← Acts (18/28) → |
1. | Shure kwaizvozvo, Pauro wakabva Atene, akasvika Korinte; |
2. | akawana mumwe muJudha, wainzi Akwira, chizvagwa chePonto, achangobva Itaria, naPrisira mukadzi wake; (nokuti Kraudio wakanga araira kuti vaJudha vose vabve Roma); akaenda kwavari; |
3. | zvino zvaakanga anebasa rimwe navo, akagara navo vachibata; nokuti basa ravo raiva rokuita matende. |
4. | Sabata rimwe nerimwe akataurirana navo musinagoge, akaidza kugombedzera vaJudha navaGiriki. |
5. | Zvino Sirasi naTimotio vakati va chizoburuka vachibva Makedhonia, Pauro akamanikidzwa neshoko, achipupurira vaJudha kwazvo kuti Jesu ndiye Kristu. |
6. | Zvino vakati vachimudzivisa, nokumutuka, akazuza nguvo dzake, akati kwavari: Ropa renyu ngarive pamusoro penyu; ini ndakachena, kubva zvino ndichaenda kuvahedheni. |
7. | Akabvapo, akapinda mumba momumwe, wainzi Tito Justo, wainamata Mwari, imba yake yaiva pedo nesinagoge. |
8. | NaKrispo, mukuru wesinagoge. Akatenda kunaShe naveimba yake yose; navazhinji veKorinte vakanzwa, vakatenda, vakabhabhatidzwa. |
9. | Zvino Ishe akati kunaPauro vusiku nechiratidzo: Usatya hako, asi taura, usanyarara; |
10. | nokuti ini ndinewe; hapanomunhu ungakumukira akakuitira zvakaipa, nokuti ndinavanhu vazhinji muguta rino. |
11. | Akagarapo gore rimwe nemwedzi mitanhatu, achidzidzisa shoko raMwari pakati pavo. |
12. | Zvino Gario wakati ava mubati weAkaya, vaJudha vakamukira Pauro nomwoyo mumwe, vakavuya naye pachigaro chokutonga, |
13. | vachiti: Uyu unogombedzera vanhu kuti vanamate Mwari nenzira isingatenderwi nomurairo. |
14. | Zvino Pauro wakati odakushamisa muromo wake, Gario akati kuvaJudha: Dai yaiva mhosva yezvisakarurama, kana kutadza kwakaipa, ndaifanira kuva nomoyo murefu kwamuri, imi vaJudha |
15. | Asi kana dziri nharo pamusoro pamashoko namazita nomurairo wenyu, tambai henyu imi mhosva iyo; ini handidi kuva mutongi waizvozvo. |
16. | Akavadzinga pachigaro chokutonga. |
17. | Zvino vose vakabata Sosteni, mukuru wesinagoge, vakamurova pamberi pechigaro chokutonga; asi Gario haana kuva nehanya nechinhu chimwe chaizvozvo. |
18. | Pauro wakati agarapo mazuva mazhinji, akawonekana nehama, akabvapo, akaenda Siria nechikepe, anaPrisira naAkwira, avevura musoro wake paKenkrea, nokuti wakanga apika. |
19. | Vakasvika Efeso, akavasiyapo; asi iye amene wakapinda musinagoge, akataurirana navaJudha. |
20. | Zvino vakati vachikumbira kuti agare navo nguva refu, haana kutenda; |
21. | akawonekana navo, achiti: Ndinofanira chose kuchengeta mutambo uyu unoitwa muJerusarema. Ndichadzokera zve kwamuri, kana Mwari achida, akabva paEfeso nechikepe. |
22. | Wakati asvika Kesaria, akakwira kundokwazisa kereke, akaburukira Antiokia. |
23. | Wakati agarapo nguva, akabva, akagura nenyika dzeGaratia neFrigia achidzitevedzanisa, achisimbisa vadzidzi vose. |
24. | Zvino mumwe muJudha wainzi Aporo, worudzi rwapaArekasandira, murume wakanga akadzidza zvikuru, wakasvika Efeso; wakanga anesimba pamagwaro. |
25. | Uyu wakanga adzidziswa nzira yaShe, akashingaira nomweya, achitaura nokunatsodzidzisa zvaJesu, achiziva rubhabhatidzo rwaJohane bedzi. |
26. | Iye akatanga kutaura musinagoge asingatyi. Zvino Prisira naAkwira vakati vamunzwa, vakamutora, vakanatsomududzira nzira yaMwari. |
27. | Zvino wakati achida kuyambukira Akaya, hama dzikamusimbisa, vakanyorera vadzidzi kuti vamugamuchire. Zvino wakati asvika, akabatsira zvikuru ivo vakatenda nenyasha. |
28. | Nokuti wakakunda vaJudha nesimba pachena, achiratidza naMagwaro, kuti Jesu ndiyeKristu. |
← Acts (18/28) → |