Acts (18/28)  

1. Shure kwaizvozvo, Pauro wakabva Atene, akasvika Korinte;
2. akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari;
3. zvino zvaakanga anebasa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende.
4. Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaidza kugombedzera vaJudha navaGiriki.
5. Zvino Sirasi naTimotio vakati va chizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu.
6. Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni.
7. Akabvapo, akapinda mumba momumwe, wainzi Tito Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge.
8. NaKrispo, mukuru wesinagoge. Akatenda kunaShe naveimba yake yose; navazhinji veKorinte vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa.
9. Zvino Ishe akati kunaPauro vusiku nechiratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara;
10. nokuti ini ndinewe; hapanomunhu ungakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndinavanhu vazhinji muguta rino.
11. Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo.
12. Zvino Gario wakati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakavuya naye pachigaro chokutonga,
13. vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo.
14. Zvino Pauro wakati odakushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imi vaJudha
15. Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo.
16. Akavadzinga pachigaro chokutonga.
17. Zvino vose vakabata Sosteni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo.
18. Pauro wakati agarapo mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, anaPrisira naAkwira, avevura musoro wake paKenkrea, nokuti wakanga apika.
19. Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana navaJudha.
20. Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda;
21. akawonekana navo, achiti: Ndinofanira chose kuchengeta mutambo uyu unoitwa muJerusarema. Ndichadzokera zve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe.
22. Wakati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Antiokia.
23. Wakati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose.
24. Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro.
25. Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohane bedzi.
26. Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari.
27. Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha.
28. Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu.

  Acts (18/28)