Acts (16/28)  

1. Akasvika vo paDerbe neRistra. Zvino ipapo paiva nomumwe mudzidzi, wainzi Timotio, mwanakomana womukadzi mutendi, waiva muJudha; asi baba vake vaiva muGiriki.
2. Iye waipupurirwa zvakanaka nehama dzapaRistra neIkonio.
3. Pauro akada kuti aende naye, akamutora, akamudzingisa nokuda kwavaJudha vaiva kunzvimbo idzo; nokuti vose vakanga vachiziva kuti baba vake muGiriki.
4. Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navaapostora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete.
5. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.
6. Vakagura nenyika yeFrigia neyeGaratia, vambodziviswa noMweya Mutsvene kuparidza shoko paAsia.
7. Zvino vakati vasvika pakatarisana neMisia, vakaidza kuenda Bitinia, asi Mweya haana kuvatendera.
8. Vakati vapfuvura Misia, vakaburukira Troa.
9. Chiratidzo chikavonekwa naPauro vusiku; murume weMakedhonia wakanga amire, akakumbira zvikuru kwaari, achiti: Yambukira Makedhonia, utibatsire.
10. Zvino wakati avona chiratidzo, pakarepo tikatsvaka kuenda Makedhonia, tichiti, Mwari watidana kuti tindovaparidzira Evhangeri.
11. Naizvozvo takabva Troa nechikepe, tikaruramira Samotrake; fume mangwana tikasvika Neapori;
12. tikabvapo, tikaenda Firipi, guta guru renyika yeMakedhonia, raiva koroni yeRoma; tikagara mamwe mazuva muguta iro
13. Nezuva resabata tikabuda kunze kwesuvo kurwizi, pataiti vanenge vanonyengeterapo; tikagara pasi, tikaparidzira vakadzi vakanga vavunganapo.
14. Zvino mumwe mukadzi, wainzi Ridia, mutengesi wenguvo tsvuku, womusha weTiatira, wainamata Mwari, akatinzwa; Ishe akazarura moyo wake, kuti aterere zvaitaurwa naPauro.
15. Wakati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru; achiti: Kana muchiti ndakatenda kunaShe, pindai mumba mangu mugare. Akatitendisa.
16. Zvino takati tichipinda panzvimbo yokunyengetera, tikasongana nomumwe musikana waiva nomweya wokuvuka, waiwanira vatenzi vake mari zhinji nokuvuka kwake.
17. Iye akatevera Pauro nesu, akadanidzira achiti: Vanhu ava varanda vaMwari Wokumusoro-soro, vanokuparidzirai nzira yokuponeswa nayo.
18. Akaita izvozvo mazuva mazhinji. Zvino Pauro akafa neshungu, akatendevuka, akati kumweya: Ndinokuraira muzita raJesu Kristu kuti ubude kwaari. Ukabuda nenguva iyeyo.
19. Zvino vatenzi vake vakati vachivona kuti tariro yokufumiswa kwavo yaenda, vakabata Pauro naSirasi, vakavakakatira, kudare pamberi pavabati,
20. vakaenda navo kuvatongi, vakati: Vanhu ava vaJudha, vanopesanisa guta redu,
21. vachiparidza tsika dzatisinakutenderwa kugamuchira, kana kuita, isu vaRoma.
22. Ipapo vanhu vazhinji vakavamukira vose, vatongi vakava bvarurira nguvo dzavo, vakaraira kuti varobwe neshamhu.
23. Zvino vakati vavarova zvikuru, vakavaisa mutorongo, vakaraira murindi wetorongo kuti ava chengete kwazvo.
24. Iye akati arairwa kudaro, akavaisa mutorongo yomukati, akasunga makumbo avo mumatanda.
25. Zvino panenge pakati povusiku, Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo; vakanga vakasungwa vakavaterera.
26. Pakarepo kudengenyeka kwenyika kukuru kukavapo, naizvozvo nheyo dzeimba dzikazununguswa; pakarepo mikova yose yeimba ikazarurwa, nemisungo yavose ikasununguka.
27. Ipapo murindi wetorongo akapepuka, ndokuvona mikova yetorongo yakazaruka, akavhomora munondo wake, akada kuzvivuraya, achiti vasungwa vatiza.
28. Ipapo Pauro akadanidzira nenzwi guru, akati: Usazvikuvadza, nokuti tiri muno tose.
29. Zvino wakati akumbira mwenje, akamhanyiramo, ndokuwira pasi pamberi paPauro naSirasi, a chibvunda;
30. akavabudisira kunze, akati: Vatenzi, ndinofanira kuitei kuti ndiponeswe?
31. Vakati: Tenda kunaShe Jesu Kristu, ugoponeswa, iwe nemhuri yako.
32. Vakaparidza shoko raMwari kwaari navose vaiva mumba make.
33. Akavatora nenguva iyeyo yovusiku, akakupa mavanga avo, ndokubhabhatidzwa pakarepo, iye navose vake.
34. Akaenda navo mumba make, ndokuisa zvokudya pamberi pavo, akafara zvikuru, iye nemhuri yake yose, achitenda kunaMwari.
35. Zvino kwakati kwaedza, vatongi vakatuma mapurisa, vachiti: Sunungurai vanhu vaya.
36. Murindi wetorongo akavudza Pauro mashoko iwayo, achiti: Vatongi vatuma shoko kuti musunungurwe; naizvozvo budai henyu zvino, muende norugare.
37. Asi Pauro wakati kwavari: Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino vodokutibudisa chinyararire here? Haiwa, kwete! Ngavavuye vamene vatibudise.
38. Mupurisa akavudza vatongi mashoko iwayo; vakatya vachinzwa kuti vaRoma;
39. vakasvika, vakakumbira zvikuru kwavari; vakavabudisa, ndokukumbira kuti vabve muguta ravo.
40. Ipapo vakabuda mutorongo, vakapinda mumba maRidia; vakavona hama, vakavanyaradza, ndokuenda.

  Acts (16/28)