| ← 2Timothy (3/4) → |
| 1. | Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. |
| 2. | Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene, |
| 3. | vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, |
| 4. | vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari; |
| 5. | vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivava vo. |
| 6. | Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji, |
| 7. | zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva zvokwadi. |
| 8. | Jane naJambre sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa zvokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda. |
| 9. | Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo. |
| 10. | Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira, |
| 11. | namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura. |
| 12. | Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa. |
| 13. | Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo. |
| 14. | Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani, |
| 15. | kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. |
| 16. | Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama, |
| 17. | kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka. |
| ← 2Timothy (3/4) → |