| ← Acts (12/28) → | 
| 1. | Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhe akatambanudza mavoko ake kuti atambudze vamwe vekereke; | 
| 2. | akavuraya Jakobho, mukuru waJohane, nomunondo. | 
| 3. | Zvino wakati achivona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuvura akabata Petro vo. Aiva mazuva ezvingwa zvisinembiriso. | 
| 4. | Zvino wakati amubata, akamusunga mutorongo, akamuisa kumapoka mana, rimwe nerimwe rinavarwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana paseka yapfuvura. | 
| 5. | Naizvozvo Petro akachengetwa mutorongo,; asi wakanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kunaMwari. | 
| 6. | Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Petro wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomukova. | 
| 7. | Ipapo, tarira, mutumwa waShe wakamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petro parutivi, ndokumumutsa, achiti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamavoko ake. | 
| 8. | Mutumwa akati kwaari: Zvisunge chivuno, usungire shangu dzako. Akaita saizvozvo. Akati kwaari: Fuka nguvo yako, unditevere. | 
| 9. | Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi wakati ndinovona chiratidzo. | 
| 10. | Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo. | 
| 11. | Petro wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha. | 
| 12. | Zvino wakati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohane, wainzi Marko; vazhinji vakanga vakavunganapo, vachinyengetera. | 
| 13. | Zvino wakati agogodza pagonhi resuvo, musikana wainzi Rodha akavuya kuzoterera. | 
| 14. | Iye akati achinzwa inzwi raPetro, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Petro umire pasuvo. | 
| 15. | Ivo vakati kwaari: Unopenga. Asi iye wakasimbisa achiti ndizvozvo. Ivo vakati: Mutumwa wake. | 
| 16. | Asi Petro wakaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuvona, vakashamiswa. | 
| 17. | Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patorongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe. | 
| 18. | Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti Petro waitiwa sei? | 
| 19. | Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogara’ko. | 
| 20. | Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo. | 
| 21. | Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhe akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari. | 
| 22. | Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu. | 
| 23. | Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asinakukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa. | 
| 24. | Asi shoko raMwari rakakura rikawanda. | 
| 25. | Zvino Bharnabhasi naSauro vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusarema, vakaenda naJohane, wainzi Marko. | 
| ← Acts (12/28) → |