| ← Acts (10/28) → | 
| 1. | Zvino kwakanga kunomumwe murume paKesaria, wainzi Kornerio, mukuru wezana wehondo yainzi yeItaria, | 
| 2. | Munhu, wainamata nowaitya Mwari, iye neveimba yake yose, waipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kunaMwari misi yose. | 
| 3. | Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akavona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari: Kornerio! | 
| 4. | Iye akamutarisisa, akatya, akati; Chinyiko Ishe? Akati kwaari: Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa. | 
| 5. | Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, unotumidzwa Petro. | 
| 6. | Unogara nomumwe unonzi Simoni, musuki wamatebwe, imba yake iri pagungwa iye uchakuvudza zvaunofanira kuita. | 
| 7. | Zvino mutumwa, wakataura naye, wakati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira, | 
| 8. | akavavudza zvose, ndokuvatumira Jopa. | 
| 9. | Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedo neguta, Petro akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu. | 
| 10. | Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira akabatwa nomweya; | 
| 11. | akavona denga razarurwa, nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina. | 
| 12. | Maiva nemhuka dzose dzinamakumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. | 
| 13. | Inzwi rikavuya kwaari, richiti: Simuka Petro, baya, udye. | 
| 14. | Asi Petro akati: Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chinetsvina. | 
| 15. | ipapo inzwi rikavuya zve kwaari rwechipiri, richiti: Chakanatswa naMwari, usati, chinetsvina iwe. | 
| 16. | Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga. | 
| 17. | Zvino Petro wakati achakanganiswa mumoyo make kuti chiratidzo chaakanga avona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKornerio, vamira pasuvo vachibvunza imba yaSimoni; | 
| 18. | vakadana, vakabvunza kana Simoni, unonzi Petro, agerepo. | 
| 19. | Zvino Petro, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari: Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. | 
| 20. | Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndava tuma. | 
| 21. | Ipapo Petro akaburukira kuvarume avo, akati kwavari: Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramavuyira ndereiko? | 
| 22. | Vakati: Kornerio, mukuru wezana, murume wakarurama, unotya Mwari, unorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, wakarairwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti anzwe mashoko kwamuri. | 
| 23. | Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka, akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. | 
| 24. | Fume zve mangwana akapinda Kesaria, Zvino Kornerio wakanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa. | 
| 25. | Zvino Petro wakati achipinda, Kornerio akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamunamata. | 
| 26. | Asi Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhu vo. | 
| 27. | Zvino wakati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakavungana, | 
| 28. | akati kwavari: Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuvuya kwaari: Asi Mwari wakandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti unetsvina; | 
| 29. | naizvozvo ndavuya, ndisingarambi, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko. | 
| 30. | Kornerio akati: Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe, ipapo ndikavona murume amire pamberi pangu, anenguvo dzinopenya. | 
| 31. | akati: Kornerio, kunyengetera kwako kwanzwika, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. | 
| 32. | Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, unonzi Petro; unogara mumba maSimoni musuki wamatebwe, pagungwa iye kana auya uchataura newe. | 
| 33. | Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamavuya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari, kuti tinzwe zvamarairwa naShe. | 
| 34. | Ipapo Petro akashamisa muromo wake, akati: Zvirokwazvo, ndinovona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; | 
| 35. | asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye. | 
| 36. | Ndiro shoko raakatuma kuvana vaIsraeri achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose), | 
| 37. | Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhea rose, rakatanga paGarirea, shure kwokubhabhatidzwa kwakaparidzwa naJohane; | 
| 38. | raJesu weNazareta, kuti Mwari wakamuzodza noMweya Mutsvene nesimba; iye waipotenyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhorosi; nokuti Mwari waiva naye. | 
| 39. | Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema; ndiye wavakavuraya, vachimuturika pamuti. | 
| 40. | Ndiye wakamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti avonekwe pachena; | 
| 41. | akasavonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. | 
| 42. | Akatiraira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye wakagadzwa naMwari kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa. | 
| 43. | Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe unotenda kwaari uchapiwa kanganwiro yezvivi. | 
| 44. | Petro wakati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamsoro pavose, vakanzwa shoko. | 
| 45. | Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vavuya naPetro, vakashamiswa, nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheni vo; | 
| 46. | nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akapindura akati: | 
| 47. | Kunomunhu here ungadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa? | 
| 48. | Zvino akaraira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva. | 
| ← Acts (10/28) → |