3John (1/1)    

1. Mukuru kunaGayo, mudikanwa, wandinoda nezvokwadi.
2. Mudikanwa, ndinoshuva pamusoro pezvinhu zvose, kuti ubudirire,uve wakasimba, somweya wako uchibudirira.
3. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichipupurira zvokwadi yako, dzichiti, unofamba muzvokwadi.
4. Handinomufaro unopfuvura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muzvokwadi.
5. Mudikanwa, unobate-basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeni vo;
6. vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutovo wakafanira Mwari.
7. Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni.
8. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pazvokwadi.
9. Ndakanyorera kereke; asi Diotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.
10. Naizvozvo kana ndichivuya, ndicharangarira mabasa ake aanoita, kuti unotiitira makuhwa namashoko akaipa; vuye, haatendi naizvozvo bedzi, iye amene haagamuchiri hama, vuye vakanga vachida havo unovadzivisa nokuvadzinga mukereke.
11. Mudikanwa, usatevera chakaipa, asi chakanaka. Uyo, unoita zvakanaka, ndowaMwari; unoita zvakaipa, haana kuvona Mwari.
12. Demetrio unopupurirwa navanhu vose, vuye nezvokwadi imene; nesu tinopupura vo, iwe unoziva kuti kupupura kwedu ndokwazvokwadi.
13. Ndakanga ndinezvizhinji zvandaida kukunyorera, asi handidi kukunyorera neingi nepeni;
14. asi ndinotarira kuti ndichakurumidza kukuvona, tigotaurirana nomuromo. Rugare ngaruve newe. Hama dzinokukwazisa. Ndikwazisire hama, mumwe nomumwe nezita rake,

      3John (1/1)