← Acts (11/28) → |
1. | Zvino vaapostora nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchira vo shoko raMwari |
2. | Zvino Petro wakati akwira Jerusarema,vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye, |
3. | vachiti: Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo. |
4. | Zvino Petro akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti: |
5. | Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa nomweya, ndikavona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika kwandiri; |
6. | ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikavona mhuka dzenyika dzinamakumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga, |
7. | ndikanzwa vo inzwi richiti kwandiri: Simuka Petro, baya, udye. |
8. | Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chinetsvina. |
9. | Asi inzwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti: Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachinakunaka. |
10. | Izvozvi zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwa zve kudenga. |
11. | Ipapo tarira pakarepo varume vatatu vamire pamberi peimba matakanga tiri vakanga vatumirwa kwandiri vachibva Kesaria. |
12. | Ipapo ndikakokerwa noMweya, kuti ndienda navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu vo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. |
13. | Iye akativudza vo kuti wakavona mutumwa amire mumba make, achiti: Tumira Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; |
14. | iye uchakuvudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose. |
15. | Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro pedu vo pakutanga. |
16. | Ini ndikarangarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene. |
17. | Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, waigona kudzivisa Mwari? |
18. | Zvino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari vachiti: Zvirokwazvo, Mwari wakapa vahedheni vo kutendevuka kwovupenyu. |
19. | Zvino avo vakaparadzirwa nokutambudzika kwakamuka pamusoro paStefano, vakaenda kusvikira paFenikia neKupro, neAntiokia, vasingatauri shoko kumunhu, asi kunavaJudha bedzi. |
20. | Zvino pakati pavo paiva navamwe varume veKupro neKurini ivo vakati vasvika Antiokia, vakataura kuvaGiriki vo, vachiparidza Ishe Jesu. |
21. | Ruvoko rwaShe rukava navo, vazhinji vakatenda, vakatendevukira kunaShe. |
22. | Mashoko avo akanzwika nekereke paJerusarema, vakatuma Bharnabhasi kuti aende Antiokia. |
23. | Iye wakati asvika, avona nyasha dzaMwari, akafara; akaraira vose kuti vanamatire Ishe nomoyo wakasimba; |
24. | nokuti waiva murume wakanaka, uzere noMweya Mutsvene nokutenda; vazhinji-zhinji vakawedzerwa kunaShe. |
25. | Iye akaenda Tarso achindotsvaka Sauro. |
26. | Zvino wakati amuwana, akavuya naye Antiokia. Ipapo vakavungana nekereke gore rose, vakadzidzisa vanhu vazhinji-zhinji; paAntiokia vadzidzi vakatanga kunzi Vakristu. |
27. | Namazuva iwayo vaporofita vakaburuka vachibva Jerusarema, vakaenda Antiokia. |
28. | Mumwe wavo wainzi Agabo, akasimuka, ndokuvazivisa noMweya kuti nzara huru ichavapo panyika yose; iyo ikasvika panguva yaKraudio. |
29. | Ipapo vadzidzi vakatenderana, kuti mumwe nomumwe paaigona napo atume zvingabatsira hama dzigere Judhea. |
30. | Vakaita kudaro, vakazvitumira naBharnabhasi naSauro kuvakuru. |
← Acts (11/28) → |