Acts (1/28) → |
1. | Teofiro, ndakanyora rugwaro rwokutanga rwezvose zvakatanga kuitwa nokudzidziswa naJesu, |
2. | kusvikira zuva raakakwidzwa, amboraira noMweya Mutsvene vaapostora vaakanga asanangura; |
3. | vaakazviratidzavo kwavari nezviratidzo zvizhinji, zvisingagoni kurambwa ari mupenyu, shure kwokutambudzika kwake, achivonekwa navo mazuva anamakumi mana, achitaura zvinhu zvovushe bwaMwari; |
4. | akavaraira, avungana navo, kuti varege kubva Jerusarema asi vagarire chipikirwa chaBaba, achiti, chiya chamakanzwa kwandiri; |
5. | nokuti Johane, zvirokwazvo, wakabhabhatidza nemvura; asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene, mazuva mazhinji asati apera. |
6. | Zvino ivo, vakati vavungana, vakamubvunza, vachiti: Ishe, modzosera vushe kunavaIsraeri nenguva ino here? |
7. | Akati kwavari: Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa naBaba vamene nesimba ravo. |
8. | Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene avuya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu paJerusarema, napaJudhea rose, napaSamaria, nokusvikira kumugumo wenyika. |
9. | Zvino wakati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitarira; gore rikamubvisa, vakasazomuvona, |
10. | Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamire navo vakafuka nguvo chena; |
11. | ivo vakati: Imi varume veGarirea, makamirireiko makatarira kudenga? Uyu Jesu, wakabva kwamuri, akakwidzwa kudenga, uchavuya saizvozvo, sezvamamuvona achienda kudenga. |
12. | Zvino vakadzokera Jerusarema, vachibva pagomo rinonzi reMiorivhi, riri pedo neJerusarema, nhambo yerwendo rwesabata. |
13. | Vakati vapinda, vakakwira muimba yaiva pamusoro, pavakanga vagere, vaiti: Petro, naJohane, naJakobho, naAndrea, naFiripo, naTomasi, naBartoromeo, naMateo, naJakobho, mwanakomana waAerfeo, naSimoni Zeroti, naJudhasi, mwanakomana waJakobho. |
14. | Ava vose vakatsungirira nomoyo mumwe pakunyengetera, nokukumbira vanavakadzi, naMaria, mai vaJesu, navanun’una vake. |
15. | Namazuva iwayo Petro wakasimuka pakati pehama, (vanhu vazhinji vaivapo pamwe chete, vanenge zana namakumi maviri), akati: |
16. | Varume, hama, rugwaro rwakafanira kuitika, rwakaprofitwa noMweya Mutsvene nomuromo waDhavhidhi, pamusoro paJudhasi, wakanga ari muperekedzi wavaya vakabata Jesu. |
17. | Nokuti wakanga averengwa pamwe chete nesu, akapiwa mugove wake pabasa iri. |
18. | (Zvino munhu uyu wakatenga munda nomubairo wezvisakarurama, akawira pasi nechiso, akaparuka napakati, vura bwake bwukabuda bwose. |
19. | Zvikanzwika navose vaigara Jerusarema; naizvozvo munda uyu ukatumidzwa Akerdama norurimi rwavo, ndokuti: Munda weropa.) |
20. | Nokuti mubhuku yaMapisarema makanyorwa, zvichinzi: Musha wake ngauitwe dongo, Kurege kuva nomunhu unogaramo; Vuye: Mumwe ngaapinde pavutariri bwake. |
21. | Zvino pakati pavarume vaivungana nesu nguva yose, Ishe Jesu yaakapinda nokubuda nayo pakati pedu, |
22. | kutanga pakubhabhatidza kwaJohane, kusvikira pazuva raakabva kwatiri, achikwidzwa, mumwe wavo unofanira kuva chapupu chokumuka kwake pamwe chete nesu. |
23. | Zvino vakaisapo vaviri, vaiti: Josefa, wainzi Barsaba, wakatumidzwa vo Justo, naMatia. |
24. | Vakanyengetera, vachiti: Imi Ishe, munoziva moyo yavanhu vose, ratidzai kuti wamakasanangura kunaivava vaviri ndoupi; |
25. | kuti apiwe nzvimbo pabasa iri novuapostora ubwu, bwaakarashikirwa nabwo iye Judhasi, kuti iye aende kunzvimbo yake. |
26. | Zvino vakavakandira mijenya ukabata Matia; iye akaverengwa pamwe chete navaapostora vanegumi nomumwe. |
Acts (1/28) → |