Acts (13/28)  

1. Zvino pakereke yapaAntiokia paiva navaporofita navadzidzisi, vaiti: Bharnabhasi naSimeoni, wainzi Nigeri, naRukio weKurini, naManaeni wakanga arerwa pamwe chete naHerodhe mubati, naSauro.
2. Vakati vachishumira Ishe, nokuzvinyima zvokudya, Mweya Mutsvene akati: Nditsaurirei Barnabhasi naSauro kubata basa randakavadanira.
3. Ipapo vakazvinyima zvokudya, vakanyengetera, vakaisa mavoko pamusoro pavo, ndokuvaendisa.
4. Naizvozvo vakati vatumwa noMweya Mutsvene, vakaburukira Serukia; vakabvapo vakaenda Kupro nechikepe.
5. Vachisvika paSarami, vakaparidza shoko raMwari mumasinagoge avaJudha. Vakanga vanaJohane vo, waiva mubatsiri wavo.
6. Vakati vagura chiwi chose kusvikira paPafosi, vakawana imwe n’anga, waiva muporofita wenhema, muJudha, zita rake rainzi Bari-Jesu.
7. Waigara pamubati wenyika, wainzi Sergio Pauro, munhu wakachenjera. Iye ndokudana Bharnabhasi naSauro, achitsvaka kunzwa shoko raMwari.
8. Asi n’anga iyo Erimasi (nokuti ndiro zita rake, kana richishandurwa), akavadzivisa, achitsvaka kutsausa mubati pakutenda.
9. Asi Sauro (ndiye Pauro vo), azere noMweya Mutsvene, akamutarisisa, akati:
10. Iwe, uzere nokunyengera kwose namano akaipa ose, mwanakomana waDhiabhorosi, muvengi wokururama kwose, hauregi here kutsausa nzira dzakarurama dzaShe?
11. Zvino, tarira, ruvoko rwaShe ruri pamusoro pako; uchava bofu, uchaita nguva usingavoni zuva. Pakarepo mhute nerima zvikamuwira; akapota-pota, achitsvaka vangamusesedza noruvoko.
12. Zvino mubati wakati achivona zvaitika, akatenda, akashamiswa nedzidziso yaShe.
13. Zvino Pauro navaiva naye, vakabva Pafosi, ndokusvika Perga muPamfiria; Johane akabva kwavari, ndokudzokera Jerusarema.
14. Asi ivo vakabva Perga, vakasvika Antiokia paPisidia; vakapinda musinagoge nezuva resabata, ndokugara pasi.
15. Zvino murairo navaporofita zvakati zvarabwa, vabati vesinagoge vakatuma shoko kwavari, vachiti: Varume, hama, kana muneshoko rokuvaraidza vanhu, taurai henyu.
16. Ipapo Pauro akasimuka, akavaninira noruvoko, akati: Varume vaIsraeri, nemi munotya Mwari, tererai:
17. Mwari wavanhu ava vaIsraeri wakasanangura madzibaba edu, akakudza vanhu ava, vachiri vatorwa munyika yeIjipiti; akavabudisa mairi noruvoko runesimba,
18. akava nomoyo murefu namafambire avo murenje makore anenge makumi mana,
19. akaparadza marudzi manomwe munyika yeKanani, akavagovera nyika yavo nemijenya, ive nhaka yavo makore anenge mazana mana namakumi mashanu.
20. Shure kwaizvozvo akavapa vatongi kusvikira kumuporofita Samueri.
21. Pashure vakakumbira mambo; Mwari akavapa Sauro, mwanakaomana waKisi, murume worudzi rwaBenjamini, makore makumi mana.
22. Akamubvisa akamutsa Dhavhidhi, kuti ave mambo wavo, waakapupura achiti: Ndawana Dhavhidhi, mwanakomana waJese murume womoyo wangu, uchaita kuda kwangu kwose.
23. Parudzi rwaiyeyo, Mwari akamutsira vaIsraeri Muponesi Jesu, se zvaakanga avapikira;
24. iye asati asvika, Johane akamboparidzira vanhu vaIsraeri rubhabhatidzo rwokutendevuka.
