| ← Acts (17/28) → |
| 1. | Zvino vakati vagura neAmfipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha. |
| 2. | Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro masabata matatu, |
| 3. | achivazarurira nokuvazivisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, vuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu. |
| 4. | Vamwe vavo vakatendiswa, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji. |
| 5. | Asi vaJudha vakanga vasingatendi vakaita godo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakavunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu. |
| 6. | Vakati vachivashaiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti: Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napano vo, |
| 7. | Jasoni akavagamuchira; ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uri’ko, unonzi Jesu. |
| 8. | Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo. |
| 9. | Zvino, vakati vatora rubatso kunaJasoni navamwe, vakavarega. |
| 10. | Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea vusiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha. |
| 11. | Ava vakanga vachinzwisisa kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo. |
| 12. | Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji. |
| 13. | Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBerea, vakasvika vo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji. |
| 14. | Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimotio vakasarapo. |
| 15. | Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Atene; vakati varairwa kuvudza Sirasi naTimotio, kuti vakurumidze kuvuya kwaari, vakabva. |
| 16. | Zvino Pauro, achakavagarira paAtene, akanzwa shungu pamoyo, achivona kuti guta rizere nezvifananidzo. |
| 17. | Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasongana navo. |
| 18. | Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikuro navaStoiko, vakaita nharo naye; vamwe vakati: Ko uyu mutauri wezvisinamaturo unoda kureveiko? Vamwe zve vakati: Unenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa. |
| 19. | ipapo vakamubata, vakamuisa paAreopago, vakati: Ngatinzwe vo kuti dzidziso iyi itsva, inotaurwa newe, ndeyeiko? |
| 20. | Nokuti unoreva zvimwe zvinoshamisa panzeve dzedu; naizvozvo tinoda kunzwa, kuti zvinhu izvi ndezveiko? |
| 21. | (Zvino vaAtene vose, navatorwa vaigarapo, vaingofarira chinhu chimwe chete, kutaura kana kunzwa chinhu chitsva.) |
| 22. | Zvino Pauro, amire pakati peAreopago, akati: Imi varume veAtene, pazvinhu zvose ndinovona kuti munonamata zvikuru. |
| 23. | Nokuti ndakati ndichipfuvura, ndichicherekedza zvamunonamata, ndakawana vo aritari yakanyorwa izvi: KUNAMWARI USINGAZIKANWI. Zvino chamunonamata musingachizivi, ndicho chandinokuparidzirai. |
| 24. | Mwari wakasika nyika nezvose zviri mairi, iye Tenzi wedenga napasi, haagari mutembere dzakaitwa namavoko. |
| 25. | Haashumirwi namavoko avanhu, saachinge achishaiwa chinhu, zvaari iye amene unopa vose vupenyu, nokufema, nezvose; |
| 26. | wakaita neropa rimwe marudzi ose avanhu, achibva kunomumwe chete, kuti agare pose panyika; ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yukugara kwavo; |
| 27. | kuti vatsvake Mwari, zvimwe vamutsvangadzire vamuwane, kunyange asiri kure nomumwe nomumwe wedu. |
| 28. | Nokuti maari tinovupenyu, tinofamba, tiripo; sezvavakareva vamwe vanyori venziyo vokwenyu, vachiti: Nokuti tiri rudzi rwake vo, |
| 29. | Zvatiri rudzi rwaMwari, hatifaniri kufunga kuti vuMwari bwakafanana nendarama, kana sirivheri, kana ibwe, rakavezwa novumhizha kana kuchenjera kwomunhu. |
| 30. | Naizvozvo Mwari wakarega hake kurangarira nguva dzokusaziva; asi zvino unoraira vanhu vose kwose-kwose kuti vatendevuke. |
| 31. | Nokuti wakatara zuva, raachatonga nyika naro nokururama, nomurume waakagadza; akasimbisa shoko iro kunavose, pakumumutsa kuvakafa. |
| 32. | Zvino vakati vachinzwa zvokumuka kwavakafa, vamwe vakaseka, asi vamwe vakati: Tichazokunzwa zve pamusoro paizvozvi, |
| 33. | Naizvozvo Pauro akabuda pakati pavo, |
| 34. | Asi vamwe varume vakamunamatira, vakatenda; pakati pavo kwaiva naDhionisio, muAreopago, nomukadzi wainzi Dhamari, navamwe pamwe chete navo. |
| ← Acts (17/28) → |