Acts (12/28)  

1. Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhe akatambanudza mavoko ake kuti atambudze vamwe vekereke;
2. akavuraya Jakobho, mukuru waJohane, nomunondo.
3. Zvino wakati achivona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuvura akabata Petro vo. Aiva mazuva ezvingwa zvisinembiriso.
4. Zvino wakati amubata, akamusunga mutorongo, akamuisa kumapoka mana, rimwe nerimwe rinavarwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana paseka yapfuvura.
5. Naizvozvo Petro akachengetwa mutorongo,; asi wakanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kunaMwari.
6. Zvino Herodhe wakati oda kumubudisa, vusiku ibwobwo Petro wakanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namaketani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomukova.
7. Ipapo, tarira, mutumwa waShe wakamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petro parutivi, ndokumumutsa, achiti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamavoko ake.
8. Mutumwa akati kwaari: Zvisunge chivuno, usungire shangu dzako. Akaita saizvozvo. Akati kwaari: Fuka nguvo yako, unditevere.
9. Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi wakati ndinovona chiratidzo.
10. Zvino vakati vapfuvura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuvo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuvura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo.
11. Petro wakati apengenuka, akati: Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe wakatuma mutumwa wake, akandirwira paruvoko rwaHerodhe napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.
12. Zvino wakati arangarira izvozvo, akaenda kumba kwaMaria, mai vaJohane, wainzi Marko; vazhinji vakanga vakavunganapo, vachinyengetera.
13. Zvino wakati agogodza pagonhi resuvo, musikana wainzi Rodha akavuya kuzoterera.
14. Iye akati achinzwa inzwi raPetro, akasazarura suvo nomufaro, asi wakamhanyira mukati akavavudza kuti Petro umire pasuvo.
15. Ivo vakati kwaari: Unopenga. Asi iye wakasimbisa achiti ndizvozvo. Ivo vakati: Mutumwa wake.
16. Asi Petro wakaramba achigogodza; vakazozarura, vakamuvona, vakashamiswa.
17. Zvino iye akavaninira noruvoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutovo waakabudiswa nawo naShe patorongo. Akati: Vudzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.
18. Zvino kwakati kwaedza, bope guru rikavapo pakati pavarwi, vachiti Petro waitiwa sei?
19. Herodhe wakati amutsvaka, akamushaiwa, ndokubvunzisisa varindi, akaraira kuti vavurawe. Zvino akaburuka Judhea, akaenda Kesaria, akandogara’ko.
20. Zvino akatsamwira zvikuru vanhu veTire neSidhoni; ivo ndokuvuya kwaari vose pamwe chete, vakaita vushamwari naBrasto, mutariri weimba yamambo, vakakumbira rugare, nokuti nyika yavo yaipiwa zvokudya nenyika yamambo.
21. Ipapo nezuva rakanga ratarwa, Herodhe akafuka nguvo dzovumambo, akagara pachigaro chake chovushe, akataura kwavari.
22. Ipapo vanhu vakadanidzira vachiti: Inzwi raMwari, harizi romunhu.
23. Pakarepo mutumwa waShe ukamurova, nokuti wakanga asinakukudza Mwari; akadyiwa nehonye, akafa.
24. Asi shoko raMwari rakakura rikawanda.
25. Zvino Bharnabhasi naSauro vakati vapedzisa basa ravo, vakadzokera Jerusarema, vakaenda naJohane, wainzi Marko.

  Acts (12/28)