25. Zvino Johane wakati opedzisa basa rake, akati: Munoti, ndini aniko? Handizi iye. Asi tarirai, shure kwangu mumwe unovuya, wandisakafanira kuti ndisunungure shangu dzetsoka dzake.
26. Varume, hama, vana vorudzi rwaAbhurahamu, navari pakati penyu vanotya Mwari, shoko roruponeso urwu rakatitumirwa isu.
27. Nokuti vaigara Jerusarema navabati vavo, zvavakanga vasingamuzivi iye, kana manzwi avaporofita, anorabwa sabata rimwe nerimwe vakaazadzisa pakumupa mhaka kwavo.
28. Kunyange vasina kuwana mhosva yorufu kwaari, vakakumbira kunaPirato kuti avurawe.
29. Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro.
30. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa.
31. Akavonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusarema, vachibva Garirea, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.
32. zvino tinokuparidzirai mashoko emufaro kuti chipikirwa chakaitwa kumadzibaba edu.
33. Kuti Mwari wakachizadzisa kwatiri isu vana vavo pakuti wakasimudzazve Jesu sezvazvakanyorwa mupisarema rechipiri ndiwe mwanakomana wangu nhasi ndakubereka.
34. Zvino zvaanoti wakamumutsa kuvakafa kuti asazodzokerazve kukuvora wakareva kudai ndichakupai mikomborera mitsvene inotendwa yaDhavhidhi.
35. Nokuti unoreva panerimwe Pisarema, achiti: Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti avone kuvora.
36. Nokuti Dhavhidhi wakati aita kuda kwaMwari parudzi rwake, akavata rufu, akavigwa kunamadzibaba ake, akavona kuvora.
37. Asi uyu, wakamutswa naMwari haana kuvora.
38. Naizvozvo varume, hama, muzive imi, kuti kanganwiro yezvivi noyuyu inokuparidzirwai imi.
39. Noyuyu, mumwe nomumwe unotenda, unoruramiswa pazvose, zvamakanga musingagoni kururamiswa pazviri nomurairo waMosesi.
40. Naizvozvo chenjerai, kuti murege kuwirwa nezvakarebwa navaporofita, zvinoti:
41. Tarirai, imi vazvidzi, mushamiswe, muparare; Nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, Basa ramucharamba kutongotenda, kana muchizvivudzwa nomunhu.
42. Zvino vakati vachibuda musinagoge, vakakumbira zvikuru kuti vaparidzirwe zve mashoko iwayo nesabata rinotevera.
43. Zvino vesinagoge vakati vapararira, vaJudha vazhinji navaproserite vainamata Mwari, vakatevera Pauro naBharnabhasi; ivo vakataurirana navo, vakavaraira kuti varambire panyasha dzaMwari.
44. Nesabata rakatevera guta rinenge rose. Rakavungana kuzonzwa shoko raMwari.
45. Zvino vaJudha vakati vachivona vanhu vazhinji, vakazara negodo, vakaramba zvakarebwa naPauro, vachimhura Mwari.
46. Ipapo Pauro, naBharnabhasi vakataura vasingatyi, vakati: Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi novupenyu bwusingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
47. Nokuti Ishe wakatiraira saizvozvo, achiti: Ndakakuisa kuti uve chiedza chavahedheni, Kuti uve ruponeso kusvikira kumugumo wenyika.
48. Zvino vahedheni vakati vachinzwa izvozvo, vakafara, vakakudza shoko raShe; navose vakanga vatarirwa vupenyu bwusingaperi vakatenda.
49. Shoko raShe rikaparidzirwa kunyika yose.
50. Asi vaJudha vakakurudzira vakadzi vainamata Mwari, vaikudzwa, navakuru veguta; vakamutsira Pauro naBharnabhasi dambudziko, vakavadzinga munyika yavo.
51. Asi ivo vakazuza guruva patsoka dzavo, vakaenda Ikonio.
52. Vadzidzi vakaramba vachizadzwa nomufaro noMweya Mutsvene.

  Acts (13/28)