| ← 2Timothy (4/4) |
| 1. | Ndinokupupurira kwazvo naizvozvo pamberi paMwari, naShe Jesu Kristu, iye uchatonga vapenyu navakafa pakuvonekwa kwake novushe bwake; |
| 2. | paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; raira, tuka, ranga nomoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. |
| 3. | Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachizvivunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, |
| 4. | vachifuratidza nzeve dzavo pazvokwadi, vachitsaukira kungano. |
| 5. | Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuevhangeri, upedzise basa rako kwazvo. |
| 6. | Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika. |
| 7. | Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda; |
| 8. | kubva zvino ndakachengeterwa, korona yokururama, yandichapiwa naShe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vanoda kuvonekwa kwake. |
| 9. | Shingaira kuti ukurumidze kuvuya kwandiri. |
| 10. | Nokuti Dhemasi wakandisiya, akada nyika yazvino. Akaenda Tesaronika; Kreske wakaenda Garatia, naTito wakaenda Dharmatia. |
| 11. | Ruka oga uneni. Tora Mako uvuye naye nokuti unondibatsira kwazvo pabasa. |
| 12. | Asi Tikiko ndakamutuma Efeso. |
| 13. | Nguvo yandakasiya paTroa kunaKarpo, uvuye nayo pakuvuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatebwe. |
| 14. | Areksandro, mupfuri wendarira, wakandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe uchamutsiva paakaita napo; |
| 15. | newe vo umuchenjere, nokuti wakadzivisa zvikuru mashoko edu. |
| 16. | Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusino munhu wakandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi. |
| 17. | Asi Ishe wakamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba. |
| 18. | Ishe uchandirwira pamabasa ose akaipa, uchandiponesa ndipinde vushe bwake bwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. |
| 19. | Ndikwazisirei Priska naAkwira, neimba yaOnesiforo. |
| 20. | Erasto wakasara paKorinte, asi Trofimo ndakamusiya paMireto achirwara. |
| 21. | Shingaira kuvuya, chando chisati chasvika. Yuburo, naPude, naRina, naKraudia nehama dzose vanokukwazisa. |
| 22. | Ishe Jesu Kristu ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi. Ameni. |
| ← 2Timothy (4/4) |