Acts (1/28)  

1. Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu,
2. kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene vaapostora vaakanga asanangura;
3. vaakazviratidzavo kwavari nezviratidzo zvizhinji, zvisingagoni kurambwa ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari;
4. akavaraira, avungana navo, kuti varege kubva Jerusarema asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri;
5. nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera.
6. Zvino ivo, vakati vavungana, vakamubvunza, vachiti: Ishe, modzosera vushe kunavaIsraeri nenguva ino here?
7. Akati kwavari: Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo.
8. Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika.
9. Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona,
10. Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamire navo vakafuka nguvo chena;
11. ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga.
12. Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, nhambo yerwendo rwesabata.
13. Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petro, naJohane, naJakobho, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobho, mwanakomana waAerfeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho.
14. Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe pakunyengetera, nokukumbira vanavakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun’una vake.
15. Namazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (vanhu vazhinji vaivapo pamwe chete, vanenge zana namakumi maviri), akati:
16. Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu.
17. Nokuti wakanga averengwa pamwe chete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri.
18. (Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, vura bwake bwukabuda bwose.
19. Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwavo, ndokuti: Munda weropa.)
20. Nokuti mubhuku yaMapisarema makanyorwa, zvichinzi: Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu unogaramo; Vuye: Mumwe ngaapinde pavutariri bwake.
21. Zvino pakati pavarume vaivungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu,
22. kutanga pakubhabhatidza kwaJohane, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu.
23. Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa vo Justo, naMatia.
24. Vakanyengetera, vachiti: Imi Ishe, munoziva moyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakasanangura kunaivava vaviri ndoupi;
25. kuti apiwe nzvimbo pabasa iri novuapostora ubwu, bwaakarashikirwa nabwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake.
26. Zvino vakavakandira mijenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwe chete navaapostora vanegumi nomumwe.

      Acts (1/28)