2Thessalonians (3/3)    

1. Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raShe ripfuvure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyu vo;
2. vuye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.
3. Asi Ishe ndiye wakatendeka, uchakusimbisai, nokukuchengetai kunowakaipa.
4. Tinokutendai munaShe, kuti munoita, vuye mucharamba muchiita,izvo zvatinokurairai.
5. Ishe ngaaruramise moyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.
6. Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raShe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingatereri mirairo yamakapiwa nesu;
7. nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;
8. hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabate basa vusiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;
9. hakuzi kuti hatinesimba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.
10. Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti kana munhu achiramba kubate-basa, ngaarege kudya vo.
11. Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.
12. Vanhu vakadaro tinovaraira nokukumbira kwavari munaShe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara vadye zvokudya zvavo zvimene.
13. Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.
14. Kana panomunhu usingatereri shoko redu remwadhi iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwiswe.
15. Regai henyu kumuidza muvengi, asi mumuraire sehama.
16. Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitovo yose. Ishe ngaave nemi mose.
17. Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruvoko rwangu, ndicho chiratidzo pamwadhi dzose; ndinonyora kudai,
18. Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose. Ameni.

  2Thessalonians (3/3)