Acts (10/28)  

1. Zvino kwakanga kunomumwe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria,
2. Munhu, wainamata nowaitya Mwari, iye neveimba yake yose, waipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kunaMwari misi yose.
3. Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akavona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Kornerio!
4. Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa.
5. Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, unotumidzwa Petro.
6. Unogara nomumwe unonzi Simoni, musuki wamatebwe, imba yake iri pagungwa iye uchakuvudza zvaunofanira kuita.
7. Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira,
8. akavavudza zvose, ndokuvatumira Jopa.
9. Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedo neguta, Petro akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu.
10. Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira akabatwa nomweya;
11. akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina.
12. Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga.
13. Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Petro, baya, udye.
14. Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina.
15. ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chinetsvina iwe.
16. Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga.
17. Zvino Petro wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni;
18. vakadana, vakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agerepo.
19. Zvino Petro, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka.
20. Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndava tuma.
21. Ipapo Petro akaburukira kuvarume avo, akati kwavari: Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramavuyira ndereiko?
22. Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri.
23. Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza.
24. Fume zve mangwana akapinda Kesaria, Zvino Kornerio wakanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.
25. Zvino Petro wakati achipinda, Kornerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata.
26. Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu vo.
27. Zvino wakati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakavungana,
28. akati kwavari: Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina;
29. naizvozvo ndavuya, ndisingarambi, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.
30. Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya.
31. akati: Kornerio, kunyengetera kwako kwanzwika, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari.
32. Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebwe, pagungwa iye kana auya uchataura newe.
33. Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe.
34. Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Zvirokwazvo, ndinovona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu;
35. asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.
36. Ndiro shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose),
37. Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGarirea, shure kwokubhabhatidzwa kwakaparidzwa naJohane;
38. raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye.
39. Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema; ndiye wavakavuraya, vachimuturika pamuti.
40. Ndiye wakamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti avonekwe pachena;
41. akasavonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa.
42. Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa.
43. Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe unotenda kwaari uchapiwa kanganwiro yezvivi.
44. Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamsoro pavose, vakanzwa shoko.
45. Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vavuya naPetro, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheni vo;
46. nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati:
47. Kunomunhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?
48. Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.

  Acts (10/28)