Acts (11/28)  

1. Zvino vaapostora nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchira vo shoko raMwari
2. Zvino Petro wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye,
3. vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.
4. Zvino Petro akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti:
5. Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri;
6. ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga,
7. ndikanzwa vo inzwi richiti kwandiri: Simuka Petro, baya, udye.
8. Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina.
9. Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka.
10. Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga.
11. Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria.
12. Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu vo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu.
13. Iye akativudza vo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Petro;
14. iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.
15. Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro pedu vo pakutanga.
16. Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.
17. Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari?
18. Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedheni vo kutendevuka kwovupenyu.
19. Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paStefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupro, neAntiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi.
20. Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGiriki vo, vachiparidza Ishe Jesu.
21. Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe.
22. Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia.
23. Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba;
24. nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe.
25. Iye akaenda Tarso achindotsvaka Sauro.
26. Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAntiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu.
27. Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia.
28. Mumwe wavo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKraudio.
29. Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea.
30. Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru.

  Acts (11/28)