe wavo. |
| 4. | Vose vakazadzwa noMweya Mutsvene, vakatanga kutaura nedzimwe ndimi, pavakapiwa napo noMweya kureva. |
| 5. | Zvino paJerusarema pakanga pagere vaJudha, varume vakarurama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. |
| 6. | Zvino kutinhira uku kwakati kwanzvika, vanhu vazhinji vakavungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe wakavanzwa, vachitaura norurimi rwake. |
| 7. | Vakakatyamara vose, vakataura mumwe kunomumwe, vachiti: Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGarirea here? |
| 8. | Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? |
| 9. | VaPartia, navaMedia, neJudhea, neKapadokia, naPonto, neAsia, |
| 10. | neFrigia, nePamfiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibia, dziri pedo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, navaproseraite, |
| 11. | navaKrete, navaArAbhiya, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa anoshamisa aMwari. |
| 12. | Vakakatyamara vose, vakakanganiswa, ndokutaurirana, vachiti: Izvi zvinoti kudiniko? |
| 13. | Asi vamwe vakaseka, vachiti: Vaguta waini itsva. |
| 14. | Zvino Petro amire navanegumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti: Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusarema, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muterere mashoko angu, |
| 15. | nokuti ava havana kubatwa sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, |
| 16. | asi ichi ndicho chakarebwa nomuporofita Joeri, achiti: |
| 17. | Mwari unoti: Namazuva okupedzisira, Ndichadurura zvoMweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achavona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope. |
| 18. | Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura zvomweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita. |
| 19. | Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo panyika pasi; Ropa, nomoto, nemhute yovutsi. |
| 20. | Zuva richashandurwa rima, Nomwedzi uchashandurwa ropa. Zuva guru raShe rinobwinya risati rasvika. |
| 21. | Zvino kuchaitika kuti aninani unodana zita raShe uchaponeswa. |
| 22. | Varume vaIsraeri, donzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene; |
| 23. | iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamutora namavoko akaipa mukamurovera pamuchinjikwa mukamuvuraya; |
| 24. | iye wakamutswa naMwari, amusunungura pakurwadziwa kworufu; nokuti zvakanga zvisingabviri kuti abatwe narwo. |
| 25. | Nokuti Dhavhidhi wakataura pamusoro pake, achiti: Ndakavona Ishe pamberi pangu misi yose. Nokuti uri kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. |
| 26. | Naizvozvo moyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Vuye zve, nenyama yangu ichazorora netariro. |
| 27. | Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungatenderi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora. |
| 28. | Makandizivisa nzira dzovupenyu; Muchandizadza nomufaro ndichivona chiso chenyu. |
| 29. | Varume, hama, ndingakuvudzai pachena zvateteguru Dhavhidhi, kuti vakafa, vakavigwa, bwiro bwavo bwuri pakati pedu kusvikira nhasi. |
| 30. | Zvino zvaakanga ari muporofita, achiziva vo kuti Mwari wakamupikira nemhiko kuti uchagadza pachigaro chake chovushe mumwe wezvibereko zvechivuno chake munyama uchasimudza Kristu kuti agare pachigaro chake chovushe. |
| 31. | zvaaivona zviri mberi, wakareva pamusoro pokumuka kwaKristu, kuti haana kusiyiwa paHadhesi, nenyama yake haina kuvona kuvora. |
| 32. | Uyu Jesu wakamutswa naMwari, isu tiri zvapupu zvake tose. |
| 33. | Zvino wakati asimudzirwa kurudyi rwaMwari, apiwa naBaba chipikirwa choMweya Mutsvene, akadurura izvi zvamunovona nezvamunonzwa ikozvino. |
| 34. | Nokuti Dhavhidhi haana kukwira kudenga, asi unoti amene: Ishe wakati kunaShe wangu; Gara kurudyi rwangu, |
| 35. | Kusvikira ndichiita vavengi vako vave chitsiko chetsoka dzako. |
| 36. | Zvino imba yose yavaIsraeri ngaizive kwazvo, kuti uyu Jesu wamakarovera pamuchinjikwa, Mwari wakamuita Ishe naKristu. |
| 37. | Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamoyo, vakati kunaPetro nokunavamwe vaapostora: Varume, hama, tichaiteiko? |
| 38. | Petro akati kwavari: Tendevukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti mukanganwirwe zvivi, mupiwe chipiwa choMweya Mutsvene. |
| 39. | Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naShe, Mwari wedu. |
| 40. | Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavaraira, achiti: Muzviponese parudzi urwu rwakakombama. |
| 41. | Zvino avo vakagamuchira nomufaro shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zvuru zvitatu vakawedzera. |
| 42. | Vakatsungirira pakudzidzisa kwavaapostora, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero. |
| 43. | Vanhu vose vakabatwa nokutya; zvinoshamisa zvizhinji nezviratidzo zvakaitwa navaaapostora. |
| 44. | Navaitenda vose vaiva pamwe chete, vakati zvinhu zvose ndezvavose; |
| 45. | vakatengesa fuma yavo nenhumbi, vakagovana navose, mumwe nomumwe paakashaiwa napo. |
| 46. | Zuva rimwe nerimwe vakanga vachitsungirira mutembere nomoyo mumwe, vachimedura chingwa mudzimba dzavo, vachidya zvokudya zvavo nomufaro nomoyo wakanaka, |
| 47. | vachirumbidza Mwari, vachidikanwa navanhu vose. Ishe akawedzera kukereke zuva rimwe nerimwe avo vaifanira kuponeswa. |
| ← Acts (2/28) → |