2Timothy (3/4)  

1. Zvino uzive chinhu ichi, kuti namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika.
2. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingavongi, vasati vari vatsvene,
3. vasinorudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vanehasha, vasingadi zvinhu zvakanaka,
4. vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi, vanoda zvinofadza zvenyika kupfuvura Mwari;
5. vanomufananidzo bedzi wokunamata Mwari, asi vakarasha simba rako; ufuratire vanhu ivava vo.
6. Nokuti pakati pavo varipo vanopinda mudzimba vachiverevedza, vachitapa zvikadzi zvakaremedzwa nezvivi, zvinokwebwa nokuchiva kuzhinji,
7. zvinongogara zvichidzidza, asi hazvitongogoni kusvika pakuziva zvokwadi.
8. Jane naJambre sezvavakadzivisa Mosesi, saizvozvo ivo vanodzivisa zvokwadi, vari vanhu vanendangariro dzakavodzwa, vakarashika pakutenda.
9. Asi havachapfuvuriri mberi, nokuti vupenzi bwavo bwuchavonekwa navose, sezvakazoita bwavo.
10. Asi iwe wakatevera kudzidzisa kwangu, nomufambire, nokufunga, nokutenda, nomoyo murefu, norudo, nokutsungirira,
11. namadambudziko, nenhamo, izvo zvakandiwira paAntiokia, napaIkonio, napaRistra; madambudziko makuru sei andakanzwa pazvinhu izvozvo zvose Ishe wakandisunungura.
12. Zvino, navose vanoda kunamata Mwari munaKristu Jesu vachatambudzwa.
13. Asi vanhu vakaipa navanyengeri va chanyanyisa pakuipa, vachitsausa vamwe nokutsauswa ivo.
14. Asi iwe, rambira panezvawakadzidza zvikasimbiswa kwauri, uzive kuti wakazvidzidza kunani,
15. kuti kubvira pavucheche bwako wakaziva Manyoro Matsvene anogona kukupa vuchenjeri bwunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu.
16. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama,
17. kuti munhu waMwari akwane, agadzirirwa kwazvo mabasa ose akanaka.

  2Timothy (3/4)