| ← 2Timothy (2/4) → |
| 1. | Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri munaKristu Jesu. |
| 2. | Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogona vo kudzidzisa vamwe. |
| 3. | Utambudzike pamwe chete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu. |
| 4. | Hakunomunhu unorwa papfumo unozvipinganidza namabasa ovupenyu bwuno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo. |
| 5. | Nomunhu vo kana achivivana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvivana sezvakarairwa. |
| 6. | Murimi unobate-basa ndiye unofanira kutanga kudya zvibereko. |
| 7. | Funga zvandinoreva, nokuti Ishe uchakupa kunzwisisa pazvinhu zvose. |
| 8. | Rangarira Jesu Kristu wakamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza paEvhangeri yangu; |
| 9. | yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa. |
| 10. | Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri munaKristu Jesu, pamwe chete nokubwinya kusingaperi. |
| 11. | Ishoko razvokwadi; nokuti kana tikafa pamwe chete naye, tichararama vo pamwe chete naye. |
| 12. | Kana tikatsungirira, tichabata vushe pamwe chete naye; kana tikamuramba, iye uchatiramba vo. |
| 13. | Kana isu tisakatendeka, iye unoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye. |
| 14. | Uvayevudzire zvinhu izvi, uvaraire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo dzisinamaturo, zvinongoparadza vanonzwa. |
| 15. | Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu wakatendeka, mubati usingafaniri hake kunyadziswa, unonatsa kururamisa shoko razvokwadi. |
| 16. | Nzvenga kutaura kusinehanya naMwari; nokuti vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari, |
| 17. | neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kunaHimenayo naFireto; |
| 18. | ivo vakarashika pazvokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuvura, vachikanganisa kutenda kwavamwe. |
| 19. | Kunyange zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzinechisimbiso ichi: Ishe unoziva vanhu vake; vuye: Mumwe nomumwe unoreva zita raShe ngaabve pakusarurama. |
| 20. | Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirvheri bedzi, asi mimwe yamatanda vo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi. |
| 21. | Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, uchava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka. |
| 22. | Asi tiza kuchiva kwovujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwe chete navanodana kunaShe nomoyo wakachena. |
| 23. | Asi urambe mibvunzo yovupenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. |
| 24. | Zvino muranda waShe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, unoziva kudzidzisa, unotsungirira pakuitirwa zvakaipa, |
| 25. | unodzidzisa novunyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendevuka vagoziva zvokwadi, |
| 26. | vapengenuke zve, vabve pamusungo waDhiabhorosi, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake. |
| ← 2Timothy (2/4) → |