← Acts (13/28) → |
1. | Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro. |
2. | Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Barnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira. |
3. | Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo, ndokuvaendisa. |
4. | Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo vakaenda Kupro nechikepe. |
5. | Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vanaJohane vo, waiva mubatsiri wavo. |
6. | Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n’anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu. |
7. | Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bharnabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari. |
8. | Asi n’anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda. |
9. | Asi Sauro (ndiye Pauro vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati: |
10. | Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe? |
11. | Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko. |
12. | Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe. |
13. | Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Perga muPamfiria; Johane akabva kwavari, ndokudzokera Jerusarema. |
14. | Asi ivo vakabva Perga, vakasvika Antiokia paPisidia; vakapinda musinagoge nezuva resabata, ndokugara pasi. |
15. | Zvino murairo navaporofita zvakati zvarabwa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti: Varume, hama, kana muneshoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu. |
16. | Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruvoko, akati: Varume vaIsraeri, nemi munotya Mwari, tererai: |
17. | Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba, |
18. | akava nomoyo murefu namafambire avo murenje makore anenge makumi mana, |
19. | akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu. |
20. | Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri. |
21. | Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakaomana waKisi, murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi mana. |
22. | Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kwose. |
23. | Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsraeri Muponesi Jesu, se zvaakanga avapikira; |
24. | iye asati asvika, Johane akamboparidzira vanhu vaIsraeri rubhabhatidzo rwokutendevuka. |
25. | Zvino Johane wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake. |
26. | Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu. |
27. | Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo. |
28. | Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kunaPirato kuti avurawe. |
29. | Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. |
30. | Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa. |
31. | Akavonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusarema, vachibva Garirea, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu. |
32. | zvino tinokuparidzirai mashoko emufaro kuti chipikirwa chakaitwa kumadzibaba edu. |
33. | Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka. |
34. | Zvino zvaanoti wakamumutsa kuvakafa kuti asazodzokerazve kukuvora wakareva kudai ndichakupai mikomborera mitsvene inotendwa yaDhavhidhi. |
35. | Nokuti unoreva panerimwe Pisarema, achiti: Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora. |
36. | Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora. |
37. | Asi uyu, wakamutswa naMwari haana kuvora. |
38. | Naizvozvo varume, hama, muzive imi, kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi. |
39. | Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi. |
40. | Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarebwa navaporofita, zvinoti: |
41. | Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, Basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizvivudzwa nomunhu. |
42. | Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwe zve mashoko iwayo nesabata rinotevera. |
43. | Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari. |
44. | Nesabata rakatevera guta rinenge rose. Rakavungana kuzonzwa shoko raMwari. |
45. | Zvino vaJudha vakati vachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarebwa naPauro, vachimhura Mwari. |
46. | Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni. |
47. | Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika. |
48. | Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raShe; navose vakanga vatarirwa vupenyu bwusingaperi vakatenda. |
49. | Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose. |
50. | Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBharnabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo. |
51. | Asi ivo vakazuza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio. |
52. | Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene. |
← Acts (13/28) → |