3John (1/1) |
1. | Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda nezvokwadi. |
2. | Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira. |
3. | Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira zvokwadi yako, dzichiti, unofamba muzvokwadi. |
4. | Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi. |
5. | Mudikanwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo; |
6. | vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari. |
7. | Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. |
8. | Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi. |
9. | Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu. |
10. | Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke. |
11. | Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari. |
12. | Demetrio unopupurirwa navanhu vose, vuye nezvokwadi imene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwazvokwadi. |
13. | Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni; |
14. | asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake, |
3John (1/1) |