| ← Acts (19/28) → |
| 1. | Zvino Aporo achiri paKorinte, Pauro wakati agura namativi enyika okumusoro, akasvika Efeso, akawana vamwe vadzidzi, |
| 2. | akati kwavari: Makagamuchira Mweya Mutsvene pakutenda kwenyu here? vakati kwaari kwete, hatina kutongonzwa kuti Mweya Mutsvene uripo. |
| 3. | Akati: ko makabhabhatidzwa norubhabhatidzo rwupiko? Vakati: Norubhabhatidzo rwaJohane. |
| 4. | Zvino Pauro akati: Johane wakabhabhatidza norubhabhatidzo rwokutendevuka, achivudza vanhu kuti vatende kunaiye unozovuya shure kwake, iye Jesu Kristu. |
| 5. | Vakati vazvinzwa izvozvo, vakabhabhatidzwa muzita raShe Jesu, |
| 6. | Zvino Pauro wakati aisa mavoko ake pamusoro pavo, Mweya Mutsvene akavuya pamusoro pavo, vakataura nendimi, vakaporofita. |
| 7. | Ivavo vose vaiva varume vanenge gumi navaviri. |
| 8. | Zvino wakapinda musinagoge, akataura asingatyi mwedzi mitatu, achitaurirana navo, achivagombedzera namashoko ovushe bwaMwari. |
| 9. | Asi vamwe vakati vachiwomesa moyo, vasingatereri, vachizvidza Nzira iyo pamberi pavazhinji akabva kwavari, akataura navadzidzi, akataurirana navo zuva rimwe nerimwe muchikoro chaTirano. |
| 10. | Izvozvo zvikaitwa makore maviri; nokudaro vose vakanga vagere paAsia vakanzwa shoko raShe Jesu, vaJudha navaGiriki. |
| 11. | NaMwari akaita zvishamiso nemavoko aPauro, |
| 12. | nokudaro micheka nenguvo, zvaibva pamuviri wake, zvaiiswa kuvarwere, hosha dzikabva kwavari, nemweya yakaipa ikabuda. |
| 13. | Zvino vamwe vaJudha, vavuki, vaipota-pota, vakaidza kudana zita raShe Jesu pamusoro pavaiva nemweya yakaipa, vachiti: Ndinokupikirai naJesu unoparidzwa naPauro. |
| 14. | Vaiva vanakomana vanomwe vomumwe muJudha, wainzi Skevha, muPirisita mukuru, vaiita izvozvo. |
| 15. | Mweya wakaipa ukapindura, ukati kwavari: Jesu ndinomuziva, naPauro ndinomuziva, asi imi ndimi vananiko? |
| 16. | Ipapo munhu waiva nomweya wakaipa akavamukira simba, akavakurira vose vari vaviri, akavakunda; nokudaro vakatiza mumba imomo, vasinenguvo, vakuvadzwa. |
| 17. | Izvozvo zvakazikanwa navose vaJudha navaGiriki, vakanga vagere Efeso vakatya vose, zita raShe Jesu rikakudzwa. |
| 18. | Zvino vazhinji vavakanga vatenda vakavuya, vakazvirevurura, nokurondedzera mabasa avo. |
| 19. | Navamwe vazhinji vaiita zvovun’anga, vakavunganidza bhuku dzavo, vakadzipisa pamberi pavose; vakaverenga mutengo wadzo, vakawana kuti waiva masirivheri anezvuru zvinamakumi mashanu.* |
| 20. | Naizvozvo shoko raShe rikakura nesimba, rikakunda. |
| 21. | Izvozvo zvakati zvapedziswa, Pauro akafunga mumoyo make kuenda Jerusarema, kana ambogura napaMakedhonia neAkaya, achiti: Kana ndamboenda ikoko, ndinofanira kundovona Roma vo. |
| 22. | Zvino akatumira Makedhonia vaviri vavaimushumira, vanaTimoito naErasto, iye amene akagara Asia nguva duku. |
| 23. | Zvino nenguva iyo bope guru rikavapo pamusoro peNzira iyo. |
| 24. | Nokuti mumwe, wainzi Dhemetrio, mupfuri wesirvheri, waiita zvitembere zvaDhiana zvesirvheri, waifumisa zvikuru mhizha dzapo. |
| 25. | Akavavunganidza ivo pamwe chete navamwe vabati vezvakadaro, akati: Varume, munoziva kuti nebasa iri tinowana fuma yedu. |
| 26. | Zvino munovona, nokunzwa, kuti Pauro uyu wakatendisa nokutsausa vazhinji, pasati pari paEfeso bedzi, asi panenge paAsia yose, achiti, zvakaitwa namavoko havazi vamwari. |
| 27. | Zvino njodzi ndiyo kuti habwuzi vumhizha bwedu bedzi bwungazvidzwa, asi kuti tembere yamwarikadzi mukuru Dhiana ichashovorwa, naiye amene, unonamatwa paAsia yose nenyika yose, abviswe pavukuru bwake. |
| 28. | Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakafa neshungu kwazvo, vakadanidzira, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru! |
| 29. | Guta rikakanganiswa kwazvo; vakamhanyira nomoyo mumwe panzvimbo paitambwa, vabata Gayo naAristarko, varume veMakedhonia, vaiperekedza Pauro. |
| 30. | Zvino Pauro akada kupinda kuvanhu, vadzidzi vakasamutendera. |
| 31. | Navamwe vakuru veAsia, vaiva shamwari dzake, vakatuma shoko kwaari, vachikumbira zvikuru kwaari kuti arege kupinda panzvimbo paitambwa. |
| 32. | Zvino vamwe vakadanidzira zvimwe, vamwe zvimwe zve; nokuti vungano yakanga yanyonganiswa, vazhinji vasingazivi zvavakavunganira. |
| 33. | Ipapo vakabudisa Areksandro mukati mavanhu vazhinji, vaJudha vachimusundira mberi; zvino Areksandro akaninira noruvoko, achida kuzvidavirira pamberi pavanhu. |
| 34. | Ipapo vakati vachivona kuti iye muJudha, inzwi rimwe rikamuka kuna vose, vakadanidzira nguva dzinenge mbiri, vachiti: Dhiana wavaEfeso mukuru! |
| 35. | Zvino munyori weguta wakanyaradza vanhu, akati: Varume veEfeso, munhu ndoupiko usingazivi, kuti guta ravaEfeso ndiro mushumiri wamwari kadzi mukuru Dhiana nowechifananidzo chakawa kubva kunaJupiteri. |
| 36. | Zvazvisingagoni kurambwa izvozvi, maifanira kunyarara musingaiti chinhu nokusarangarira kwazvo. |
| 37. | Nokuti mavuya navarume ava, vasati vari mbavha dzetembere kana vamhuri vamwarikadzi wedu. |
| 38. | Zvino kana Dhemetrio nedzimwe mhizha dzinaye vanemhosva nomunhu, misi yokutonga iripo, navatongi varipo; ngavakwirirane havo. |
| 39. | Asi kana muchitsvaka chimwe chinhu pamusoro pedzimwe mhosva, zvingatemwa pavungano yakafanira. |
| 40. | Nokuti njodzi ndiyo kuti tingakwirirwa pamsoro pebope ranhasi, zvakusinemhosva; kana chiri chinhu ichi hatingagoni kupindura pamsoro pemhere-mhere iyi. |
| 41. | Wakati ataura izvozvo, akaendisa vungano. |
| ← Acts (19/28) → |